VaEfeso 2:11-22
VaEfeso 2:11-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo, rangarirai kuti kare imi veDzimwe Ndudzi pakuzvarwa uye muchinzi “vasina kudzingiswa” naavo vaizviti “vakadzingiswa” (uko kunoitwa pamuviri namaoko avanhu), rangarirai kuti panguva iyoyo makanga makaparadzaniswa naKristu, musingaverengwi muzvizvarwa zveIsraeri uye muri vatorwa musungano dzechipikirwa, musina tariro uye musina Mwari munyika. Asi zvino muna Kristu Jesu, imi makanga muri kure kare, makaswededzwa pedyo kubudikidza neropa raKristu. Nokuti iye pachake ndiye rugare rwedu, akaita kuti vaviri vave chinhu chimwe uye akaparadza mukaha, irwo rusvingo rwokuvengana rwaivaparadzanisa, nokuparadza munyama yake murayiro, mitemo yacho pamwe chete uye nezvakatemwa. Vavariro yake yakanga iri yokusika maari munhu mumwe chete mutsva kubva pavaviri, naizvozvo aite rugare, uye mumuviri mumwe chete uyu ayananise vaviri ava kuna Mwari kubudikidza nomuchinjikwa, wakaparadza kuvengana kwavo. Akauya akaparidza rugare kwamuri imi makanga muri kure uye rugare kuna avo vakanga vari pedyo. Nokuti kubudikidza naye isu tose tinosvika kuna Baba noMweya mumwe chete. Saka, hamuchisiri vatorwa kana vaeni, asi vagari pamwe chete navanhu vaMwari uye mava veimba yaMwari, makavakwa panheyo dzavapostori navaprofita, naKristu Jesu pachake iye dombo rapakona. Maari imba yose yakabatanidzwa pamwe chete uye inokura kuti ive temberi tsvene muna She. Uye maari nemiwo makavakwa pamwe chete kuti muve ugaro hwaMwari muMweya.

VaEfeso 2:11-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo rangarirai, kuti imi vahedheni munyama, mainzi “Vasina, kudzingiswa” naivo vanonzi, “Vokudzingiswa,” kuri munyama, kunoitwa namaoko; kuti nenguva iyo makanga musina Kristu, muri vatorwa paushe hwavaIsiraeri, muri vaeni pasungano dzechipikirwa, musina tariro, musina Mwari panyika. Asi zvino muna Kristu Jesu imi, makanga muri kure kare, makaswededzwa muropa raKristu. Nokuti ndiye rugare rwedu, iye akaita zvinhu zviviri kuti chive chinhu chimwe, akaputsa rusvingo rwapakati rwaiparadzanisa; zvaakaparadza munyama yake kuvengana, iwo murayiro wezvakarayirwa pazvirevo; kuti asike ava vaviri vave munhu mutsva maari, aite rugare saizvozvo; kuti mumuchinjikwa ayananisezve vose vaviri, vave muviri mumwe kuna Mwari, zvaakauraya kuvengana naiwo muchinjikwa; akasvika, akaparidza rugare kwamuri, imi maiva kure, norugare kuna ivo vaiva pedyo; nokuti isu tose tinopinda naiye noMweya mumwe kuna Baba. Naizvozvo, hamuzati muchiri vaeni navatorwa, asi matova pamwechete navatsvene, neveimba yaMwari. Makavakwa pamusoro penheyo dzavapostori navaporofita, Kristu Jesu amene ari ibwe rapakona. Maari imba yose yakasanganiswa kwazvo, inokura, ive temberi tsvene muna Ishe. Maari nemiwo makavakwa pamwechete, kuti muve ugaro hwaMwari muMweya.
VaEfeso 2:11-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo, imi vechirudzi panyama, yeukai kuti maimbonzi vanhu vasina kudzingiswa navaya vakadzingiswa chiri chinhu chinoitwa panyama namaoko. Yeukai kuti panguva iyoyo imi makanga makaparadzana naKristu, muri vatorwa kumhuri yeIsiraeri makatsaurwa kuzvitenderano zvechipikirwa musina chitarisiro uye musina Mwari panyika. Asi iye zvino, muna Kristu Jesu, imi maimbova kure makaunzwa padyo neropa raKristu. Nokuti Kristu ndiye rugare rwedu akaita kuti tive vamwe akaputsa munyama yake chidziro chaiparadzanisa vanhu choruvengo nokudzima mutemo wemirao nezvirevo kuti aumbe maari iye munhu mumwechete mutsva panzvimbo yavaviri. Nokudaro akaunza rugare. Uye kuti nomuchinjikwa, atiwadzanise naMwari mumuviri mumwechete, nezvo achibva aparadza ruvengo. Akauya akaparidza rugare kwamuri imi maiva kure kure. Akaparidzawo rugare kune vakanga vari padyo nokuti nokwaari uye naMweya mumwechete tinowana masvikiro kuna Baba. Nezvo hamuchisiri vaenzi kana vatorwa asi mava vagari vomo pamwe navatsvene nenhengo dzemhuri yaMwari. Makavakwa pahwaro hwavapositori navaporofita, Kristu Jesu pachake ari iye ibwe rapakona. Paari ndipo pakabatanidzwa imba yose ichizokura muna Tenzi kuva Temberi inoera. Maari imiwo makavakwa mairi kuva nzvimbo yokugara yaMwari muna Mweya.
VaEfeso 2:11-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo raŋgarirai, kuti imi ʋahedeni munyama, mainzi ʋasina‐kudziŋgiswa naiʋo ʋanonzi ʋokudziŋgiswa, kuri munyama, kunoitwa namaʋoko; kuti neŋguʋa iyo makaŋga musinaKristu, muri ʋatorwa paʋushe bgaʋaIsraeri, muri ʋaeni pasuŋgano dzecipikirwa, musinetariro, musinaMŋari panyika. Asi ɀino munaKristu Jesu imi, makaŋga muri kure kare, makasweɗedzwa muropa raKristu. Nokuti ndiye rugare rweɗu, iye wakaita ɀinhu ɀiʋiri kuti ciʋe cinhu cimŋe, akaputsa ruȿiŋgo rwapakati rwaiparadzanisa; ɀaakaparadza munyama yake kuʋeŋgana, iwo murairo weɀakarairwa paɀireʋo; kuti asike aʋa ʋaʋiri ʋaʋe munhu mutȿa maari, aite rugare saiɀoɀo; kuti mumucinjikwa ayananise ɀe ʋose ʋaʋiri, ʋaʋe muʋiri mumŋe kunaMŋari, ɀaakaʋuraya kuʋeŋgana naiwo mucinjikwa; akaȿika, akaparidza rugare kwamuri, imi maiʋa kure, norugare kunaiʋo ʋaiʋa pedyo; nokuti isu tose tinopinda naiye noMŋeya mumŋe kunaƂaɓa. Naiɀoɀo, hamuzati muciri ʋaeni naʋatorwa, asi ʋobgo pamŋe cete naʋatȿene, naʋeimba yaMŋari. Makaʋakwa pamsoro penheyo dzaʋaapostora naʋaprofita, Kristu Jesu amene ari ibge rapakona. Maari imba yose yakasoŋganiswa kwaɀo, inokura, iʋe tembere tȿene munaShe. Maari nemi ʋo makaʋakwa pamŋe cete, kuti muʋe ʋugaro bgaMŋari muMŋeya.
VaEfeso 2:11-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)