VaEfeso 4:20-32
VaEfeso 4:20-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kunyange zvakadaro, imi hamuna kuziva Kristu saizvozvo. Zvirokwazvo makanzwa nezvake uye makadzidziswa maari maererano nechokwadi chiri muna Jesu. Makadzidziswa, maererano namafambiro enyu ekare, kuti mubvise munhu wenyu wekare, anoodzwa nokuchiva kwokunyengera; kuti muitwe vatsva mukufunga kwendangariro dzenyu; uye mufuke munhu mutsva, akasikwa kuti afanane naMwari mukururama kwechokwadi noutsvene. Naizvozvo mumwe nomumwe wenyu anofanira kubvisa nhema uye ataure chokwadi kuno muvakidzani wake, nokuti isu tose tiri nhengo dzomuviri mumwe. “Mukutsamwa kwenyu, musatadza.” Musarega zuva richivira muchakangotsamwa, uye musapa dhiabhori mukana. Uyo akanga achimboba ngaarege kuzobazve, asi anofanira kushanda, achiita zvinhu zvinobatsira namaoko ake, kuti ave nechaangagovera avo vanoshayiwa. Musarega kutaura kwakaora kuchibuda mumiromo yenyu, asi chete zvinobatsira pakuvaka vamwe maererano nezvavanoshayiwa, kuti zvigobatsira avo vanonzwa. Uye musachemedza Mweya Mutsvene waMwari, uyo wakaitwa chisimbiso chenyu pazuva rokudzikinurwa. Bvisai shungu dzose, hasha nokutsamwa, kupopota namakuhwa pamwe chete nokuvenga kwose. Muitirane mwoyo munyoro uye munzwirane tsitsi, muchikanganwira mumwe nomumwe wenyu, sezvamakakanganwirwa naMwari muna Kristu.
VaEfeso 4:20-32 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi imi hamuna kudzidza Kristu saizvozvo, kana ari iye hake wamakanzwa, nokudzidziswa maari, seiri chokwadi muna Jesu: kuti pamufambiro wenyu wokutanga mubvise munhu wekare; unoodzwa nokuchiva kwokunyengetera; muvandudzwe mumweya wokurangarira kwenyu, mupfeke munhu mutsva, akasikwa akafanana naMwari pakururama, noutsvene hwechokwadi. Naizvozvo bvisai nhema, mutaure chokwadi, mumwe nomumwe kunowokwake; nokuti tiri mitezo, mumwe womumwe. Tsamwai, musingatadzi; zuva ngarirege kuvira muchakatsamwa; musapa Dhiabhori nzvimbo. Akaba, ngaarege kubazve; asi zviri nani kuti atambudzike abate namaoko ake basa rakanaka, kuti ave nechaangapa anoshaiwa. Mumuromo menyu murege kubuda shoko rakaora, asi rakanaka, ringasimbisa pakafanira, rivigire nyasha avo vanonzwa. Regai kuchemedza Mweya Mutsvene waMwari, wamakaisirwa chisimbiso maari kusvikira pazuva rokudzikinurwa. Shungu dzose, nokutsamwa, nehasha, nokupopota, nokutuka, nezvakaipa zvose, ngazvibviswe kwamuri; muitirane mwoyo munyoro, munzwirane tsitsi, mukanganwirane, sezvamakakanganwirwa naMwari muna Kristu.
VaEfeso 4:20-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hazvisiri izvo zvamakadzidza pana Kristu. Makanzwaka imi nezvake mukadzidziswa maaari chokwadi sezvachiri muna Jesu. Chibvisai humunhu hwenyu homugariro wenyu wakare hwakaodzwa nehavi dzounyengedzi, muvandudzwe patsva mumweya nomupfungwa dzenyu, mupfeke unhu hutsva hwakasikwa hwakatodzana naMwari muururami noutsvene huri pachokwadi. Naizvozvo chikandai pasi nhema, munhu oga oga ataure chokwadi kuno mumwe wake nokuti tiri mutezo womumwe nomumwe wedu. Kushatirwa mungashatirwe zvenyu asi musapare chitadzo. Musavidze zuva makashatirwa muchipa Dhiabhori mukana. Mbavha ngaachirega kuba ichiita basa kwaro namaoko ayo [rinoiraramisa] kuti ibatsire vasina chokubata. Mumuromo menyu ngamurege kubuda mazwi akaora asi mazwi ayo chete anovaka anofambirana nezviripo kuti ape chikomborero vanenge vakateerera. Muregewo kutsamwisa Mweya Mutsvene waMwari nokuti ndiye wamakapiwa naye rupawo kuitira zuva reruponeso. Bvisai mamuri nduramwa dzose nokutsamwa, nehasha nokupopota namakuhwa nouipi hwose. Itiranai zvakanaka muve nomwoyo murefu muchiregererana sokuregererwa kwamakaitwa naMwari muna Kristu.
VaEfeso 4:20-32 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi imi hamuna‐kudzidza Kristu saiɀoɀo, kana ari iye hake wamakanzwa, nokudzidziswa maari, seiri ɀokwaɗi munaJesu: kuti pamufambire wenyu wokutaŋga mubvise munhu wekare, unoʋodzwa nokuciʋa kwokunyeŋgera; muʋandudzwe mumŋeya wokuraŋgarira kwenyu, mufuke munhu mutȿa, wakasikwa akafanana naMŋari pakururama, noʋutȿene bgeɀokwaɗi. Naiɀoɀo bvisai nhema, mutaure ɀokwaɗi, mumŋe nomumŋe kunowokwake; nokuti tiri mitezo, mumŋe womumŋe. Tsamŋai, musiŋgatadzi; zuʋa ŋgarirege kuʋira mucakatsamŋa; musapa Diaborosi nɀimbo. Wakaɓa, ŋgaarege kuɓa ɀe; asi ɀirinani kuti atambudzike, aɓate namaʋoko ake ɓasa rakanaka, kuti aʋe necaaŋgapa unoshaiwa. Mumuromo menyu murege kuɓuɗa shoko rakaʋora, asi rakanaka, riŋgasimbisa pakafanira, riʋigire nyasha aʋo ʋanonzwa. Regai kucemedza Mŋeya Mutȿene waMŋari, wamakaisirwa cisimbiso maari kuȿikira pazuʋa rokudzikinurwa. Shuŋgu dzose, nokutsamŋa, nehasha, nokupopota, nokutuka, neɀakaipa ɀose, ŋgaɀibviswe kwamuri; muitirane mŋoyo munyoro, munzwirane tsitsi, mukaŋganwirane, seɀamakakaŋganwirwa naMŋari munaKristu.
VaEfeso 4:20-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)