VaEfeso 4:25-26
VaEfeso 4:25-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo mumwe nomumwe wenyu anofanira kubvisa nhema uye ataure chokwadi kuno muvakidzani wake, nokuti isu tose tiri nhengo dzomuviri mumwe. “Mukutsamwa kwenyu, musatadza.” Musarega zuva richivira muchakangotsamwa
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaEfeso 4VaEfeso 4:25-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo bvisai nhema, mutaure chokwadi, mumwe nomumwe kunowokwake; nokuti tiri mitezo, mumwe womumwe. Tsamwai, musingatadzi; zuva ngarirege kuvira muchakatsamwa
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaEfeso 4VaEfeso 4:25-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo chikandai pasi nhema, munhu oga oga ataure chokwadi kuno mumwe wake nokuti tiri mutezo womumwe nomumwe wedu. Kushatirwa mungashatirwe zvenyu asi musapare chitadzo. Musavidze zuva makashatirwa
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaEfeso 4