Esteri 1:4 - Enzanisa Shanduro Dzose
Esteri 1:4 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akaratidza kuwanda kwepfuma youmambo hwake uye nokuyevedza nokubwinya kwoumambo hwake kwamazuva zana namakumi masere akazara.
Esteri 1:4 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akavaratidza pfuma youshe hwake hwakarumbidzwa, nokukudzwa kwoumambo hwake hwakaisvonaka mazuva mazhinji, ari mazuva ane zana namakumi masere.
Esteri 1:4 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Akaʋaratidza fuma yoʋushe bgake bgakarumbidzwa, nokukudzwa kwoʋumambo bgake bgakaiȿo‐naka mazuʋa mazhinji, ari mazuʋa anezana namakumi masere.
Esteri 1:4 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Izvozvo ainge achiratidza kuwanda kwoupfumi hwoumambo hwake norunako rwahwo nechiremera chake nomukurumbira woumambo hwake kwamazuva mazhinji, kwezana ramazuva rina mazuva makumi masere.
Esteri 1:4 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Izvozvo ainge achiratidza kuwanda kwoupfumi hwoumambo hwake norunako rwahwo nechiremera chake nomukurumbira woumambo hwake kwamazuva mazhinji, kwezana ramazuva rina mazuva makumi masere.