Esteri 4:5 - Enzanisa Shanduro Dzose
Esteri 4:5 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Esteri akatuma Hataki, mumwe wavaranda vamambo vaimushandira, akamurayira kuti atsvake kuti dambudziko raModhekai raiva rei uye kuti rakanga ravapo nokuda kwei.
Esteri 4:5 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Esiteri akadana Hataki, mumwe wavaranda vamambo, waakanga araira kumubatira, akamuraira kuti aende kuna Modhekai kundonzwa kuti chinyi, uye mhaka yeiko.
Esteri 4:5 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ipapo Estere akaɗana Hataki, mumŋe waʋaranda ʋamambo, waakaŋga araira kumuɓatira, akamuraira kuti aende kunaMordekai kundonzwa kuti cinyi, ʋuye mhaka yeiko.
Esteri 4:5 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino Esita akadaidza Hataki mumwe muyuniki wokwamambo akanga apiwa basa rokumuchengeta vakamutuma kuna Modhekai kuti andonzwa kuti chii chaizvo uye kuti zvauya sei.
Esteri 4:5 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Zvino Esita akadaidza Hataki mumwe muyuniki wokwamambo akanga apiwa basa rokumuchengeta vakamutuma kuna Modhekai kuti andonzwa kuti chii chaizvo uye kuti zvauya sei.