Esteri 4:7 - Enzanisa Shanduro Dzose
Esteri 4:7 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Modhekai akamuudza zvose zvakanga zvaitika kwaari, pamwe chete nemari chaiyoiyo yakanga yavimbiswa naHamani kuti achaisa mudura ramambo kuti vaJudha vaparadzwe.
Esteri 4:7 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Modhekai akamuudza zvose zvaakaitirwa, nokuwanda kwemari yakanzi naHamani kuti achaiisa muzvivigiro zvamambo kuti vaJudha vaparadzwe.
Esteri 4:7 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Mordekai akamuʋudza ɀose ɀaakaitirwa, nokuwanda kwemari yakanzi naHamani kuti ucaiisa muɀiʋigiro ɀamambo kuti ʋaJuda ʋaparadzwe.
Esteri 4:7 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Modhekai akamurondedzera zvose zvakanga zvamuwana nouwandi chaihwo hwemari yakavimbiswa naHamani kuti aizobvisa igoendeswa maichengeterwa upfumi hwokwamambo yebasa rokuparadzisa vaJudha.
Esteri 4:7 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Modhekai akamurondedzera zvose zvakanga zvamuwana nouwandi chaihwo hwemari yakavimbiswa naHamani kuti aizobvisa igoendeswa maichengeterwa upfumi hwokwamambo yebasa rokuparadzisa vaJudha.