VaEfeso 2:4-13
VaEfeso 2:4-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi nokuda kworudo rwake rukuru kwatiri, Mwari, iye akapfuma pangoni, akatiita vapenyu muna Kristu kunyange zvedu takanga takafa mukudarika kwedu, makaponeswa nenyasha. Uye Mwari akatimutsa pamwe chete naKristu akatigarisa kudenga muna Kristu Jesu, kuitira kuti munguva dzinouya aratidze pfuma yake huru yenyasha dzake, zvichiratidzwa muunyoro hwake kwatiri muna Kristu Jesu. Nokuti makaponeswa nenyasha, kubudikidza nokutenda, uye izvi hazvibvi kwamuri, chipo chaMwari, kwete namabasa, kuti parege kuva nomunhu anozvikudza. Nokuti tiri basa raMwari, rakasikwa muna Kristu Jesu kuti tiite mabasa akanaka, akagadzirwa naMwari kare kuti tiaite. Naizvozvo, rangarirai kuti kare imi veDzimwe Ndudzi pakuzvarwa uye muchinzi “vasina kudzingiswa” naavo vaizviti “vakadzingiswa” (uko kunoitwa pamuviri namaoko avanhu), rangarirai kuti panguva iyoyo makanga makaparadzaniswa naKristu, musingaverengwi muzvizvarwa zveIsraeri uye muri vatorwa musungano dzechipikirwa, musina tariro uye musina Mwari munyika. Asi zvino muna Kristu Jesu, imi makanga muri kure kare, makaswededzwa pedyo kubudikidza neropa raKristu.
VaEfeso 2:4-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Mwari ane nyasha zhinji-zhinji, nokuda kworudo rwake rukuru, rwaakatida narwo, kunyange takanga takafa mukudarika kwedu, akatiraramisa pamwechete naKristu makaponeswa nenyasha; akatimutsa pamwechete naye, akatigarisa kudenga pamwechete naye muna Kristu Jesu; kuti nenguva dzinouya aratidze pfuma huru-huru yenyasha dzake paunyoro hwake kwatiri muna Kristu Jesu; nokuti makaponeswa nenyasha, nokutenda; izvo zvisingabvi kwamuri, asi chipo chaMwari; hazvibvi pamabasa, kuti kurege kuva nomunhu anozvikudza. Nokuti tiri basa rake, takasikwa kuti muna Kristu Jesu tiite mabasa akanaka, akagadzirwa kare naMwari kuti tifambe maari. Naizvozvo rangarirai, kuti imi vahedheni munyama, mainzi “Vasina, kudzingiswa” naivo vanonzi, “Vokudzingiswa,” kuri munyama, kunoitwa namaoko; kuti nenguva iyo makanga musina Kristu, muri vatorwa paushe hwavaIsiraeri, muri vaeni pasungano dzechipikirwa, musina tariro, musina Mwari panyika. Asi zvino muna Kristu Jesu imi, makanga muri kure kare, makaswededzwa muropa raKristu.
VaEfeso 2:4-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi Mwari, azere netsitsi, pamusana porudo rwake rukuru rwaakatida narwo, kunyange patanga takafa nokuda kokutadza kwedu, akatiita kuti tive vapenyu pamwe naKristu. Makaponeswa nenyasha. Akatimutsa pamwechete naye akaita kuti tigare naye mumatenga tiri muna Kristu Jesu, kuti mumazuva achauya, norudo rwake, aratidze upfumi husingaverengeki hwenyasha dzake kwatiri muna Kristu Jesu. Pamusana penyasha makaponeswa nechitendero, asi musiri imi munozviponesa; chipo chaMwari, kwete pamusana pamabasa kuti pasave nomunhu anozvikudza nokuti tiri basa ramaoko ake, takasikwa muna Kristu Jesu kuti tiite mabasa akanaka akafanogadzirwa naMwari kuti tiatevedze. Naizvozvo, imi vechirudzi panyama, yeukai kuti maimbonzi vanhu vasina kudzingiswa navaya vakadzingiswa chiri chinhu chinoitwa panyama namaoko. Yeukai kuti panguva iyoyo imi makanga makaparadzana naKristu, muri vatorwa kumhuri yeIsiraeri makatsaurwa kuzvitenderano zvechipikirwa musina chitarisiro uye musina Mwari panyika. Asi iye zvino, muna Kristu Jesu, imi maimbova kure makaunzwa padyo neropa raKristu.
VaEfeso 2:4-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Mŋari unenyasha zhinji‐zhinji, nokuɗa kworuɗo rwake rukuru, rwaakatiɗa narwo, kunyaŋge takaŋga takafa mukuɗarika kweɗu, wakatiraramisa pamŋe cete naKristu (makaponeswa nenyasha); akatimutsa pamŋe cete naye, akatigarisa kuɗeŋga pamŋe cete naye munaKristu Jesu; kuti neŋguʋa dzinoʋuya aratidze fuma huru‐huru yenyasha dzake paʋunyoro bgake kwatiri munaKristu Jesu; nokuti makaponeswa nenyasha, nokutenda; iɀo ɀisiŋgabvi kwamuri, asi cipo caMŋari; haɀibvi pamaɓasa, kuti kurege kuʋa nomunhu unoɀikudza. Nokuti tiri ɓasa rake, takasikwa kuti munaKristu Jesu tiite maɓasa akanaka, akagadzirwa kare naMŋari kuti tifambe maari. Naiɀoɀo raŋgarirai, kuti imi ʋahedeni munyama, mainzi ʋasina‐kudziŋgiswa naiʋo ʋanonzi ʋokudziŋgiswa, kuri munyama, kunoitwa namaʋoko; kuti neŋguʋa iyo makaŋga musinaKristu, muri ʋatorwa paʋushe bgaʋaIsraeri, muri ʋaeni pasuŋgano dzecipikirwa, musinetariro, musinaMŋari panyika. Asi ɀino munaKristu Jesu imi, makaŋga muri kure kare, makasweɗedzwa muropa raKristu.
VaEfeso 2:4-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)