VaEfeso 5:25-29 - Compare All Versions
VaEfeso 5:25-29 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Varume, idai vakadzi venyu, saKristu akada kereke uye akazvipa nokuda kwayo kuti aiite tsvene, akaishambidza nokushambidza kwemvura neshoko, uye kuti ayiuyise kwaari sekereke inobwinya, isina gwapa kana kuunyana kana chipi zvacho chainopomerwa. Nenzira imwe cheteyo, varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo chaiyo. Uyo anoda mukadzi wake anozvida iye pachake. Pana izvozvo zvose, hakuna munhu angavenga muviri wake, asi anoupa zvokudya uye anouchengeta, sezvinoita Kristu kukereke
VaEfeso 5:25-29 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Imi varume, idai vakadzi venyu, Kristu sezvaakadawo sangano, akazvipa nokuda kwaro; kuti ariite dzvene achirinatsa nokushambidza nemvura neshoko, kuti azviisire pamberi pake sangano, rinobwinya, risina gwapa, kana kuonyana, kana chinhu chakadai; asi rive dzvene, risina mhosva. Saizvozvowo varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo. Anoda mukadzi wake, anozvida; nokuti hakuna munhu akatongovenga nyama yake; asi anoipa zvokudya nokuichengeta, Kristu sezvaanoitira sangano
VaEfeso 5:25-29 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Imi varume idai vadzimai venyu sokuda kwakaita Kristu sangano akazvipira iye pamusana paro kuti ariite dzvene, mushure mokunge ari shambidza mumvura neshoko kuti aritsvitse kwaari rakanaka kwazvo risina kana kavara kana pakaunyana kana chimwe chakadaro kuti rive dzvene risina chinoshoreka. Saizvozvo varume vanofanira kuda vadzimai vavo sokuda kwavanoita miviri yavo. Munhu anoda mudzimai wake ari kutozvida iye pachake nokuti hapana munhu anovenga muviri wake. Asi anotoupa chokudya nokunyatsouchengetedza sezvinoita Kristu kusangano.
VaEfeso 5:25-29 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Imi ʋarume, iɗai ʋakadzi ʋenyu, Kristu seɀaakaɗa ʋo kereke, akaɀipa nokuɗa kwayo; kuti aiite tȿene aciinatsa nokushambidza kwemvura pashoko, kuti aɀiisire pamberi pake kereke, inobginya, isinegwapa, kana kuwonyana, kana cinhu cakaɗai; asi iʋe tȿene, isinemhosa. Saiɀoɀo ʋo ʋarume ʋanofanira kuɗa ʋakadzi ʋaʋo semiʋiri yaʋo. Unoɗa mukadzi wake, unoɀiɗa; nokuti hakunomunhu wakatoŋgoʋeŋga nyama yake; asi unoipa ɀokudya nokuiceŋgeta, Kristu seɀaanoitira kereke
VaEfeso 5:25-29 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)