VaEfeso 4:31-32
VaEfeso 4:31-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Bvisai shungu dzose, hasha nokutsamwa, kupopota namakuhwa pamwe chete nokuvenga kwose. Muitirane mwoyo munyoro uye munzwirane tsitsi, muchikanganwira mumwe nomumwe wenyu, sezvamakakanganwirwa naMwari muna Kristu.
VaEfeso 4:31-32 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Shungu dzose, nokutsamwa, nehasha, nokupopota, nokutuka, nezvakaipa zvose, ngazvibviswe kwamuri; muitirane mwoyo munyoro, munzwirane tsitsi, mukanganwirane, sezvamakakanganwirwa naMwari muna Kristu.
VaEfeso 4:31-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Bvisai mamuri nduramwa dzose nokutsamwa, nehasha nokupopota namakuhwa nouipi hwose. Itiranai zvakanaka muve nomwoyo murefu muchiregererana sokuregererwa kwamakaitwa naMwari muna Kristu.
VaEfeso 4:31-32 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Shuŋgu dzose, nokutsamŋa, nehasha, nokupopota, nokutuka, neɀakaipa ɀose, ŋgaɀibviswe kwamuri; muitirane mŋoyo munyoro, munzwirane tsitsi, mukaŋganwirane, seɀamakakaŋganwirwa naMŋari munaKristu.