Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaEfeso 2:4-18

VaEfeso 2:4-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Asi nokuda kworudo rwake rukuru kwatiri, Mwari, iye akapfuma pangoni, akatiita vapenyu muna Kristu kunyange zvedu takanga takafa mukudarika kwedu, makaponeswa nenyasha. Uye Mwari akatimutsa pamwe chete naKristu akatigarisa kudenga muna Kristu Jesu, kuitira kuti munguva dzinouya aratidze pfuma yake huru yenyasha dzake, zvichiratidzwa muunyoro hwake kwatiri muna Kristu Jesu. Nokuti makaponeswa nenyasha, kubudikidza nokutenda, uye izvi hazvibvi kwamuri, chipo chaMwari, kwete namabasa, kuti parege kuva nomunhu anozvikudza. Nokuti tiri basa raMwari, rakasikwa muna Kristu Jesu kuti tiite mabasa akanaka, akagadzirwa naMwari kare kuti tiaite. Naizvozvo, rangarirai kuti kare imi veDzimwe Ndudzi pakuzvarwa uye muchinzi “vasina kudzingiswa” naavo vaizviti “vakadzingiswa” (uko kunoitwa pamuviri namaoko avanhu), rangarirai kuti panguva iyoyo makanga makaparadzaniswa naKristu, musingaverengwi muzvizvarwa zveIsraeri uye muri vatorwa musungano dzechipikirwa, musina tariro uye musina Mwari munyika. Asi zvino muna Kristu Jesu, imi makanga muri kure kare, makaswededzwa pedyo kubudikidza neropa raKristu. Nokuti iye pachake ndiye rugare rwedu, akaita kuti vaviri vave chinhu chimwe uye akaparadza mukaha, irwo rusvingo rwokuvengana rwaivaparadzanisa, nokuparadza munyama yake murayiro, mitemo yacho pamwe chete uye nezvakatemwa. Vavariro yake yakanga iri yokusika maari munhu mumwe chete mutsva kubva pavaviri, naizvozvo aite rugare, uye mumuviri mumwe chete uyu ayananise vaviri ava kuna Mwari kubudikidza nomuchinjikwa, wakaparadza kuvengana kwavo. Akauya akaparidza rugare kwamuri imi makanga muri kure uye rugare kuna avo vakanga vari pedyo. Nokuti kubudikidza naye isu tose tinosvika kuna Baba noMweya mumwe chete.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaEfeso 2

VaEfeso 2:4-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Mwari ane nyasha zhinji-zhinji, nokuda kworudo rwake rukuru, rwaakatida narwo, kunyange takanga takafa mukudarika kwedu, akatiraramisa pamwechete naKristu makaponeswa nenyasha; akatimutsa pamwechete naye, akatigarisa kudenga pamwechete naye muna Kristu Jesu; kuti nenguva dzinouya aratidze pfuma huru-huru yenyasha dzake paunyoro hwake kwatiri muna Kristu Jesu; nokuti makaponeswa nenyasha, nokutenda; izvo zvisingabvi kwamuri, asi chipo chaMwari; hazvibvi pamabasa, kuti kurege kuva nomunhu anozvikudza. Nokuti tiri basa rake, takasikwa kuti muna Kristu Jesu tiite mabasa akanaka, akagadzirwa kare naMwari kuti tifambe maari. Naizvozvo rangarirai, kuti imi vahedheni munyama, mainzi “Vasina, kudzingiswa” naivo vanonzi, “Vokudzingiswa,” kuri munyama, kunoitwa namaoko; kuti nenguva iyo makanga musina Kristu, muri vatorwa paushe hwavaIsiraeri, muri vaeni pasungano dzechipikirwa, musina tariro, musina Mwari panyika. Asi zvino muna Kristu Jesu imi, makanga muri kure kare, makaswededzwa muropa raKristu. Nokuti ndiye rugare rwedu, iye akaita zvinhu zviviri kuti chive chinhu chimwe, akaputsa rusvingo rwapakati rwaiparadzanisa; zvaakaparadza munyama yake kuvengana, iwo murayiro wezvakarayirwa pazvirevo; kuti asike ava vaviri vave munhu mutsva maari, aite rugare saizvozvo; kuti mumuchinjikwa ayananisezve vose vaviri, vave muviri mumwe kuna Mwari, zvaakauraya kuvengana naiwo muchinjikwa; akasvika, akaparidza rugare kwamuri, imi maiva kure, norugare kuna ivo vaiva pedyo; nokuti isu tose tinopinda naiye noMweya mumwe kuna Baba.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaEfeso 2

VaEfeso 2:4-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Asi Mwari, azere netsitsi, pamusana porudo rwake rukuru rwaakatida narwo, kunyange patanga takafa nokuda kokutadza kwedu, akatiita kuti tive vapenyu pamwe naKristu. Makaponeswa nenyasha. Akatimutsa pamwechete naye akaita kuti tigare naye mumatenga tiri muna Kristu Jesu, kuti mumazuva achauya, norudo rwake, aratidze upfumi husingaverengeki hwenyasha dzake kwatiri muna Kristu Jesu. Pamusana penyasha makaponeswa nechitendero, asi musiri imi munozviponesa; chipo chaMwari, kwete pamusana pamabasa kuti pasave nomunhu anozvikudza nokuti tiri basa ramaoko ake, takasikwa muna Kristu Jesu kuti tiite mabasa akanaka akafanogadzirwa naMwari kuti tiatevedze. Naizvozvo, imi vechirudzi panyama, yeukai kuti maimbonzi vanhu vasina kudzingiswa navaya vakadzingiswa chiri chinhu chinoitwa panyama namaoko. Yeukai kuti panguva iyoyo imi makanga makaparadzana naKristu, muri vatorwa kumhuri yeIsiraeri makatsaurwa kuzvitenderano zvechipikirwa musina chitarisiro uye musina Mwari panyika. Asi iye zvino, muna Kristu Jesu, imi maimbova kure makaunzwa padyo neropa raKristu. Nokuti Kristu ndiye rugare rwedu akaita kuti tive vamwe akaputsa munyama yake chidziro chaiparadzanisa vanhu choruvengo nokudzima mutemo wemirao nezvirevo kuti aumbe maari iye munhu mumwechete mutsva panzvimbo yavaviri. Nokudaro akaunza rugare. Uye kuti nomuchinjikwa, atiwadzanise naMwari mumuviri mumwechete, nezvo achibva aparadza ruvengo. Akauya akaparidza rugare kwamuri imi maiva kure kure. Akaparidzawo rugare kune vakanga vari padyo nokuti nokwaari uye naMweya mumwechete tinowana masvikiro kuna Baba.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaEfeso 2

VaEfeso 2:4-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Mŋari unenyasha zhinji‐zhinji, nokuɗa kworuɗo rwake rukuru, rwaakatiɗa narwo, kunyaŋge takaŋga takafa mukuɗarika kweɗu, wakatiraramisa pamŋe cete naKristu (makaponeswa nenyasha); akatimutsa pamŋe cete naye, akatigarisa kuɗeŋga pamŋe cete naye munaKristu Jesu; kuti neŋguʋa dzinoʋuya aratidze fuma huru‐huru yenyasha dzake paʋunyoro bgake kwatiri munaKristu Jesu; nokuti makaponeswa nenyasha, nokutenda; iɀo ɀisiŋgabvi kwamuri, asi cipo caMŋari; haɀibvi pamaɓasa, kuti kurege kuʋa nomunhu unoɀikudza. Nokuti tiri ɓasa rake, takasikwa kuti munaKristu Jesu tiite maɓasa akanaka, akagadzirwa kare naMŋari kuti tifambe maari. Naiɀoɀo raŋgarirai, kuti imi ʋahedeni munyama, mainzi ʋasina‐kudziŋgiswa naiʋo ʋanonzi ʋokudziŋgiswa, kuri munyama, kunoitwa namaʋoko; kuti neŋguʋa iyo makaŋga musinaKristu, muri ʋatorwa paʋushe bgaʋaIsraeri, muri ʋaeni pasuŋgano dzecipikirwa, musinetariro, musinaMŋari panyika. Asi ɀino munaKristu Jesu imi, makaŋga muri kure kare, makasweɗedzwa muropa raKristu. Nokuti ndiye rugare rweɗu, iye wakaita ɀinhu ɀiʋiri kuti ciʋe cinhu cimŋe, akaputsa ruȿiŋgo rwapakati rwaiparadzanisa; ɀaakaparadza munyama yake kuʋeŋgana, iwo murairo weɀakarairwa paɀireʋo; kuti asike aʋa ʋaʋiri ʋaʋe munhu mutȿa maari, aite rugare saiɀoɀo; kuti mumucinjikwa ayananise ɀe ʋose ʋaʋiri, ʋaʋe muʋiri mumŋe kunaMŋari, ɀaakaʋuraya kuʋeŋgana naiwo mucinjikwa; akaȿika, akaparidza rugare kwamuri, imi maiʋa kure, norugare kunaiʋo ʋaiʋa pedyo; nokuti isu tose tinopinda naiye noMŋeya mumŋe kunaƂaɓa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaEfeso 2

VaEfeso 2:4-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)