Esteri 5:1-14
Esteri 5:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pazuva rechitatu Esteri akapfeka nguo dzake dzouhosi ndokumira muruvazhe rwomukati momuzinda, pamberi peimba yamambo. Mambo akanga akagara pachigaro chake choushe mumba, akatarisana nomukova. Paakaona vaHosi Esteri vakamira muruvanze, akafadzwa naye ndokumutambanudzira tsvimbo yake yegoridhe yaiva muruoko rwake. Naizvozvo Esteri akaswedera ndokubata muromo wetsvimbo. Ipapo mambo akamubvunza achiti, “Uri kureveiko, vaHosi Esteri? Chikumbiro chako ndecheiko? Kunyange hafu youshe uchaipiwa.” Esteri akati, “Kana zvichifadza mambo, mambo ngaauye nhasi pamwe chete naHamani, kumabiko andakugadzirirai.” Mambo akati, “Hamani ngaauye nokuchimbidza, kuti tiite zvinokumbirwa naEsteri.” Naizvozvo mambo naHamani vakaenda kumabiko akaitwa naEsteri. Pavakanga vachinwa waini, mambo akabvunzazve Esteri achiti, “Zvino, chikumbiro chako ndechei? Uchachipiwa. Uye unokumbireiko? Kunyange hafu youshe, uchapiwa.” Esteri akapindura akati, “Chichemo changu nechikumbiro changu ndeichi: Kana ndanzwirwa nyasha namambo uye kana zvichifadza mambo kupedza chichemo changu nokuzadzisa chikumbiro changu, mambo ngaauye mangwana naHamani kumabiko andichavagadzirira. Ipapo ndichapindura mubvunzo wamambo.” Pazuva iro, Hamani akaenda achifara nomufaro mukuru mumwoyo make. Asi paakaona Modhekai pasuo ramambo uye akaona kuti akanga asingasimuki kana kuratidza kutya pamberi pake, akazara nehasha nokuda kwaModhekai. Zvakadaro hazvo, Hamani akazvidzora ndokubva aenda kumba. Akadana shamwari dzake pamwe chete naZereshi, mukadzi wake, Hamani akavarondedzera nezvepfuma yake zhinji, zvokuwanda kwavanakomana vake, uye nenzira dzose dzaakaremekedzwa nadzo namambo nokuti akakwidziridzwa sei pamusoro pamamwe makurukota navabati. Hamani akatizve, “Hazvisi izvozvo chete, ndini chete munhu akakokwa navahosi Esteri kuti ndiperekedze mambo kumabiko aakatiitira. Zvino andikokazve mangwana pamwe namambo. Asi zvose izvi handigutsikani nazvo kana ndichiona muJudha uyu Modhekai agere pasuo ramambo.” Mukadzi wake Zereshi neshamwari dzake dzose vakati kwaari, “Misa matanda akareba makubhiti makumi mashanu, ugokumbira mambo panguva dzamangwanani kuti Modhekai asungirirwepo. Ipapo ugoenda namambo kumabiko nomufaro.” Shoko iri rakafadza Hamani, ndokubva aita kuti matanda amiswe.
Esteri 5:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino pazuva rechitatu Esiteri akafuka nguo dzake dzouhosi, akandomira paruvanze rwomukati rweimba yamambo, pakatarisana neimba yamambo; mambo akanga agere pachigaro chake choushe paimba yake youshe, pakatarisana nomukova weimba. Zvino mambo akati achiona vahosi Esiteri amire paruvanze, iye akanzwirwa tsitsi naye, mambo akatambanudzira Esiteri tsvimbo yendarama yakanga iri muruoko rwake. Ipapo Esiteri akaswedera, akabata muromo wetsvimbo. Zvino mambo akati kwaari, “Unoreveiko vahosi Esiteri? Unokumbireiko? Uchazvipiwa, kunyange uchikumbira hafu youshe hwangu.” Esiteri akati, “Kana mambo achifara nazvo, mambo naHamani ngavauye nhasi kumafundo andakamugadzirira.” Ipapo mambo akati, “Hamani ngaachimbidzike, kuti zvarehwa naEsiteri zviitwe.” Naizvozvo mambo naHamani vakaenda kumafundo akanga agadzirwa naEsiteri. Zvino mambo akati kuna Esiteri pamafundo ewaini, “Chinyiko chaunonyengetera? Uchazvipiwa. Unokumbireiko? Zvichaitwa, kunyange uchikumbira hafu youshe hwangu.” Ipapo Esiteri akapindura akati, “Kunyengetera kwangu nokukumbira kwangu ndikoku: “Kana ndanzwirwa tsitsi namambo, kana mambo achida kundipa chandinonyengetera, nokuita chandinokumbira, mambo naHamani ngavauye kumafundo andichavagadzirira, mangwana ndichaita sezvarehwa namambo.” Ipapo Hamani akaenda nezuva iro achifara, ano mwoyo muchena; asi Hamani akati achiona Modhekai pasuo ramambo, kuti akaramba kumusimukira, kana kumutya, akasvotwa kwazvo pamusoro paModhekai. Asi Hamani akazvidzora hake akaenda kumusha; akatuma munhu kuzodana shamwari dzake nomukadzi wake Zereshi. Hamani akavarondedzera kubwinya kwepfuma yake, nokuwanda kwavana vake, namakudzirwo aakaitwa namambo, namapfuudzirwo ake ave mukuru kumachinda navaranda vose vamambo. Hamani akapfuura akati, “Navahosi Esiteri havana kutendera mumwe munhu kupinda namambo kumapfundo avakagadzira, asi ini ndoga; uye mangwanawo ndadanwa navo pamwechete namambo. Asi izvo zvose hazvindibetseri chinhu, kana ndichigara ndichiona Modhekai muJudha agere pasuo ramambo.” Ipapo mukadzi wake Zereshi neshamwari dzake dzose vakati kwaari, “Rairai kuti vagadzire matanda anamakubhiti makumi mashanu pakureba kwawo, mangwana mugokumbira kuna mambo kuti Modhekai asungirirwe paari; ipapo mungapinda henyu nomufaro namambo kumafundo.” Zvino shoko iro rakafadza Hamani, akaraira kuti matanda agadzirwe.
Esteri 5:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pazuva retatu Esita akapfeka hanzu dzake dzouhosi hokwamambo akandomira munhandare yomukati yomumuzinda wamambo pakatarisana nezimba rokusanganira rokwamambo. Mambo akanga agere zvake pachigaro chake choumambo mumuzinda imomo pakatarisana nepokupinda napo mumuzinda. Mambo paakaona vahosi vamambo Esita amire munhandare umu, akamuitira mwoyochena akabva asimudzira tsvimbo yake yendarama yaaiva nayo muruoko kuna Esita. Esita akaswedera akasvikobata pamusoro petsvimbo iyoyo. Mambo akati kwaari, “Chiiko nhai vahosi vangu Esita? Chiiko chamuri kukumbira? Munochipihwa chete kunyange chikava zvacho chikamu chepakati napakati chaicho choumambo hwangu.” Esita ndokuti, “Kana zvichikufadzai mambo, dai mambo naHamani mukambouyawo nhasi uno kumabiko andaitira imi mambo.” Mambo akabva ati, “Kurumidzai kuunza Hamani tigoitirawo Esita zvaari kuda.” Nokudaro mambo naHamani vakasvika kumabiko akanga aitwa naEsita. Pavaingunonwa zvavo waini, mambo akati kuna Esita, “Chichemo chako ndechipiko? Unotozviitirwa chete, chiiko chauri kukumbira? Kunyange chikava zvacho chikamu chapakati napakati chaicho choumambo hwangu zvinofanira kuti zvitoitwa.” Asi Esita akati, “Chichemo changu nechikumbiro changu ndechichi chokuti; kana imi mambo mandiitirawo tsiye nyoro uye kana zvichikufadzaiwo mambo kuti munzwe chichemo changu mundiitirewo zvandichakukumbirai, dai mambo naHamani vakazouya kumabiko andichakuitirai, mangwana ndopandichazoita zvarehwa namambo.” Hamani akaenda achifara zvikuru zvake musi iwoyo hakuzi kufara ikoko, mumwoyo asisagoni nokufara. Asi Hamani paakaona Modhekai kusuo guru rokwamambo kuye kuti haana kana kumbomusimukira kunyange kudedera pamberi pake, akaviruka nehasha kutsamwira Modhekai. Zvakadaro zvazvo Hamani akazvidzora akaenda zvake kumba. Akatuma vanhu kundodaidza shamwari dzake nomudzimai wake, Zereshi. Hamani akavazuwira nezvembiri yokupfuma kwake nokuwanda kwakanga kwaita vana vake nezvose zvokusumidzirwa pachigaro chepamusoro nechiremera chaakanga apiwa namambo nokuvakwidziridza kwaakanga avaita pamusoro pemachinda namakurukota amambo. Hamani akatiwo, “Kana naivo vahosi vamambo chaivo, Esita haana mumwe waakati auye namambo kumabiko aakanga agadzirira kusiya inini chete. Izvozvi namagwanawo ivo vakatondikokazve pamwechete namambo. Asi zvose izvozvi izvi hazvina maturo, kana mumaziso mangu umu ndichinge ndangoona Modhekai muJudha uya uya akagaririra pasuo guru rokwaMambo.” Mudzimai wake, Zereshi neshamwari dzake dzose vakati kwavari, “Ngapagadzirwe mutandarikwa wamapango unoita makumi maviri emamita ane mamita maviri kureba, mugofumosvitsa kuna mambo shoko rokuti Modhekai ngaasungirirwe pamutandarikwa iwoyo mozonyatsofara zvenyu muchienda namambo kumabiko.” Zano irori rakafadza Hamani akaita kuti mutandarikwa wacho ugadzirwe.
Esteri 5:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino pazuʋa recitatu Estere wakafuka ŋguʋo dzake dzoʋuhosi, akandomira paruʋazhe rwomukati rweimba yamambo, pakatarisana neimba yamambo; mambo wakaŋga agere pacigaro cake coʋushe paimba yake yoʋushe, pakatarisana nomukoʋa weimba. Ɀino mambo wakati aciʋona ʋahosi Estere amire paruʋazhe, iye akanzwirwa tsitsi naye, mambo akatambanudzira Estere tȿimbo yendarama yakaŋga iri muruʋoko rwake. Ipapo Estere akasweɗera, akaɓata muromo wetȿimbo. Ɀino mambo akati kwaari: Unoreʋeiko ʋahosi Estere? Unokumbireiko? Ucaɀipiwa, kunyaŋge ucikumbira hafu yoʋushe bgaŋgu. Estere akati: Kana mambo acifara naɀo, mambo naHamani ŋgaʋaʋuye nhasi kumafundo andakamugadzirira. Ipapo mambo akati: Hamani ŋgaacimbidzike, kuti ɀakarebga naEstere ɀiitwe. Naiɀoɀo mambo naHamani ʋakaenda kumafundo akaŋga agadzirwa naEstere. Ɀino mambo akati kunaEstere pamafundo ewaini: Cinyiko caunonyeŋgetera? Ucaɀipiwa. Unokumbireiko? Ɀicaitwa, kunyaŋge ucikumbira hafu yoʋushe bgaŋgu. Ipapo Estere akapindura akati: Kunyeŋgetera kwaŋgu nokukumbira kwaŋgu ndikoku: Kana ndanzwirwa tsitsi namambo, kana mambo aciɗa kundipa candinonyeŋgetera, nokuita candinokumbira, mambo naHamani ŋgaʋaʋuye kumafundo andicaʋagadzirira, maŋgwana ndicaita seɀarebga namambo. Ipapo Hamani wakaenda nezuʋa iro acifara, anomŋoyo mucena; asi Hamani wakati aciʋona Mordekai pasuʋo ramambo, kuti wakaramba kumusimukira, kana kumutya, akaȿotwa kwaɀo pamsoro paMordekai. Asi Hamani wakaɀidzora hake akaenda kumusha; akatuma munhu kuzoɗana shamŋari dzake nomukadzi wake Zereshi. Hamani akaʋarondedzera kubginya kwefuma yake, nokuwanda kwaʋana ʋake, namakudzirwe aakaitwa namambo, namapfuʋudzirwe ake aʋe mukuru kumacinda naʋaranda ʋose ʋamambo. Hamani akapfuʋura akati: Naʋahosi Estere haʋana‐kutendera mumŋe munhu kupinda namambo kumafundo aʋakagadzira, asi ini ndoga; ʋuye maŋgwana ʋo ndaɗanwa naʋo pamŋe cete namambo. Asi iɀo ɀose haɀindiɓetseri cinhu, kana ndicigara ndiciʋona Mordekai muJuda agere pasuʋo ramambo. Ipapo mukadzi wake Zereshi neshamŋari dzake dzose ʋakati kwaari: Rairai kuti ʋagadzire matanda anamakubiti makumi mashanu pakureɓa kwawo, maŋgwana mugokumbira kunamambo kuti Mordekai asuŋgirirwe paari; ipapo muŋgapinda henyu nomufaro namambo kumafundo. Ɀino shoko iro rakafadza Hamani, akaraira kuti matanda agadzirwe.
Esteri 5:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)