Skip to content
Logo yeApp yeBhaibheri

Esteri 4:1 - Enzanisa Shanduro Dzose

Esteri 4:1 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Modhekai paakanzwa zvose zvakanga zvaitwa, akabvarura nguo dzake, akapfeka masaga, akazvizora madota, akapinda muguta achiungudza neshungu kwazvo.

Pakurirana nevamwe
Esteri 4 BDSC

Esteri 4:1 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino Modhekai akati achinzwa zvose zvaitwa, Modhekai ndokubvarura nguo dzake, akafuka masaga nokuisa madota pamusoro wake, akapinda pakati peguta, akachema nokuchema kukuru kunorwadza mwoyo

Pakurirana nevamwe
Esteri 4 SNA2002

Esteri 4:1 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino Mordekai wakati acinzwa ɀose ɀaitwa, Mordekai ndokubvarura ŋguʋo dzake, akafuka magumbu nokuisa maɗota pamusoro wake, akapinda pakati peguta, akacema nokucema kukuru kunorwadza mŋoyo

Pakurirana nevamwe
Esteri 4 SUB1949

Esteri 4:1 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Modhekai paakaziva zvose zvakanga zvaitwa akabvarura hanzu dzake neshungu ndokupfeka hanzu dzamasaga ndokuzvidira dota. Akabuda oenda mukati meguta iroro ndiye mhere povo wochema achiungudza zvinosiririsa kwazvo.

Pakurirana nevamwe
Esteri 4 SCLB

Esteri 4:1 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Modhekai paakaziva zvose zvakanga zvaitwa akabvarura hanzu dzake neshungu ndokupfeka hanzu dzamasaga ndokuzvidira dota. Akabuda oenda mukati meguta iroro ndiye mhere povo wochema achiungudza zvinosiririsa kwazvo.

Pakurirana nevamwe
Esteri 4 SCLBD