VaEfeso 2:5-8
VaEfeso 2:5-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
akatiita vapenyu muna Kristu kunyange zvedu takanga takafa mukudarika kwedu, makaponeswa nenyasha. Uye Mwari akatimutsa pamwe chete naKristu akatigarisa kudenga muna Kristu Jesu, kuitira kuti munguva dzinouya aratidze pfuma yake huru yenyasha dzake, zvichiratidzwa muunyoro hwake kwatiri muna Kristu Jesu. Nokuti makaponeswa nenyasha, kubudikidza nokutenda, uye izvi hazvibvi kwamuri, chipo chaMwari
VaEfeso 2:5-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
kunyange takanga takafa mukudarika kwedu, akatiraramisa pamwechete naKristu makaponeswa nenyasha; akatimutsa pamwechete naye, akatigarisa kudenga pamwechete naye muna Kristu Jesu; kuti nenguva dzinouya aratidze pfuma huru-huru yenyasha dzake paunyoro hwake kwatiri muna Kristu Jesu; nokuti makaponeswa nenyasha, nokutenda; izvo zvisingabvi kwamuri, asi chipo chaMwari
VaEfeso 2:5-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
kunyange patanga takafa nokuda kokutadza kwedu, akatiita kuti tive vapenyu pamwe naKristu. Makaponeswa nenyasha. Akatimutsa pamwechete naye akaita kuti tigare naye mumatenga tiri muna Kristu Jesu, kuti mumazuva achauya, norudo rwake, aratidze upfumi husingaverengeki hwenyasha dzake kwatiri muna Kristu Jesu. Pamusana penyasha makaponeswa nechitendero, asi musiri imi munozviponesa; chipo chaMwari
VaEfeso 2:5-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
kunyaŋge takaŋga takafa mukuɗarika kweɗu, wakatiraramisa pamŋe cete naKristu (makaponeswa nenyasha); akatimutsa pamŋe cete naye, akatigarisa kuɗeŋga pamŋe cete naye munaKristu Jesu; kuti neŋguʋa dzinoʋuya aratidze fuma huru‐huru yenyasha dzake paʋunyoro bgake kwatiri munaKristu Jesu; nokuti makaponeswa nenyasha, nokutenda; iɀo ɀisiŋgabvi kwamuri, asi cipo caMŋari
VaEfeso 2:5-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)