Skip to content
Logo yeApp yeBhaibheri

Esteri 3:4 - Enzanisa Shanduro Dzose

Esteri 3:4 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Zuva nezuva vaitaura naye asi iye akaramba kuvanzwa. Naizvozvo vakaudza Hamani izvozvo kuti vaone kuti maitiro aModhekai angangoregererwa here, nokuti iye akanga avaudza kuti aiva muJudha.

Pakurirana nevamwe
Esteri 3 BDSC

Esteri 3:4 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino vakati vataura naye mazuva ose, iye achiramba kuvateerera, vakaudza Hamani kuti vawone kana mashoko aModhekai angava nesimba; nokuti akavaudza kuti iye muJudha.

Pakurirana nevamwe
Esteri 3 SNA2002

Esteri 3:4 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino ʋakati ʋataura naye mazuʋa ose, iye aciramba kuʋaterera, ʋakaʋudza Hamani kuti ʋaʋone kana mashoko aMordekai aŋgaʋa nesimba; nokuti wakaʋaʋudza kuti iye muJuda.

Pakurirana nevamwe
Esteri 3 SUB1949

Esteri 3:4 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Pavakataura naye zuva nezuva iye asingateereri vakazozvisvitsa kuna Hamani vachida kuona kuti zvaitaurwa naModhekai zvaizomusvitsa kupi, nokuti akanga avaudza kuti aiva muJudha.

Pakurirana nevamwe
Esteri 3 SCLB

Esteri 3:4 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Pavakataura naye zuva nezuva iye asingateereri vakazozvisvitsa kuna Hamani vachida kuona kuti zvaitaurwa naModhekai zvaizomusvitsa kupi, nokuti akanga avaudza kuti aiva muJudha.

Pakurirana nevamwe
Esteri 3 SCLBD