Skip to content
Logo yeApp yeBhaibheri

Esteri 2:12 - Enzanisa Shanduro Dzose

Esteri 2:12 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Musikana aifanira kupedza mwedzi gumi nemiviri achizvinatsa nezvinonhuhwira dzoro rake risati rasvika rokupinda kuna mambo Zekisesi sokurongerwa kwaiitirwa vanhukadzi, mwedzi mitanhatu yamafuta emura uye mwedzi mitanhatu yezvinonhuhwira nezvizoro.

Pakurirana nevamwe
Esteri 2 BDSC

Esteri 2:12 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino dzoro romusikana mumwe nomumwe rakati richisvika kupinda kuna mambo Ahashivheroshi, kana aitirwa zvose nomurayiro wavakadzi mwedzi ine gumi nemiviri, (nokuti mazuva okunatswa kwavo akapera kudai: mwedzi mitanhatu vachizora mafuta emura, mwedzi mitanhatu zvinonhuwira, uye zvimwe zvinhu zvokunatsa vakadzi nazvo,)

Pakurirana nevamwe
Esteri 2 SNA2002

Esteri 2:12 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino dzoro romusikana mumŋe nomumŋe rakati riciȿika kupinda kunamambo Ahashveroshi, kana aitirwa ɀose nomurairo waʋakadzi mŋedzi inegumi nemiʋiri, (nokuti mazuʋa okunatswa kwaʋo akapera kuɗai: Mŋedzi mitanhatu ʋacizora mafuta emura, mŋedzi mitanhatu ɀinonhuwira, ʋuye ɀimŋe ɀinhu ɀokunatsa ʋakadzi naɀo,)

Pakurirana nevamwe
Esteri 2 SUB1949

Esteri 2:12 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Musikana woga woga aiva nechijana chake chokupinda muna mambo Ahasuerusi. Pamurawo waisunga nezvavanhukadzi ivavo, kupindamo, aitozopinda kwapera mwedzi gumi nemiviri nokuti ndiyo nguva yacho yavaipedza yokuzvivandudza nayo runako, vaiita mwedzi mitanhatu namafuta emura, vozoitawo mimwezve mwedzi mitanhatu vaine twokurungisa tunonhuwirira namafuta okuzora echikadzi.

Pakurirana nevamwe
Esteri 2 SCLB

Esteri 2:12 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Esteri 2 SCLBD