VaEfeso 5:15-21
VaEfeso 5:15-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino, muchenjere kuti munorarama sei, kwete savasina kuchenjera asi savakachenjera, muchishandisa mikana yose, nokuti mazuva akaipa. Naizvozvo musava mapenzi, asi munzwisise kuti kuda kwaShe ndokupi. Musadhakwa newaini, nokuti ndipo pano kusazvidzora. Asi, muzadzwe noMweya. Mutaure kuno mumwe nomumwe wenyu namapisarema, nedzimbo uye nenziyo dzomweya. Muimbe uye muridzire Ishe mimhanzi mumwoyo yenyu, muchivonga Mwari Baba pazvinhu zvose, muzita raIshe wedu Jesu Kristu. Muzviise pasi pomumwe nomumwe wenyu muchitya Kristu.
VaEfeso 5:15-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo chenjerai kwazvo pakufamba kwenyu, kuti murege kufamba savasina kuchenjera asi savakachenjera; mungwarire nguva yenyu, nokuti mazuva akaipa. Saka musava mapenzi, asi muzive kuda kwaIshe. Regai kudhakwa newaini, nokuti ndipo panokusazvidzora, asi muzadzwe noMweya; mutaurirane pakati penyu namapisarema, nenziyo, nezviimbo zvoMweya, muimbire, muridzire Ishe mumwoyo yenyu; muchivonga Mwari, Baba, nguva dzose pamusoro pezvinhu zvose, muzita raIshe wedu, Jesu Kristu; muchizviisa mumwe pasi pomumwe, muchitya Kristu.
VaEfeso 5:15-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo fambai makachenjera kwete savanhu vasina kungwara asi savanhu vakangwara. Nyatsoshandisai nguva yenyu nokuti kwaipa mazuva ano. Naizvozvo musave mazirema asi nzwisisai zvinoda Tenzi uye musararadze newaini nokuti unzenza hwakapfuuridza ihwohwo, asi ini zadzwai naMweya. Tauriranai muchiimbirana nziyo nedzimbo nezvimbo zvaMweya muchiimba muchiita mumhanzi kuna Tenzi nemwoyo yenyu yose muchitenda Mwari Baba muzita raTenzi wedu Jesu Kristu nguva dzose uye muna zvose. Zviisei pasi pomumwe nomumwe wenyu pamusana pokuremekedza Kristu.
VaEfeso 5:15-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo cenjerai kwaɀo pakufamba kwenyu, kuti murege kufamba saʋasinakucenjera asi saʋakacenjera; muŋgwarire ŋguʋa yenyu, nokuti mazuʋa akaipa. Saka musaʋa mapenzi, asi muziʋe kuɗa kwaShe. Regai kuɓatwa newaini, nokuti ndipo panokusaɀidzora, asi muzadzwe noMŋeya; mutaurirane pakati penyu namapisarema, nenziyo, neɀiimbo ɀoMŋeya, muimbire, muridzire Ishe mumŋoyo yenyu; muciʋoŋga Mŋari, Ƃaɓa, ŋguʋa dzose pamsoro peɀinhu ɀose, muzita raShe weɗu, Jesu Kristu; muciɀiisa mumŋe pasi pomumŋe, mucitya Kristu.
VaEfeso 5:15-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)