Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaEfeso 5:8-9 - Compare All Versions

VaEfeso 5:8-9 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Nokuti kare maiva rima, asi zvino mava chiedza muna She. Garai savana vechiedza (nokuti chibereko chechiedza chino kunaka kwose, kururama nechokwadi)

Pakurirana nevamwe
VaEfeso 5 BDSC

VaEfeso 5:8-9 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

nokuti kare maiva rima, asi zvino muri chiedza muna Ishe; fambai savana vechiedza. Nokuti chibereko chechiedza chiri mukunaka kwose, nokururama, nechokwadi

Pakurirana nevamwe
VaEfeso 5 SNA2002

VaEfeso 5:8-9 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

nokuti kare maiʋa rima, asi ɀino muri ciedza munaShe; fambai saʋana ʋeciedza. (Nokuti ciɓereko ceciedza ciri mukunaka kwose, nokururama, neɀokwaɗi)

Pakurirana nevamwe
VaEfeso 5 SUB1949

VaEfeso 5:8-9 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

nokuti maimbova verima asi muna Tenzi mava vechiedza. Naizvozvo fambai savana vechiedza. ( Muchero wechiedza unowanikwa mune zvakanaka zvose nomune zvakarurama nezviri pachokwadi.)

Pakurirana nevamwe
VaEfeso 5 SCLB

VaEfeso 5:8-9 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

nokuti maimbova verima asi muna Tenzi mava vechiedza. Naizvozvo fambai savana vechiedza. ( Muchero wechiedza unowanikwa mune zvakanaka zvose nomune zvakarurama nezviri pachokwadi.)

Pakurirana nevamwe
VaEfeso 5 SCLBD