VaEfeso 5:3-4
VaEfeso 5:3-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi pakati penyu hapafaniri kutaurwa kunyange zvoupombwe, kana tsvina yemhando ipi zvayo, kana kukara, nokuti izvi hazvina kunaka kuvanhu vatsvene vaMwari. Uye hapafaniri kuva nokufunga kusina maturo, kutaura kwoupenzi kana kunemera, izvo zvisina kufanira, asi zviri nani kuvonga.
VaEfeso 5:3-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi upombwe, netsvina yose, kana kuchiva, ngazvirege kurehwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene; nezvakaipa, nokutaura zvoupenzi, nokunemera, izvo zvisina kufanira; asi zviri nani kuvonga.
VaEfeso 5:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Sechinhu chinokodzerana navatsvene, pakati penyu hapafaniri kana kudomwa zvako upombwe nezvinhu zvose zvakaora kana makaro. Ngaparege kuva nezvinhu zvisingakodzeri nezvetsvina zvose kana tunyaya tusina maturo kana kushaya hunhu asi chinofanira kuvapo kutenda.
VaEfeso 5:3-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi ʋupombge, netȿina yose, kana kuciʋa, ŋgaɀirege kurebga pakati penyu, seɀinofanira ʋatȿene; neɀakaipa, nokutaura ɀoʋupenzi, nokunemera, iɀo ɀisina‐kufanira; asi ɀirinani kuʋoŋga.
VaEfeso 5:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)