Esteri 4:4 - Enzanisa Shanduro Dzose
Esteri 4:4 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Varandakadzi vaEsteri navaranda vake pavakasvika vakamuudza nezvaModhekai, akatambudzika zvikuru. Akamutumira mbatya kuti apfeke panzvimbo yamasaga ake, asi haana kuzvigamuchira.
Esteri 4:4 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vasikana vaEsiteri navaranda vake vakandomuudza izvozvo; vahosi vakabatwa neshungu kwazvo, vakatumira Modhekai nguo, kuti adzifuke, abvise masaga; asi wakaramba kudzigamuchira.
Esteri 4:4 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino ʋasikana ʋaEstere naʋaranda ʋake ʋakandomuʋudza iɀoɀo; ʋahosi ʋakaɓatwa neshuŋgu kwaɀo, ʋakatumira Mordekai ŋguʋo, kuti adzifuke, abvise magumbu; asi wakaramba kudzigamucira.
Esteri 4:4 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vasikana vaEsita navayuniki vake pavakasvitsa shoko irori kwavari, vahosi vamambo vakarwadziwa kwazvo nazvo. Vakatumira hanzu dzokuti Modhekai agopfekenura hanzu dzake dzamasaga asi akadziramba.
Esteri 4:4 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Vasikana vaEsita navayuniki vake pavakasvitsa shoko irori kwavari, vahosi vamambo vakarwadziwa kwazvo nazvo. Vakatumira hanzu dzokuti Modhekai agopfekenura hanzu dzake dzamasaga asi akadziramba.