Skip to content
Logo yeApp yeBhaibheri

Esteri 2:23 - Enzanisa Shanduro Dzose

Esteri 2:23 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Zvino shoko iri rakati raferefetwa uye rikawanikwa riri rechokwadi, vabati vaviri ava vakasungirwa pamatanda vakafa. Zvose izvi zvakanyorwa mubhuku renhoroondo pamberi pamambo.

Pakurirana nevamwe
Esteri 2 BDSC

Esteri 2:23 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino vakati vachinzvera chinhu icho, vakawana kuti zvirokwazvo, vose vari vaviri vakasungirirwa pamuti; zvikanyorwa mubhuku yamakoronike pamberi pamambo.

Pakurirana nevamwe
Esteri 2 SNA2002

Esteri 2:23 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino ʋakati ʋacinɀera cinhu ico, ʋakawana kuti ɀirokwaɀo, ʋose ʋari ʋaʋiri ʋakasuŋgirirwa pamuti; ɀikanyorwa mubuku yamakoronike pamberi pamambo.

Pakurirana nevamwe
Esteri 2 SUB1949

Esteri 2:23 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Pazvakatsvagurudzwa zvikaonekwa kuti ndizvo, varume ivava vose vari vaviri vakaurayiwa vachiita zvokusungirirwa mumuti, zvikanyorwawo muBhuku reNhoroondo mambo aripo.

Pakurirana nevamwe
Esteri 2 SCLB

Esteri 2:23 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Pazvakatsvagurudzwa zvikaonekwa kuti ndizvo, varume ivava vose vari vaviri vakaurayiwa vachiita zvokusungirirwa mumuti, zvikanyorwawo muBhuku reNhoroondo mambo aripo.

Pakurirana nevamwe
Esteri 2 SCLBD