VaEfeso 4:1-13
VaEfeso 4:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Sezvo ndiri musungwa waShe, zvino ndinokukurudzirai kuti murarame upenyu hwakafanira kudanwa kwamakagamuchira. Muzvininipise zvachose uye mupfave; muite mwoyo murefu, muchiitirana mwoyo murefu murudo. Mushingaire kuchengeta humwe hwoMweya kubudikidza nechisungo chorugare. Pano muviri mumwe chete noMweya mumwe chete, sezvo makadanirwa kutariro imwe chete pamakadanwa, Ishe mumwe, kutenda kumwe, rubhabhatidzo rumwe; Mwari mumwe naBaba vavose, ari pamusoro pavose, uye kubudikidza navose, uye muna vose. Asi kuno mumwe nomumwe wedu kwakapiwa nyasha sokugoverwa kwadzakaitwa naKristu. Ndokusaka zvichinzi: “Paakakwira kudenga, akatungamirira dungwe renhapwa uye akapa zvipo kuvanhu vake.” (Zvinorevei kuti “akakwira” asi kuti akaburukawo kumativi ari pasi penyika? Iye akaburuka ndiye chaiye akakwira kumusoro-soro kupfuura kudenga denga, kuitira kuti azadze pasi pose.) Ndiye akapa vamwe kuti vave vapostori, vamwe kuti vave vaprofita, vamwe kuti vave vavhangeri, uye vamwe kuti vave vafudzi navadzidzisi, kuti vagadzirire vanhu vaMwari pabasa rokushumira, kuitira kuti muviri waKristu uvakwe kudzamara isu tose tasvika pahumwe mukutenda uye nomukuziva Mwanakomana waMwari napamunhu akura, asvika pachiyero chose chokuzara kwaKristu.
VaEfeso 4:1-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo ini musungwa muna Ishe, ndinokumbira zvikuru kuti mufambe zvakafanira kudanwa kwamakadanwa nako, nokuzvininipisa kwose nounyoro, nomwoyo murefu, muchiitirana mwoyo murefu murudo; muchishingaira kuchengeta umwe hwoMweya muchisungo chorugare. Kuno muviri mumwe, noMweya mumwe, sezvamakadanwawo mutariro imwe yokudanwa kwenyu; Ishe mumwe, nokutenda kumwe; norubhabhatidzo rumwe, naMwari mumwe, naBaba vavose, ari pamusoro pavose, anoshanda muna vose, ari mukati mavose. Asi mumwe nomumwe wedu akapiwa nyasha nechiyero chechipo chaKristu. Naizvozvo anoti, “Akakwira kumusoro akatapa vatapwa, Akapa vanhu zvipo.” Zvino kuti, “Akakwira, chinyiko,” asi kuti, akaburukawo kumativi ari pasi penyika? Akaburuka ndiye akakwirawo kumusoro-soro kwedenga rose, kuti azadzise zvose. Zvino akapa vamwe kuti vave vapostori, vamwe vaporofita, vamwe vaparidzi, vamwe vafudzi navadzidzisi; kuti vatsvene vakwanisirwe basa ravo rokushumira, nerokuvaka muviri waKristu; kudzamara isu tose tisvike paumwe hwokutenda nokuziva Mwanakomana waMwari, napamunhu wakura, napachiyero choukuru hokuzara kwaKristu
VaEfeso 4:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo ini musungwa akasungirwa Tenzi ndinokukumbirai kuti mugare upenyu hunowirirana noupenyu hwamakadaidzirwa. Ivai nemwoyo wokuzvirereka nemwoyo munyoro nemwoyo murefu muchitirirana zvine rudo muine shungu dzokuchengetedza Mweya wokubatana kwamakaita makasunganidzwa norugare. Kunongova nomuviri mumwechete naMweya mumwechete sokudaidzirwa kwamakaitwa chitarisiro chimwechete pamakadaidzwa. Kuna Tenzi mumwechete nechitendero chimwechete noruombeko rumwechete. Kuna Mwari mumwechete Baba vedu tose vari pamusoro pavose vanoshanda nomuna vose uye muna vose. Mumwe nomumwe wedu akapiwa nyasha zvichienderana nokukura kwechipo chaakapiwa naKristu. Saizvozvo zvinonzi, “Paakakwira kumusoro akatungamirira gurusvusvu ravasungwa akapa zvipo kuvanhu.” Ko, kuti akakwira kumusoro kunoreva kuti kudii? Kunorevawo kuti akambodzika pasi pasi penyika. Iye akadzika ndiyewo akakwira kumusorosoro kwamatenga ose kuti azadze zvinhu zvose. Zvipo zvake zvaiva zvokuti vamwe vave vapositori, vamwewo vave vaporofita uye vamwe vave vaparidzi veShoko Rakanaka, vamwe vari vafudzi, vamwe vari vadzidzisi kuti vatsvene vawaniswe ruzivo rwebasa rezvokwaMwari kuti muviri waKristu uumbwe kusvikira tose tave vamwechete muchitendero nomukuziva Mwanakomana waMwari kusvikira tave vanhu vabve zano kusvikira tava nechimiro chaKristu chizere.
VaEfeso 4:1-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo ini musuŋgwa munaShe, ndinokumbira ɀikuru kuti mufambe ɀakafanira kuɗanwa kwamakaɗanwa nako, nokuɀininipisa kwose noʋunyoro, nomŋoyo murefu, muciitirana mŋoyo murefu muruɗo; mucishiŋgaira kuceŋgeta ʋumŋe bgoMŋeya mucisuŋgo corugare. Kunomuʋiri mumŋe, noMŋeya mumŋe, seɀamakaɗanwa ʋo mutariro imŋe yokuɗanwa kwenyu; Ishe mumŋe, nokutenda kumŋe, norubapatidzo rumŋe, naMŋari mumŋe, naƂaɓa ʋaʋose, uri pamsoro paʋose, unoɓata naʋose, uri mukati maʋose. Asi mumŋe nomumŋe weɗu wakapiwa nyasha neciyero cecipo caKristu. Naiɀoɀo unoti: Wakakwira kumsoro akatapa ʋatapxa, Akapa ʋanhu ɀipo. (Ɀino kuti: Wakakwira, cinyiko, asi kuti, wakaɓuruka ʋo kumatiʋi ari pasi penyika? Wakaɓuruka ndiye wakakwira ʋo kumsoro‐soro kweɗeŋga rose, kuti azadzise ɀose). Ɀino wakapa ʋamŋe kuti ʋaʋe ʋaapostora, ʋamŋe ʋaprofita, ʋamŋe ʋaevaŋgeri, ʋamŋe ʋafudzi naʋadzidzisi; kuti ʋatȿene ʋakwanisirwe ɓasa raʋo rokushumira, nerokuʋaka muʋiri waKristu; kudzimana isu tose tiȿike paʋumŋe bgokutenda nokuziʋa Mŋanakomana waMŋari, napamunhu wakura, napaciyero coʋukuru bgokuzara kwaKristu
VaEfeso 4:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)