Muparidzi 8:5-6
Muparidzi 8:5-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ani naani zvake achateerera murayiro wake haangawani chinomukuvadza, uye mwoyo wakachenjera uchaziva nguva yakafanira namaitiro akafanira. Nokuti kune nguva yakafanira namaitiro akafanira pazvinhu zvose, kunyange nhamo yomunhu ichimuremera zvikuru.
Muparidzi 8:5-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Munhu anochengeta murayiro, haangaoni chinhu chakaipa; mwoyo wowakachenjera unoziva nguva nokutongwa. Nokuti chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho nokutongwa kwacho; nokuti kushata kwomunhu kunomuremedza
Muparidzi 8:5-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Munhu anoteerera mutemo hapana chinomuwira mungwaru anoziva mumwoyo make nguva kwayo nezvinofanira kuitwa. Nokuti chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho namaitirwo acho kunyange munhu achiremerwa nenhamo
Muparidzi 8:5-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Munhu unoceŋgeta murairo, haaŋgaʋoni cinhu cakaipa; mŋoyo wowakacenjera unoziʋa ŋguʋa nokutoŋgwa. Nokuti cinhu cimŋe necimŋe cineŋguʋa yaco nokutoŋgwa kwaco; nokuti kushata kwomunhu kunomuremedza