VaEfeso 2:18-22
VaEfeso 2:18-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti kubudikidza naye isu tose tinosvika kuna Baba noMweya mumwe chete. Saka, hamuchisiri vatorwa kana vaeni, asi vagari pamwe chete navanhu vaMwari uye mava veimba yaMwari, makavakwa panheyo dzavapostori navaprofita, naKristu Jesu pachake iye dombo rapakona. Maari imba yose yakabatanidzwa pamwe chete uye inokura kuti ive temberi tsvene muna She. Uye maari nemiwo makavakwa pamwe chete kuti muve ugaro hwaMwari muMweya.
VaEfeso 2:18-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
nokuti isu tose tinopinda naiye noMweya mumwe kuna Baba. Naizvozvo, hamuzati muchiri vaeni navatorwa, asi matova pamwechete navatsvene, neveimba yaMwari. Makavakwa pamusoro penheyo dzavapostori navaporofita, Kristu Jesu amene ari ibwe rapakona. Maari imba yose yakasanganiswa kwazvo, inokura, ive temberi tsvene muna Ishe. Maari nemiwo makavakwa pamwechete, kuti muve ugaro hwaMwari muMweya.
VaEfeso 2:18-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
nokuti nokwaari uye naMweya mumwechete tinowana masvikiro kuna Baba. Nezvo hamuchisiri vaenzi kana vatorwa asi mava vagari vomo pamwe navatsvene nenhengo dzemhuri yaMwari. Makavakwa pahwaro hwavapositori navaporofita, Kristu Jesu pachake ari iye ibwe rapakona. Paari ndipo pakabatanidzwa imba yose ichizokura muna Tenzi kuva Temberi inoera. Maari imiwo makavakwa mairi kuva nzvimbo yokugara yaMwari muna Mweya.
VaEfeso 2:18-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
nokuti isu tose tinopinda naiye noMŋeya mumŋe kunaƂaɓa. Naiɀoɀo, hamuzati muciri ʋaeni naʋatorwa, asi ʋobgo pamŋe cete naʋatȿene, naʋeimba yaMŋari. Makaʋakwa pamsoro penheyo dzaʋaapostora naʋaprofita, Kristu Jesu amene ari ibge rapakona. Maari imba yose yakasoŋganiswa kwaɀo, inokura, iʋe tembere tȿene munaShe. Maari nemi ʋo makaʋakwa pamŋe cete, kuti muʋe ʋugaro bgaMŋari muMŋeya.
VaEfeso 2:18-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)