VaEfeso 3:14-21
VaEfeso 3:14-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuda kwaizvozvi, ndinopfugama pamberi paBaba, nokuti mhuri yavo yose iri kudenga napanyika inowana zita rayo kubva kwavari. Ndinonyengetera kuti kubva papfuma yokubwinya kwavo vakusimbisei nesimba noMweya wavo mumunhu womukati, kuti Kristu agare mumwoyo yenyu nokutenda. Uye ndinonyengetera kuti imi, muve nemidzi uye musimbiswe murudo, muve nesimba, pamwe chete navatsvene vose, kuti mubate kuti kupamhamha, nokureba uye kukwirira, nokudzika kworudo rwaKristu kwakadii, uye muzive rudo urwu runopfuura ruzivo, kuti muzadzwe kusvikira pachiyero chokuzara kwose kwaMwari. Zvino iye anogona kuita zvikuru zvisingagoni kuyerwa kupfuura zvose zvatingakumbira kana kufunga, maererano nesimba rake riri kushanda mukati medu, ngaave nokubwinya mukereke uye nomuna Kristu Jesu kumarudzi namarudzi, nokusingaperi-peri! Ameni.
VaEfeso 3:14-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nemhaka iyi ndinopfugama namabvi angu kuna Baba, rudzi rwose kudenga napanyika runotumidzwa nezita ravo, kuti vakupei papfuma yokubwinya kwavo kukuru, simba kuti musimbiswe noMweya wavo mumunhu womukati; kuti Kristu agare mumwoyo yenyu nokutenda; kuti imi, mune midzi yenyu nenheyo dzenyu murudo; muve nesimba rokunzwisisa pamwechete navatsvene vose, kuti kufara, nokureba, nokukwirira, nokudzika kwakadiniko, nokuziva rudo rwaKristu, runopfuura kuziva, kuti muzadziswe nokuzara kwose kwaMwari. Zvino, iye ane simba rokuita zvikuru kwazvo zvinopfuura zvose zvatinokumbira kana zvatinofunga, nesimba rinobata mukati medu, ngaave nokubwinya musangano muna Kristu Jesu, kusvikira kumarudzi ose nokusingaperi-peri, Ameni.
VaEfeso 3:14-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nokuda kwaizvozvi ndinopfugama namabvi angu mberi kwaBaba kunobva chose chinotumidzwa kuti mhuri, chingave kudenga kana kuti pasi pano. Ndinonamata kuti kubva muupfumi hwavo hune mbiri akusimbaradzei nesimba nokuna Mweya, umunhu hwenyu hwomukati uye kuti nechitendero chenyu Kristu aite musha wake mumwoyo yenyu kuti imi mudzike midzi yenyu uye kucherera hwaro hwenyu murudo, kuti muwane simba rokunzwisisa pamwechete navatsvene vose upamhi nourefu nokukwira kumusoro mudenga noudzamu uye kuti muzive rudo rwaKristu runopfuura ruzivo kuti muzadzwe naMwari wose sezvaari. Zvino iye ane simba rinoshanda matiri anokwanisa kuita zvakawandisisa kupfuura zvose zvatingakumbire kana zvatingafunge iye ngaarumbidzwe musangano uye muna Kristu Jesu kuzvizvarwa nezvizvarwa narini narini wose Ameni.
VaEfeso 3:14-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nemhaka iyi ndinofugama namabvi aŋgu kunaƂaɓa, aʋo, rudzi rwose kuɗeŋga napanyika runotumidzwa nezita raʋo, kuti ʋakupei pafuma yokubginya kwaʋo kukuru, simba kuti musimbiswe noMŋeya waʋo mumunhu womukati; kuti Kristu agare pamŋoyo yenyu nokutenda; kuti imi, munemidzi yenyu nenheyo dzenyu muruɗo; muʋe nesimba rokunzwisisa pamŋe cete naʋatȿene ʋose, kuti kufara, nokureɓa, nokukwirira, nokudzika kwakaɗiniko, nokuziʋa ruɗo rwaKristu, runopfuʋura kuziʋa, kuti muzadziswe nokuzara kwose kwaMŋari. Ɀino, iye unesimba rokuita ɀikuru kwaɀo ɀinopfuʋura ɀose ɀatinokumbira kana ɀatinofuŋga, nesimba rinoɓata mukati meɗu, ŋgaaʋe nokubginya mukereke munaKristu Jesu, kuȿikira kumarudzi ose nokusiŋgaperi‐peri, Ameni.
VaEfeso 3:14-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)