Muparidzi 8:2-15
Muparidzi 8:2-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinoti, teerera murayiro wamambo, nokuti wakaita mhiko pamberi paMwari. Usakurumidza kubva pamberi pamambo. Usamiririra zvinhu zvakaipa, nokuti iye achaita chinhu chipi zvacho chinomufadza. Sezvo shoko ramambo riri pamusoro pamashoko ose, ndiani angati kwaari, “Munoiteiko?” Ani naani zvake achateerera murayiro wake haangawani chinomukuvadza, uye mwoyo wakachenjera uchaziva nguva yakafanira namaitiro akafanira. Nokuti kune nguva yakafanira namaitiro akafanira pazvinhu zvose, kunyange nhamo yomunhu ichimuremera zvikuru. Sezvo pasina munhu anoziva ramangwana, ndiani angamuzivisa zvichauya? Hakuna munhu ane simba pamusoro pemhepo kuti aitonge; saizvozvowo hakuna munhu ane simba pamusoro pezuva rokufa kwake. Sezvo kusinawo munhu anoregedzeswa kurwa panguva yehondo, saizvozvowo zvakaipa hazvingaregedzi uyo anozviita. Zvose izvi ndakazviona, pandakaisa pfungwa dzangu pane zvose zvinoitwa pasi pezuva. Pane nguva yokuti mumwe munhu anenge ane simba pamusoro pavamwe, asi achizvikuvadza pachake. Zvino ndakaonazve vakaipa vachivigwa mumakuva, vose vaisiuya nokuenda kubva kunzvimbo tsvene uye vachirumbidzwa muguta mavaiitira izvi. Naizvozviwo hazvina maturo. Kana mhosva ikarega kukurumidza kutongwa, mwoyo yavanhu ichazara nezvirongwa zvokuita zvakaipa. Kunyange munhu akaipa akapara mhosva dzinosvika zana agorarama nguva refu, ndinoziva kuti zvichava nani kuna vanhu vanotya Mwari, avo vanokudza Mwari. Asi nokuti vakaipa havatyi Mwari, hazvizovanakira, uye mazuva avo haangarebi somumvuri. Pane chimwezve chinhu chisina maturo chinoitika panyika: Vanhu vakarurama vanoitirwa zvakafanira kuitirwa vakaipa, uye vanhu vakaipa vanowana zvakafanira kuwanikwa navakarurama. Naizvozviwo ndinoti hazvina maturo. Saka ndinokurudzira vanhu kuti vafadzwe noupenyu, nokuti hapana chinhu chiri nani kumunhu pasi pezuva kupfuura kudya nokunwa nokufara. Ipapo mufaro uchamutevera mubasa rake mazuva ose oupenyu hwaakapiwa naMwari pasi pezuva.
Muparidzi 8:2-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndinoti, “Chengeta murayiro wamambo, uzviite nokuda kwezvawakapikira Mwari.” Usakurumidza kubva pamberi pake; usatsungirira pachinhu chakaipa, nokuti anoita zvose zvaanoda. Nokuti shoko ramambo rine simba; ndiani angati kwaari, “Munoiteiko?” Munhu anochengeta murayiro, haangaoni chinhu chakaipa; mwoyo wowakachenjera unoziva nguva nokutongwa. Nokuti chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho nokutongwa kwacho; nokuti kushata kwomunhu kunomuremedza; nokuti haazivi zvichazovapo; nokuti ndiani angamuzivisa kuti zvichava zvakadini? Hakuna munhu ane simba pamusoro pemhepo, kuti adzivirire mhepo; uye haana simba pamusoro pezuva rorufu; hakuna kukanganwirwa pakurwa; saizvozvo zvakaipa hazvingarwiri iye anozviita. Izvozvi zvose ndakazviona, ndikarangarira nomwoyo wangu mabasa ose anoitwa pasi pezuva, panguva kana mumwe munhu ane simba pamusoro pomumwe, achimuitira zvakaipa. Saizvozvo ndakaona akaipa achivigwa, vanhu vakauya kuhwiro hwake; asi vakanga vaita zvakarurama vakabva panzvimbo tsvene, vakakanganikwa muguta; naizvozvo hazvina maturo. Kutongwa zvakusingakurumidzi kuuya pamusoro pebasa rakaipa, mwoyo yavanakomana vavanhu inotsungirira kuita zvakaipa. Kunyange mutadzi akaita zvakaipa rune zana, akava namazuva mazhinji, kunyange zvakadaro ndinoziva zvirokwazvo kuti vanotya Mwari, vanotya pamberi pake, vachagara zvakanaka; asi akaipa haangagari zvakanaka, haangavi namazuva mazhinji, zvaakafanana nomumvuri; nokuti haatyi pamberi paMwari. Chinhu chisina maturo chiripo, chinoitwa panyika, ndicho kuti vakarurama variko vanoitirwa sezvinoitirwa mabasa avakaipa, uyezve vakaipa variko vanoitirwa sezvinoitirwa mabasa avakarurama; ndikati, “Naizvozvi hazvina maturo.” Ipapo ndakarumbidza mufaro, nokuti munhu haane chinhu chinopfuura ichi, kuti adye, anwe, afare; kuti izvozvo zvigare naye pakubata kwake mazuva ose ohupenyu hwake, hwaakapiwa naMwari pasi pezuva.
Muparidzi 8:2-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ini ndinoti, “Teerera zvinenge zvataurwa naMambo.” Pamusana pemhiko kuna Mwari ibva paari; usanonoke munzvimbo yenjodzi yakadaro nokuti mambo anogona kuita chose chaada kuita. Nokuti zvinenge zvataurwa namambo ndizvozvo. Ndiani angamuti, “Ko chii chamaita?” Munhu anoteerera mutemo hapana chinomuwira mungwaru anoziva mumwoyo make nguva kwayo nezvinofanira kuitwa. Nokuti chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho namaitirwo acho kunyange munhu achiremerwa nenhamo nokuti hapana anoziva zvichaitika uye ndiani angamutaurire kuti zvichaitika sei. Hapana munhu anokwanisa kutonga mweya kana kuramba akauchengetedza. Hapanawo ane simba nezvezuva rokufa. Hondo haina wainosia uipi hauponesi mwene wahwo. Zvose izvozvi ndakazviongorora ndichirangarira zvose zvinoitwa pasi pezuva, munhu achiremedza vamwe asi zvichizomupfukira iye. Ndakaonawo vakaipa vachivigwa vakabuda munzvimbo tsvene vachirumbidzwa muguta ravaiita zvakadaro izvozvi izvi hazvinzwisisiki. Pamusana pokuti chirango chezvakaipa zvinenge zvaitwa hachisi kupiwa nokukurumidza, vanhu vanobva varamba mwoyo yavo yavakudisisa kuita zvakaipa. Mutadzi anogona zvake kuita zvakaipa kazana agove noupenyu urefu asi chandinoziva ndechokuti, “Vanotya Mwari ndovachanakirwa nezvinhu pamusana pokumutya kwavanoita. Muipi hazvimbomufambira zvakanaka. Uye haakwanisi kurebesa upenyu hwake somumvuri nokuti haatyi Mwari.” Pane zvimwe zvisinganzwisisiki zvinoitika panyika zvokuti kune varurami vanowirwa nezvinowira vakaipa kwouyawo vaipi vanowana mubayiro unowanikwa navakarurama. Ndakati izviwo hazvinzwisisiki. Saka ini ndinokurudzira kufara nokuti munhu haana chimwe chinhu pasi pedenga kusiya kudya nokunwa nokufara nokuti izvi ndizvo zvinobva mukushingaira kwake nebasa mumazuva ake oupenyu aakapiwa naMwari pasi pedenga.
Muparidzi 8:2-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndinoti: Ceŋgeta murairo wamambo, uɀiite nokuɗa kweɀawakapikira Mŋari. Usakurumidza kubva pamberi pake; usatsuŋgirira pacinhu cakaipa, nokuti unoita ɀose ɀaanoɗa. Nokuti shoko ramambo rinesimba; ndiani uŋgati kwaari: Munoiteiko? Munhu unoceŋgeta murairo, haaŋgaʋoni cinhu cakaipa; mŋoyo wowakacenjera unoziʋa ŋguʋa nokutoŋgwa. Nokuti cinhu cimŋe necimŋe cineŋguʋa yaco nokutoŋgwa kwaco; nokuti kushata kwomunhu kunomuremedza; nokuti haaziʋi ɀicazoʋa’po; nokuti ndiani uŋgamuziʋisa kuti ɀicaʋa ɀakaɗini? Hakunomunhu unesimba pamsoro pemhepo, kuti adziʋirire mhepo; ʋuye haanesimba pamsoro pezuʋa rorufu; hakuna‐kukaŋganwirwa pakurwa; saiɀoɀo ɀakaipa haɀiŋgarwiri iye unoɀiita. Iɀoɀi ɀose ndakaɀiʋona, ndikaraŋgarira nomŋoyo waŋgu maɓasa ose anoitwa pasi pezuʋa, paŋguʋa kana mumŋe munhu anesimba pamsoro pomumŋe, acimuitira ɀakaipa. Saiɀoɀo ndakaʋona wakaipa aciʋigwa, ʋanhu ʋakaʋuya kubgiro bgake; asi ʋakaŋga ʋaita ɀakarurama ʋakabva panɀimbo tȿene, ʋakakaŋganikwa muguta; naiɀoɀo haɀinamaturo. Kutoŋgwa ɀakusiŋgakurumidzi kuʋuya pamsoro peɓasa rakaipa, mŋoyo yaʋanakomana ʋaʋanhu inotsuŋgirira kuita ɀakaipa. Kunyaŋge mutadzi akaita ɀakaipa runezana, akaʋa namazuʋa mazhinji, kunyaŋge ɀakaɗaro ndinoziʋa ɀirokwaɀo kuti ʋanotya Mŋari, ʋanotya pamberi pake, ʋacagara ɀakanaka; asi wakaipa haaŋgagari ɀakanaka, haaŋgaʋi namazuʋa mazhinji, ɀaakafanana nomumvuri; nokuti haatyi pamberi paMŋari. Cinhu cisinamaturo ciri’po, cinoitwa panyika, ndico kuti ʋakarurama ʋari’ko ʋanoitirwa seɀinoitirwa maɓasa aʋakaipa, ʋuye ɀe ʋakaipa ʋari’ko ʋanoitirwa seɀinoitirwa maɓasa aʋakarurama; ndikati: Naiɀoɀi haɀinamaturo. Ipapo ndakarumbidza mufaro, nokuti munhu haanecinhu cinopfuʋura ici, kuti adye, anwe, afare; kuti iɀoɀo ɀigare naye pakuɓata kwake mazuʋa ose oʋupenyu bgake, bgaakapiwa naMŋari pasi pezuʋa.
Muparidzi 8:2-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)