Esteri 2:2-4
Esteri 2:2-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo varanda vamambo vaimushandira vakati, “Mambo ngaatsvakirwe mhandara dzakanaka. Mambo ngaagadze nhume munyika dzose dzoumambo hwake kuti vauye navasikana vakanaka munzvimbo inogara vakadzi panhare yeShushani. Ngavachengetwe naHegai, muranda wamambo anoona nezvamadzimai, uye zvinopa runako ngazvipiwe kwavari. Zvino musikana uyo anofadza mambo ngaave vahosi pachinzvimbo chaVhashiti.” Zano iri rakafadza mambo, uye akaita saizvozvo.
Esteri 2:2-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo varanda vamambo vaimubatira, vakati, “Mambo ngaatsvakirwe mhandara dzakanaka; mambo ngaaise vatariri pamativi ose oushe hwake, vaunganidze mhandara dzose dzakanaka paShusha nhare yamambo, paimba yavakadzi, vachengetwe naHegai muranda wamambo, mutariri wavakadzi; vapiwewo zvavangazvinatsa nazvo. “Zvino musikana unofarirwa namambo ngaave vahosi panzvimbo yaVashiti.” Izvozvo zvikafadza mambo, akaita saizvozvo.
Esteri 2:2-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Makurukota amambo vaimushandira vakati, “Dai mambo akatsvakirwa vasikana mhandara dzinotarisika zvakanaka. Mambo ngaasarudze mamwe machinda munyika dzose dzoumambo hwake vaunganidze vasikana vacho, mhandara dzakanaka idzodzo kumba yavanhukadzi kuguta reSusa, guta guru romuzinda wamambo, vave mumaoko aHegai muyuniki wamambo ane basa rokuona nezvevanhukadzi vagopiwa mafuta avo okuzora. Mhandara inenge yafarirwa namambo ngaive iyo vahosi vamambo panzvimbo yaVhashiti.” Izvi zvakafadza mambo vakaita saizvozvo.
Esteri 2:2-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo ʋaranda ʋamambo ʋaimuɓatira, ʋakati: Mambo ŋgaatȿakirwe mhandara dzakanaka; mambo ŋgaaise ʋatariri pamatiʋi ose oʋushe bgake, ʋaʋuŋganidze mhandara dzose dzakanaka paShushani nhare yamambo, paimba yaʋakadzi, ʋaceŋgetwe naHegai muranda wamambo, mutariri waʋakadzi; ʋapiwe ʋo ɀaʋaŋgaɀinatsa naɀo; ɀino musikana unofarirwa namambo ŋgaaʋe ʋahosi panɀimbo yaVashti. Iɀoɀo ɀikafadza mambo, akaita saiɀoɀo.
Esteri 2:2-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)