Esteri 4:3 - Enzanisa Shanduro Dzose
Esteri 4:3 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Munyika ipi neipi makasvika chirevo nomurayiro wamambo, maiva nokuchema kukuru pakati pavaJudha, nokutsanya, kuchema, nokuungudza. Vazhinji vakapfeka masaga vakarara mumadota.
Esteri 4:3 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naparutivi rumwe norumwe rwenyika pose pakasvika murayiro wamambo nechirevo chake, pakanga panokuchema kukuru pakati pavaJudha, nokuzvinyima zvokudya, nokuchema misodzi, nokuungudza; vazhinji vakavata pasi vakafuka masaga nokuzviisa madota pamisoro.
Esteri 4:3 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Naparutiʋi rumŋe norumŋe rwenyika pose pakaȿika murairo wamambo necireʋo cake, pakaŋga pano‐kucema kukuru pakati paʋaJuda, nokuɀinyima ɀokudya, nokucema misodzi, nokuwuŋgudza; ʋazhinji ʋakaʋata pasi ʋakafuka magumbu nokuɀiisa maɗota pamisoro.
Esteri 4:3 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munyika dzose, kwose kwainge kwasvika zvakatemwa namambo izvi, nechirevo chake ichochi kwaibva kwava nokuchema kukuru muvaJudha nokutsanya vachihwihwidza nokuungudza; vazhinji vavo vakanga vakapfeka hanzu dzamasaga vakazvidira madota.
Esteri 4:3 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)