Esteri 4:1-3
Esteri 4:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Modhekai paakanzwa zvose zvakanga zvaitwa, akabvarura nguo dzake, akapfeka masaga, akazvizora madota, akapinda muguta achiungudza neshungu kwazvo. Asi akangosvika pasuo ramambo chete, nokuti munhu akapfeka masaga akanga asingabvumirwi kupinda. Munyika ipi neipi makasvika chirevo nomurayiro wamambo, maiva nokuchema kukuru pakati pavaJudha, nokutsanya, kuchema, nokuungudza. Vazhinji vakapfeka masaga vakarara mumadota.
Esteri 4:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Modhekai akati achinzwa zvose zvaitwa, Modhekai ndokubvarura nguo dzake, akafuka masaga nokuisa madota pamusoro wake, akapinda pakati peguta, akachema nokuchema kukuru kunorwadza mwoyo; akasvikawo pamberi pesuo ramambo; nokuti akafuka masaga haana kutenderwa kupinda pasuo ramambo. Naparutivi rumwe norumwe rwenyika pose pakasvika murayiro wamambo nechirevo chake, pakanga panokuchema kukuru pakati pavaJudha, nokuzvinyima zvokudya, nokuchema misodzi, nokuungudza; vazhinji vakavata pasi vakafuka masaga nokuzviisa madota pamisoro.
Esteri 4:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Modhekai paakaziva zvose zvakanga zvaitwa akabvarura hanzu dzake neshungu ndokupfeka hanzu dzamasaga ndokuzvidira dota. Akabuda oenda mukati meguta iroro ndiye mhere povo wochema achiungudza zvinosiririsa kwazvo. Akandosvika mberi kwesuo guru rokwamambo asi haana kupinda nokuti hapana aikwanisa kupinda pasuo guru rokwamambo akapfeka masaga. Munyika dzose, kwose kwainge kwasvika zvakatemwa namambo izvi, nechirevo chake ichochi kwaibva kwava nokuchema kukuru muvaJudha nokutsanya vachihwihwidza nokuungudza; vazhinji vavo vakanga vakapfeka hanzu dzamasaga vakazvidira madota.
Esteri 4:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Mordekai wakati acinzwa ɀose ɀaitwa, Mordekai ndokubvarura ŋguʋo dzake, akafuka magumbu nokuisa maɗota pamusoro wake, akapinda pakati peguta, akacema nokucema kukuru kunorwadza mŋoyo; akaȿika ʋo pamberi pesuʋo ramambo; nokuti wakafuka magumbu haana‐kutenderwa kupinda pasuʋo ramambo. Naparutiʋi rumŋe norumŋe rwenyika pose pakaȿika murairo wamambo necireʋo cake, pakaŋga pano‐kucema kukuru pakati paʋaJuda, nokuɀinyima ɀokudya, nokucema misodzi, nokuwuŋgudza; ʋazhinji ʋakaʋata pasi ʋakafuka magumbu nokuɀiisa maɗota pamisoro.
Esteri 4:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)