VaEfeso 5:21-33
VaEfeso 5:21-33 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
muchizviisa mumwe pasi pomumwe, muchitya Kristu. Imi vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu chaivo, sezvamunoita kuna Ishe. Nokuti murume musoro womukadzi, saKristuwo musoro wesangano; iye amene ndiye muponesi womuviri. Asi sangano sezvariri pasi paKristu, vakadzi ngavadaro pazvinhu zvose kuvarume vavo. Imi varume, idai vakadzi venyu, Kristu sezvaakadawo sangano, akazvipa nokuda kwaro; kuti ariite dzvene achirinatsa nokushambidza nemvura neshoko, kuti azviisire pamberi pake sangano, rinobwinya, risina gwapa, kana kuonyana, kana chinhu chakadai; asi rive dzvene, risina mhosva. Saizvozvowo varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo. Anoda mukadzi wake, anozvida; nokuti hakuna munhu akatongovenga nyama yake; asi anoipa zvokudya nokuichengeta, Kristu sezvaanoitira sangano; nokuti isu tiri mitezo yomuviri wake. Naizvozvo munhu achasiya baba vake namai vake, anamatire mukadzi wake; ivavo vaviri vachava nyama imwe. Chakavanzika ichi, chikuru; asi ndinotaura zvaKristu nezvesangano. Asi imiwo, mumwe nomumwe ngaade mukadzi wake sezvaanozvida iye; nomukadzi ngaatye murume wake
VaEfeso 5:21-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Muzviise pasi pomumwe nomumwe wenyu muchitya Kristu. Vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu sezvamunoita kuna She. Nokuti murume musoro womukadzi saKristu ari musoro wekereke, iwo muviri wake, iyo yaari muponesi wayo. Zvino sezvo kereke ichizviisa pasi paKristu, saizvozvowo vakadzi vanofanira kuzviisa pasi pavarume vavo pazvinhu zvose. Varume, idai vakadzi venyu, saKristu akada kereke uye akazvipa nokuda kwayo kuti aiite tsvene, akaishambidza nokushambidza kwemvura neshoko, uye kuti ayiuyise kwaari sekereke inobwinya, isina gwapa kana kuunyana kana chipi zvacho chainopomerwa. Nenzira imwe cheteyo, varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo chaiyo. Uyo anoda mukadzi wake anozvida iye pachake. Pana izvozvo zvose, hakuna munhu angavenga muviri wake, asi anoupa zvokudya uye anouchengeta, sezvinoita Kristu kukereke, nokuti tiri nhengo dzomuviri wake. “Nokuda kwaizvozvi, murume achasiya baba namai vake uye asanganiswe nomukadzi, uye vaviri vachava nyama imwe chete.” Ichi ndicho chakavanzika chakadzika, asi ndiri kutaura pamusoro paKristu nekereke. Kunyange zvakadaro, mumwe nomumwe wenyuwo anofanira kuda mukadzi wake sezvaanozvida iye, uye mukadzi anofanira kuremekedza murume wake.
VaEfeso 5:21-33 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
muchizviisa mumwe pasi pomumwe, muchitya Kristu. Imi vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu chaivo, sezvamunoita kuna Ishe. Nokuti murume musoro womukadzi, saKristuwo musoro wesangano; iye amene ndiye muponesi womuviri. Asi sangano sezvariri pasi paKristu, vakadzi ngavadaro pazvinhu zvose kuvarume vavo. Imi varume, idai vakadzi venyu, Kristu sezvaakadawo sangano, akazvipa nokuda kwaro; kuti ariite dzvene achirinatsa nokushambidza nemvura neshoko, kuti azviisire pamberi pake sangano, rinobwinya, risina gwapa, kana kuonyana, kana chinhu chakadai; asi rive dzvene, risina mhosva. Saizvozvowo varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo. Anoda mukadzi wake, anozvida; nokuti hakuna munhu akatongovenga nyama yake; asi anoipa zvokudya nokuichengeta, Kristu sezvaanoitira sangano; nokuti isu tiri mitezo yomuviri wake. Naizvozvo munhu achasiya baba vake namai vake, anamatire mukadzi wake; ivavo vaviri vachava nyama imwe. Chakavanzika ichi, chikuru; asi ndinotaura zvaKristu nezvesangano. Asi imiwo, mumwe nomumwe ngaade mukadzi wake sezvaanozvida iye; nomukadzi ngaatye murume wake
VaEfeso 5:21-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zviisei pasi pomumwe nomumwe wenyu pamusana pokuremekedza Kristu. Imi vadzimai zviisei pasi pavarume venyu sokuna Tenzi nokuti murume ndiye musoro womudzimai sezvakangoita Kristu ari musoro wesangano iro riri muviri wake uye iye ari mununuri waro. Sangano sezvariri pasi paKristu, vadzimaiwo ngavave pasi pavarume vavo muna zvose. Imi varume idai vadzimai venyu sokuda kwakaita Kristu sangano akazvipira iye pamusana paro kuti ariite dzvene, mushure mokunge ari shambidza mumvura neshoko kuti aritsvitse kwaari rakanaka kwazvo risina kana kavara kana pakaunyana kana chimwe chakadaro kuti rive dzvene risina chinoshoreka. Saizvozvo varume vanofanira kuda vadzimai vavo sokuda kwavanoita miviri yavo. Munhu anoda mudzimai wake ari kutozvida iye pachake nokuti hapana munhu anovenga muviri wake. Asi anotoupa chokudya nokunyatsouchengetedza sezvinoita Kristu kusangano. Izvi pamusana pokuti tiri nhengo dzomuviri wake. Nokuda kwaizvozvi murume anosiya baba vake naamai vake achibatanidzwa nomudzimai wake. Vose vari vaviri vachiva nyama imwechete. Ichi chinhu chikuru chakavandika. Ndiri kureva nezvaKristu nesangano. Asi izvi zvinorevawo imi. Mumwe nomumwe wenyu ngaade mudzimai wake sokuzvida kwaanoita iye pachake. Mudzimai ngaaremekedzewo murume wake.
VaEfeso 5:21-33 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
muciɀiisa mumŋe pasi pomumŋe, mucitya Kristu. Imi ʋakadzi, muɀiise pasi paʋarume ʋenyu caiʋo, seɀamunoita kunaShe. Nokuti murume musoro womukadzi, saKristu ʋo musoro wekereke; iye amene ndiye muponesi womuʋiri. Asi kereke seɀairi pasi paKristu, ʋakadzi ŋgaʋaɗaro paɀinhu ɀose kuʋarume ʋaʋo. Imi ʋarume, iɗai ʋakadzi ʋenyu, Kristu seɀaakaɗa ʋo kereke, akaɀipa nokuɗa kwayo; kuti aiite tȿene aciinatsa nokushambidza kwemvura pashoko, kuti aɀiisire pamberi pake kereke, inobginya, isinegwapa, kana kuwonyana, kana cinhu cakaɗai; asi iʋe tȿene, isinemhosa. Saiɀoɀo ʋo ʋarume ʋanofanira kuɗa ʋakadzi ʋaʋo semiʋiri yaʋo. Unoɗa mukadzi wake, unoɀiɗa; nokuti hakunomunhu wakatoŋgoʋeŋga nyama yake; asi unoipa ɀokudya nokuiceŋgeta, Kristu seɀaanoitira kereke; nokuti isu tiri mitezo yomuʋiri wake. Naiɀoɀo munhu ucasiya ɓaɓa ʋake namai ʋake, anamatire mukadzi wake; iʋaʋo ʋaʋiri ʋacaʋa nyama imŋe. Cakaʋanzika ici, cikuru; asi ndinotaura ɀaKristu neɀekereke. Asi imi ʋo, mumŋe nomumŋe ŋgaaɗe mukadzi wake seɀaanoɀiɗa iye; nomukadzi ŋgaatye murume wake.
VaEfeso 5:21-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)