Esteri 1:15-20
Esteri 1:15-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akabvunza achiti, “Pamurayiro chii chinofanira kuitwa kuna vaHosi Vhashiti? Havana kuteerera kurayira kwaMambo Zekisesi sokuudzwa kwavaitwa navaranda.” Ipapo Memukani akapindura pamberi pamambo namakurukota akati, “VaHosi Vhashiti vaita zvakaipa, kwete kuna mambo chete asi nokumakurukota ose nokuvanhu vose venyika dzose dzamambo Zekisesi. Nokuti zvaitwa navahosi zvichazivikanwa navakadzi vose, nokudaro vachazvidza varume vavo vachiti, ‘Inga wani Mambo Zekisesi vakarayira vaHosi Vhashiti kuti vauye vamire pamberi pavo, asi vakaramba kuuya.’ Iye nhasi uno vakadzi vamakurukota ePezhia neveMedhia vanzwa zvaitwa navahosi vachaitawo saizvozvo kumakurukota amambo. Kusakudzana nenyonganyonga hazvimbozoperi. “Naizvozvo, kana mambo achifara nazvo, ngaateme chirevo chamambo uye ngachinyorwe mumirayiro yavaPezhia navaMedhia, isingagoni kushandurwa kuti Vhashiti haachazosvikizve pamberi paMambo Zekisesi. Uyezve mambo ngaape chinzvimbo chake muumambo kuno mumwe ari nani kupinda iye. Ipapo kana chirevo chamambo chaziviswa muumambo hwake hwose, vakadzi vose vachakudza varume vavo, kubva kumudiki kusvikira kumukuru.”
Esteri 1:15-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
akati, “Murayiro unoti kudini, tichaitireiko vahosi Vashiti, zvavakaramba kuita sezvavakarairwa namambo Ahashivheroshi nomuromo wavaranda?” Ipapo Memukani akapindura mambo namachinda, akati, “Vahosi havana kutadzira mambo bedzi, asi namachinda osewo, navanhu vose vari munyika dzose dzamambo Ahashivheroshi. Nokuti ichi chakaitwa navahosi chichapararira pakati pavakadzi vose, zvino vachashora varume vavo, kana zvichinzi, ‘Mambo Ahashivheroshi akaraira vahosi Vashiti kuti vauyiswe pamberi pake, asi vakaramba kuuya.’ Nhasi vakadzi vamachinda ePerisia neMedhia, akanzwa zvakaitwa navahosi, achataurawo zvakadaro kumachinda ose amambo. Naizvozvo kushora nokutsamwa kukuru kuchamuka. Kana mambo achifara nazvo, mambo ngaateme murayiro une simba ramambo, unyorwe pamirairo yavaPerisia navaMedhia, urege kushandurwa. Kuti Vashiti arege kuzouyazve pamberi pamambo Ahashivheroshi; mambo ngaape mumwe akanaka kupfuura iye uhosi hwake. Zvino kana chirevo chamambo chavatema, chikaparidzwa paushe hwake hwose, (nokuti ukuru kwazvo), vakadzi vose vachakudza varume vavo, vose vakuru navaduku.”
Esteri 1:15-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Pamutemo, chii chinofanira kuitwa kuna vahosi Vhashiti, varega kuita zvarayirwa vayuniki namambo Ahasuerusi zvaatema kuti zviitwe?” Memukani ndokutaura pana mambo namachinda achiti, “Vahosi vamambo, Vhashiti, haana kutadzira mambo chete, asi atotadzirawo machinda ose namarudzi ose avanhu vari munyika dzamambo Ahasuerusi. Ndinodaro nokuti, zvaitwa navahosi vamambo izvi zvichazikanwa navakadzi vose zvikakonzera kuti vazvidze varume vavo nokuti vachati, ‘Mambo Ahasuerusi akarayira kuti vahosi vamambo vauyiswe kwaaiva, asi ivo vakarega kuendako wani!’ Iye nhasi uno chaiye, vakadzi vomuPezhiya umu nomuMidhia vanzwa zvaitwa navahosi vamambo izvi, vachatozvitaurirawo kumachinda ose amambo pachave nokushora noruvengo rukuru kwazvo. Kana zvichikufadzai mambo ngapatemwe chirevo chinobva kunemi mambo chitobvawo chatonyorwa mumutemo yavaPezhiya nevaMidhia, uve mutemo usingashandurwi unoti: Vhashiti haafanire kumbobvumirwazve zvake kusvika pana mambo Ahasuerusi, uyewo chinzvimbo chake chokwamambo chipiwe kuno mumwe ari nani paari. Saizvozvo kana chirevo ichochi chaitwa namambo chaparidzwa munyika yamambo yose namakuriro ayakaita, madzimai ose acharemekedza varume vavo. Vangave varume vane chinzvimbo chiri pamusoro kana chiri pasi zvacho.”
Esteri 1:15-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
akati: Murairo unoti kuɗini, ticaitireiko ʋahosi Vashti, ɀaʋakaramba kuita seɀaʋakarairwa namambo Ahashveroshi nomuromo waʋaranda? Ipapo Memukani akapindura mambo namacinda, akati: Ʋahosi haʋana‐kutadzira mambo ɓedzi, asi namacinda ose ʋo, naʋanhu ʋose ʋari munyika dzose dzamambo Ahashveroshi. Nokuti ici cakaitwa naʋahosi cicapararira pakati paʋakadzi ʋose, ɀino ʋacashoʋora ʋarume ʋaʋo, kana ɀicinzi: Mambo Ahashveroshi wakaraira ʋahosi Vashti kuti ʋaʋuyiswe pamberi pake, asi ʋakaramba kuʋuya. Nhasi ʋakadzi ʋamacinda ePersia neMedia, akanzwa ɀakaitwa naʋahosi, acataura ʋo ɀakaɗaro kumacinda ose amambo. Naiɀoɀo kushoʋora nokutsamŋa kukuru kucamuka. Kana mambo acifara naɀo, mambo ŋgaateme murairo unesimba ramambo, unyorwe pamirairo yaʋaPersia naʋaMedia, urege kushandurwa, kuti Vashti arege kuzoʋuya ɀe pamberi pamambo Ahashveroshi; mambo ŋgaape mumŋe wakanaka kupfuʋura iye ʋuhosi bgake. Ɀino kana cireʋo camambo caʋacatema, cikaparidzwa paʋushe bgake bgose, (nokuti ʋukuru kwaɀo,) ʋakadzi ʋose ʋacakudza ʋarume ʋaʋo, ʋose ʋakuru naʋaɗuku.
Esteri 1:15-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)