Muparidzi 9:11-18
Muparidzi 9:11-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndakaona chimwe chinhuzve pasi pezuva: Anomhanyisa haasi iye anokunda uye ane simba haasi iye anokunda pakurwa, uye akachenjera haasi iye ane zvokudya, uye vane njere havasi ivo vane pfuma, uye vakadzidza havasi ivo vanodiwa navanhu; asi vose vanowirwa nenguva nezvinoitika. Pamusoro pezvo hakuna munhu anoziva nguva yake painosvika: Sehove dzinobatwa murutava rwakaipa, kana shiri dzinobatwa murugombe, saizvozvowo vanhu vanobatwa nenguva dzakaipa dzinovawira vasingatarisire. Ndakaonazve pasi pezuva muenzaniso uyu wouchenjeri wakandifadza zvikuru: Kwakanga kune guta duku, raiva navanhu vashoma mariri. Mumwe mambo ane simba akarimukira, akarikomba, akarivakira masvingo makuru okurirwisa. Zvino muguta umu maigara mumwe murume akanga ari murombo asi akachenjera, uye akaponesa guta iri nouchenjeri hwake. Asi hakuna munhu akarangarira murombo uya. Saka ndakati, “Uchenjeri hunopfuura simba.” Asi uchenjeri hwomurombo hunoshorwa uye mashoko ake haangateererwi. Mashoko manyoro omuchenjeri anoteererwa kupfuura kudanidzira kwomunhu anobata ushe pakati pamapenzi. Uchenjeri hunopfuura zvombo zvehondo, asi mutadzi mumwe anoparadza zvakanaka zvizhinji.
Muparidzi 9:11-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndakadzoka, ndikaona pasi pezuva, kuti anomhanyisa haazi iye anokunda, ane simba haazi iye anokunda pakurwa, akachenjera haazi iye ane zvokudya, vanhu vane njere havazi ivo vane pfuma, vanhu vanoumhizha havazi ivo vanofarirwa; asi vanowirwa vose nenguva nezvinoitika. Nokuti nomunhuwo haazivi nguva yake; sehove, dzinobatwa murutava rwakaipa, kana shiri, dzinobatwa murugombe; saizvozvo vanakomana vavanhu vanoteyiwa nenguva yakaipa, kana yavawira kamwe-kamwe. Ndakaonawo pasi pezuva uchenjeri hwakadai, ndikati hukuru. Kwakanga kune guta duku, maiva navarume vashoma; mumwe mambo mukuru akarimukira, akarikomba, akarivakira masvingo makuru okurwa nawo. Zvino mukati maro makawanikwa murombo akanga akachenjera, iye akaponesa guta nouchenjeri hwake; asi hakuna munhu akarangarira munhu uyo murombo. Ipapo ndakati, “Uchenjeri hunopfuura simba; kunyange zvakadaro uchenjeri hwomurombo hunoshorwa, namashoko ake haateererwi.” Mashoko avakachenjera, anonzwika kana kwakadzikama, anopfuura kudanidzira kwomunhu anobata ushe pakati pamapenzi. Uchenjeri hunopfuura nhumbi dzokurwa; asi mutadzi mumwe anoparadza zvakanaka zvizhinji.
Muparidzi 9:11-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chimwe chandakaona pasi pedenga ndechokuti shasha yokumhanya haisiyo inokunda vamwe vose. Gamba rokurwa harisiro rinokunda muhondo vangwaru havasivo vanowana chokudya vakachenjerawo havasivo vanowana upfumi, mhizha hadzisidzo dzinobudirira nguva yavanayo imwechete uye zvinowira mumwe zvinowira vose. Munhu haazivi nguva yake. Sezvinoitwa hove dzinobatwa mumumbure wakaipa uye seshiri dzinobatwa parugombe ndizvo zvine vanhu vanobatwa panguva yakaipa pazvinongoerekana zvavawira. Chimwewo chandakaona soungwaru ndechichi pasi pedenga uye kwandiri chinhu chikuru. Paivapo kamwe kaguta kaive navanhu vashoma makari. Mumwe mambo akakavinga akakakomba. Akavaka zvokukakomba nazvo. Mukaguta ikako maiva nemurombo mungwaru. Noungwaru hwake akanunura kaguta ikako asi hapana akamboyeuka murombo iyeyo. Asi chandinotaura ndechokuti ungwaru huri nani pane simba. Kunyange zvazvo ungwaru hwomurombo huchishorwa uye mazwi ake asingateererwi. Mashoko oungwaru anofanira kuteererwa kupinda kushevedzera kwomutungamiri anodaidzira pakati pemapenzi. Ungwaru huri nani pane zvombo zvehondo asi mutadzi mumwechete anogona kuparadza zvizhinji zvakanaka.
Muparidzi 9:11-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndakadzoka, ndikaʋona pasi pezuʋa, kuti unomhanyisa haazi iye unokunda, unesimba haazi iye unokunda pakurwa, wakacenjera haazi iye uneɀokudya, ʋanhu ʋanenjere haʋazi iʋo ʋanefuma, ʋanhu ʋanoʋumhizha haʋazi iʋo ʋanofarirwa; asi ʋanowirwa ʋose neŋguʋa neɀinoitika. Nokuti nomunhu ʋo haaziʋi ŋguʋa yake; sehoʋe, dzinoɓatwa murutaʋa rwakaipa, kana shiri, dzinoɓatwa murugombe, saiɀoɀo ʋanakomana ʋaʋanhu ʋanoteyiwa neŋguʋa yakaipa, kana yaʋawira kamŋe‐kamŋe. Ndakaʋona ʋo pasi pezuʋa ʋucenjeri bgakaɗai, ndikati ʋukuru: Kwakaŋga kuneguta ɗuku, maiʋa naʋarume ʋashoma; mumŋe mambo mukuru akarimukira, akarikomba, akariʋakira maȿiŋgo makuru okurwa nawo. Ɀino mukati maro makawanikwa murombo wakaŋga akacenjera, iye akaponesa guta noʋucenjeri bgake; asi hakunomunhu wakaraŋgarira munhu uyo murombo. Ipapo ndakati: Ʋucenjeri ʋunopfuʋura simba; kunyaŋge ɀakaɗaro ʋucenjeri bgomurombo ʋunoshoʋorwa, namashoko ake haatererwi. Mashoko aʋakacenjera, anonzwika kana kwakadzikama, anopfuʋura kuɗanidzira kwomunhu unoɓata ʋushe pakati pamapenzi. Ʋucenjeri ʋunopfuʋura nhumbi dzokurwa; asi mutadzi mumŋe unoparadza ɀakanaka ɀizhinji.
Muparidzi 9:11-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)