VaEfeso 6:14-17
VaEfeso 6:14-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo mirai makasunga zviuno zvenyu nechokwadi, makapfeka chidzitiro chechipfuva chokururama, makasunga patsoka dzenyu kugadzirwa kweVhangeri yorugare; pamusoro paizvozvi makatora nhoo huru yokutenda, yamungagona kudzima nayo miseve yose yomoto yowakaipa. Torai ngowani yoruponeso, nomunondo woMweya, iro shoko raMwari
VaEfeso 6:14-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino mirai nesimba, makasunga bhanhire rechokwadi muchiuno chenyu, nechidzitiro chechipfuva chokururama, uye tsoka dzenyu dzakashongedzwa negadziriro inobva pavhangeri rorugare. Pamusoro paizvozvi zvose, torai nhoo yokutenda, iyo yamunogona kudzima nayo miseve inopfuta yowakaipa. Torai nguwani yoruponeso nomunondo womweya, iro shoko raMwari.
VaEfeso 6:14-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo mirai makasunga zviuno zvenyu nechokwadi, makapfeka chidzitiro chechipfuva chokururama, makasunga patsoka dzenyu kugadzirwa kweVhangeri yorugare; pamusoro paizvozvi makatora nhoo huru yokutenda, yamungagona kudzima nayo miseve yose yomoto yowakaipa. Torai ngowani yoruponeso, nomunondo woMweya, iro shoko raMwari
VaEfeso 6:14-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Saizvozvo mirai makazvisunga zviuno zvenyu nechokwadi sebhande makapfeka demautare rapaditi rokururama. Mutsoka dzenyu pfekai shangu dzokuda kuparidza Shoko Rakanaka rorugare uyewo garai nguva dzose makabata nhoo yechitendero yamunogona kudzima nayo miseve yose yomoto yewakaipa. Dzikai mumusoro ruponeso senguwani muine bakatwa raMweya zvichireva Shoko raMwari.
VaEfeso 6:14-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo mirai makasuŋga ɀiʋuno ɀenyu neɀokwaɗi, makapfeka cidzitiro cecifuʋa cokururama, makasuŋga patsoka dzenyu kugadzirwa kweEvaŋgeri yorugare; pamsoro paiɀoɀi makatora nhoʋo huru yokutenda, yamuŋgagona kudzima nayo miseʋe yose yomŋoto yowakaipa. Torai ŋgowani yoruponeso, nomunondo woMŋeya, iro Shoko raMŋari
VaEfeso 6:14-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)