Esteri 4:1-17 - Compare All Versions
Esteri 4:1-17 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Modhekai paakanzwa zvose zvakanga zvaitwa, akabvarura nguo dzake, akapfeka masaga, akazvizora madota, akapinda muguta achiungudza neshungu kwazvo. Asi akangosvika pasuo ramambo chete, nokuti munhu akapfeka masaga akanga asingabvumirwi kupinda. Munyika ipi neipi makasvika chirevo nomurayiro wamambo, maiva nokuchema kukuru pakati pavaJudha, nokutsanya, kuchema, nokuungudza. Vazhinji vakapfeka masaga vakarara mumadota. Varandakadzi vaEsteri navaranda vake pavakasvika vakamuudza nezvaModhekai, akatambudzika zvikuru. Akamutumira mbatya kuti apfeke panzvimbo yamasaga ake, asi haana kuzvigamuchira. Ipapo Esteri akatuma Hataki, mumwe wavaranda vamambo vaimushandira, akamurayira kuti atsvake kuti dambudziko raModhekai raiva rei uye kuti rakanga ravapo nokuda kwei. Saka Hataki akabuda akaenda kuna Modhekai pachivara cheguta pamberi pesuo ramambo. Modhekai akamuudza zvose zvakanga zvaitika kwaari, pamwe chete nemari chaiyoiyo yakanga yavimbiswa naHamani kuti achaisa mudura ramambo kuti vaJudha vaparadzwe. Akamupawo gwaro rechirevo chezvokuparadzwa zvachose kwavo, rakanga raparadzirwa muShushani, kuti andoratidza Esteri uye amutsanangurire nezvaro, uye akamuudza kuti amukurudzire kuti aende andomira pamberi pamambo akumbire kuti vanzwirwe ngoni uye agoreverera vanhu vake kwaari. Hataki akadzokerazve akandozivisa Esteri zvakanga zvarehwa naModhekai. Ipapo akamurayira kuti andoti kuna Modhekai, “Vabati vose vamambo navanhu vomunyika dzamambo vanoziva kuti mambo vanongova nomurayiro mumwe wokuti, murume upi zvake kana mukadzi anosvika pana mambo muruvazhe rwomukati asina kudaidzwa anofanira kuurayiwa. Anongoraramiswa chete kana mambo atambanudzira tsvimbo yake yegoridhe kwaari. Asi mazuva makumi matatu atopfuura mushure mokunge ndadaidzwa kuti ndiende kuna mambo.” Mashoko aEsteri akati aziviswa kuna Modhekai, iye akapindura achiti, “Usafunga kuti zvauri mumba mamambo iwe woga pakati pavaJudha uchapunyuka. Nokuti kana iwe ukanyarara panguva ino, kusunungurwa nokurwirwa kwavaJudha zvichabva kune imwe nzvimbo, asi iwe nemhuri yababa vako muchaparara. Zvino ndiani angaziva zvakaita kuti uve muimba youmambo nenguva yakaita seino?” Ipapo Esteri akatumira mhinduro kuna Modhekai achiti, “Enda unounganidza vaJudha vose vari muShushani, muzvinyime zvokudya nokuda kwangu. Musadya kana kunwa kwamazuva matatu, usiku namasikati. Ini navarandakadzi vangu tichazvinyima zvokudya sezvamuchaita imi. Kana izvi zvaitwa, ndichaenda kuna mambo, kunyange zvisingatenderwi nomurayiro. Uye kana ndichiparara, ndichaparara hangu.” Saka Modhekai akaenda akaita zvose zvakanga zvarayirwa naEsteri.
Esteri 4:1-17 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Modhekai akati achinzwa zvose zvaitwa, Modhekai ndokubvarura nguo dzake, akafuka masaga nokuisa madota pamusoro wake, akapinda pakati peguta, akachema nokuchema kukuru kunorwadza mwoyo; akasvikawo pamberi pesuo ramambo; nokuti akafuka masaga haana kutenderwa kupinda pasuo ramambo. Naparutivi rumwe norumwe rwenyika pose pakasvika murayiro wamambo nechirevo chake, pakanga panokuchema kukuru pakati pavaJudha, nokuzvinyima zvokudya, nokuchema misodzi, nokuungudza; vazhinji vakavata pasi vakafuka masaga nokuzviisa madota pamisoro. Zvino vasikana vaEsiteri navaranda vake vakandomuudza izvozvo; vahosi vakabatwa neshungu kwazvo, vakatumira Modhekai nguo, kuti adzifuke, abvise masaga; asi wakaramba kudzigamuchira. Ipapo Esiteri akadana Hataki, mumwe wavaranda vamambo, waakanga araira kumubatira, akamuraira kuti aende kuna Modhekai kundonzwa kuti chinyi, uye mhaka yeiko. Ipapo Hataki akaenda kuna Modhekai padare reguta, rakanga riri pamberi pesuo ramambo. Modhekai akamuudza zvose zvaakaitirwa, nokuwanda kwemari yakanzi naHamani kuti achaiisa muzvivigiro zvamambo kuti vaJudha vaparadzwe. Akamupawo mashoko orunyoro rwechirevo chakanga chatemwa paShusha chokuti vaparadzwe, kuti achiratidze Esiteri nokumuzivisa izvozvo; akamurairawo kuti apinde kuna mambo amunyengetere nokukumbirira vanhu vake kwaari. Hataki akandoudza Esiteri mashoko aModhekai. Ipapo Esiteri akataura naHataki, akamupa shoko rokundoudza Modhekai, akati, “Varanda vose vamambo navanhu vamativi enyika dzamambo vanoziva kuti ani naani, kunyange murume kana mukadzi, akapinda kuna mambo muruvanze rwomukati asina kudanwa, kunongova nomurau mumwe woga kwaari, kuti aurawe; asi kana mambo akamutambanudzira tsvimbo yendarama, achararama hake; asi ini handina kudanwa kuti ndipinde kuna mambo mazuva ano ana makumi matatu.” Vakaudza Modhekai mashoko aEsiteri. Ipapo Modhekai akavaraira kuti vapindure Esiteri, vati, “Usati iwe uchapukunyuka mumba mamambo kupfuura vamwe vaJudha vose. Nokuti kana iwe ukanyarara chose nenguva ino, vaJudha vachabatsirwa nokurwirwa nomumwe mutoo, asi iwe neimba yababa vako muchaparadzwa; handiti, zvimwe wakasvika paushe nokuda kwenguva inenge seino here?” Ipapo Esiteri akaraira kuti vapindure Modhekai, vati, “Endai mukokere vaJudha vose vari paShusha, muzvinyime zvokudya nokuda kwangu; regai kudya kana kunwa mazuva matatu, usiku namasikati; neniwo navasikana vangu tichazvinyima zvokudya saizvozvo; ipapo ndichapinda kuna mambo, kunyange zvisina kutenderwa nomurau; kana ndikaparara, ndaparara hangu.” Naizvozvo Modhekai akaenda hake akandoita zvose zvaakarairwa naEsiteri.
Esteri 4:1-17 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Modhekai paakaziva zvose zvakanga zvaitwa akabvarura hanzu dzake neshungu ndokupfeka hanzu dzamasaga ndokuzvidira dota. Akabuda oenda mukati meguta iroro ndiye mhere povo wochema achiungudza zvinosiririsa kwazvo. Akandosvika mberi kwesuo guru rokwamambo asi haana kupinda nokuti hapana aikwanisa kupinda pasuo guru rokwamambo akapfeka masaga. Munyika dzose, kwose kwainge kwasvika zvakatemwa namambo izvi, nechirevo chake ichochi kwaibva kwava nokuchema kukuru muvaJudha nokutsanya vachihwihwidza nokuungudza; vazhinji vavo vakanga vakapfeka hanzu dzamasaga vakazvidira madota. Vasikana vaEsita navayuniki vake pavakasvitsa shoko irori kwavari, vahosi vamambo vakarwadziwa kwazvo nazvo. Vakatumira hanzu dzokuti Modhekai agopfekenura hanzu dzake dzamasaga asi akadziramba. Zvino Esita akadaidza Hataki mumwe muyuniki wokwamambo akanga apiwa basa rokumuchengeta vakamutuma kuna Modhekai kuti andonzwa kuti chii chaizvo uye kuti zvauya sei. Hataki akabuda akaenda kuna Modhekai panhandare yeguta iri pamberi pesuo guru rokwamambo. Modhekai akamurondedzera zvose zvakanga zvamuwana nouwandi chaihwo hwemari yakavimbiswa naHamani kuti aizobvisa igoendeswa maichengeterwa upfumi hwokwamambo yebasa rokuparadzisa vaJudha. Modhekai akamupawo imwe tsamba yakanga yakaita sechirevo ichocho chakatemwa muguta reSusa chokuti vaparadzwe kuitira kuti andochiratidzawo Esita nokumutsanangurira nokumuti aende kuna mambo andomuteterera achikumbirira vanhu vokwake. Hataki akaenda akandopira Esita zvakanga zvarehwa naModhekai. Esita akataurira Hataki shoko rokundotaurira Modhekai kuti, “Machinda ose navanhu vose venyika dzamambo vanoziva kuti kuwana munhu, angave murume kana mukadzi zvake, anopinda muna mambo muimba yomukati asina kutoitwa zvokudaidzwa, kune mutemo mumwechetechete wokuti, pfiro yavo imwecheteyo; vanourayiwa, kusatoti anenge aita zvokutosimudzirwa namambo tsvimbo yendarama youmambo kuitira kuti ararame. Zvino ini handina kumbodaidzwa kuti ndipinde muna mambo mumazuva makumi matatu iwaya.” Vakandotaurirawo Modhekai zvakanga zvarehwa naEsita. Modhekai akavataurira mhinduro yokundopa Esita yokuti, “Chirega zvako kuzviti zvandiri mumuzinda wamambo ndini ndoga munhu achapunyuka pana vamwe vaJudha vose. Ndinodaro nokuti kana ukatonyarara zvako panguva yakaita seiyo iyi, vaJudha vachawana ruyamuro nokununurwa kuchangonyuka kuchibva kumwewo zvako. Asi iwe nemba yababa vako muchaparara. Zvinoka, zvimwe kupinda kwawakaita paumambo uku zvakatoitirwa nguva yakaita seiyo ino iyi, zvinaani angazvizive izvozvo?” Esita akavaudza mhinduro yokundopawo Modhekai yokuti, “Endai mundokokorodza vaJudha vose vamunowana muSusa muti ngakutsanywe muchitsanyireni murege kudya kana kunwa kwamazuva matatu siku nesikati. Iniwo navasikana vangu ndichatsanyawo sezvamuchaita. Ndichazoenda kuna mambo kunyange zvazvo zvisiri pamutemo. Kana ndikaparara ndapararawo zvangu.” Modhekai akaenda akandoita zvose zvakanga zvarayirwa naEsita.
Esteri 4:1-17 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino Mordekai wakati acinzwa ɀose ɀaitwa, Mordekai ndokubvarura ŋguʋo dzake, akafuka magumbu nokuisa maɗota pamusoro wake, akapinda pakati peguta, akacema nokucema kukuru kunorwadza mŋoyo; akaȿika ʋo pamberi pesuʋo ramambo; nokuti wakafuka magumbu haana‐kutenderwa kupinda pasuʋo ramambo. Naparutiʋi rumŋe norumŋe rwenyika pose pakaȿika murairo wamambo necireʋo cake, pakaŋga pano‐kucema kukuru pakati paʋaJuda, nokuɀinyima ɀokudya, nokucema misodzi, nokuwuŋgudza; ʋazhinji ʋakaʋata pasi ʋakafuka magumbu nokuɀiisa maɗota pamisoro. Ɀino ʋasikana ʋaEstere naʋaranda ʋake ʋakandomuʋudza iɀoɀo; ʋahosi ʋakaɓatwa neshuŋgu kwaɀo, ʋakatumira Mordekai ŋguʋo, kuti adzifuke, abvise magumbu; asi wakaramba kudzigamucira. Ipapo Estere akaɗana Hataki, mumŋe waʋaranda ʋamambo, waakaŋga araira kumuɓatira, akamuraira kuti aende kunaMordekai kundonzwa kuti cinyi, ʋuye mhaka yeiko. Ipapo Hataki akaenda kunaMordekai paɗare reguta, rakaŋga riri pamberi pesuʋo ramambo. Mordekai akamuʋudza ɀose ɀaakaitirwa, nokuwanda kwemari yakanzi naHamani kuti ucaiisa muɀiʋigiro ɀamambo kuti ʋaJuda ʋaparadzwe. Akamupa ʋo mashoko orunyoro rwecireʋo cakaŋga catemŋa paShushani cokuti ʋaparadzwe, kuti aciratidze Estere nokumuziʋisa iɀoɀo; akamuraira ʋo kuti apinde kunamambo amunyeŋgetere nokukumbirira ʋanhu ʋake kwaari. Hataki akandoʋudza Estere mashoko aMordekai. Ipapo Estere akataura naHataki, akamupa shoko rokundoʋudza Mordekai, akati: Ʋaranda ʋose ʋamambo naʋanhu ʋamatiʋi enyika dzamambo ʋanoziʋa kuti aninani, kunyaŋge murume kana mukadzi, kana akapinda kunamambo muruʋazhe rwomukati asina‐kuɗanwa, kunoŋgoʋa nomurau mumŋe woga kwaari, kuti aʋurawe; asi kana mambo akamutambunudzira tȿimbo yendarama, ucararama hake; asi ini handina‐kuɗanwa kuti ndipinde kunamambo mazuʋa ano anamakumi matatu. Ʋakaʋudza Mordekai mashoko aEstere. Ipapo Mordekai akaʋaraira kuti ʋapindure Estere, ʋati: Usati iwe ucapukunyuka mumba mamambo kupfuʋura ʋamŋe ʋaJuda ʋose. Nokuti kana iwe ukanyarara cose neŋguʋa ino, ʋaJuda ʋacaɓatsirwa nokurwirwa nomumŋe mutoʋo, asi iwe neimba yaɓaɓa ʋako mucaparadzwa; handiti, ɀimŋe wakaȿika paʋushe nokuɗa kweŋguʋa ineŋge seino here? Ipapo Estere akaraira kuti ʋapindure Mordekai, ʋati: Endai mukokere ʋaJuda ʋose ʋari paShushani, muɀinyime ɀokudya nokuɗa kwaŋgu; regai kudya kana kunwa mazuʋa matatu, ʋusiku namasikati; neni ʋo naʋasikana ʋaŋgu ticaɀinyima ɀokudya saiɀoɀo; ipapo ndicapinda kunamambo, kunyaŋge ɀisina‐kutenderwa nomurau; kana ndikaparara, ndaparara haŋgu. Naiɀoɀo Mordekai akaenda hake akandoita ɀose ɀaakarairwa naEstere.
Esteri 4:1-17 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)