Muparidzi 7:1-6
Muparidzi 7:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zita rakanaka rinopfuura mafuta anonhuhwira zvakanaka kwazvo, uye zuva rokufa rinopfuura zuva rokuzvarwa. Zviri nani kuenda kuimba yokuchema pano kuenda kuimba yamabiko, nokuti rufu ndiwo mugumo womunhu wose; vapenyu ngavazviise izvi pamwoyo. Kusuwa kunopfuura kuseka, nokuti chiso chinopunyaira chakanakira mwoyo. Mwoyo womuchenjeri uri mumba yokuchema, asi mwoyo yamapenzi iri kuimba yamafaro. Zviri nani kuteerera kutsiura kwomunhu akachenjera, pano kuteerera rwiyo rwamapenzi. Sokuputika kweminzwa pasi pehari, ndizvo zvakaita kuseka kwamapenzi. Naizvozviwo hazvina maturo.
Muparidzi 7:1-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mbiri yakanaka inopfuura chizoro chakanaka, nezuva rokufa kupfuura zuva rokuzvarwa. Zviri nani kuenda kuimba yokuchema, pakuenda kuimba yomutambo; nokuti ndiwo mugumo wavanhu vose; munhu mupenyu achazvirangarira pamwoyo pake. Kuchema kunopfuura kuseka, nokuti mwoyo unofadzwa nokupunyaira kwechiso. Mwoyo yavakachenjera iri paimba yokuchema, asi mwoyo yamapenzi iri paimba yokufara. Zviri nani kuti munhu anzwe kutuka kwavakachenjera, pakuti anzwe kuimba kwamapenzi. Nokuti kuseka kwebenzi kwakafanana nokuputika kweminzwa pasi pehari; naizvozvowo hazvina maturo.
Muparidzi 7:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zita rakanaka riri nani pano mafuta anokosha uye zuva rokufa riri nani pane zuva rokuberekwa. Zviri nani kuenda kuimba iri kuchemwa rufu pano kuenda kuimba yemafaro. Nokuti rufu ndiwo maperero omunhu wose. Vapenyu vanofanira kuzvichengeta mumwoyo izvozvo. Kusuruvara kuri nani pano kuseka mwoyo unofara unogona kuvanzwa muuso hwakasuwa. Mwoyo yavangwaru iri muimba inochemwa rufu asi mwoyo yamapenzi iri muimba yemafaro. Zviri nani kuteerera kutsiura kwomungwaru pano kuteerera rwiyo rwamapenzi. Kubwabwatika kunoita minzwa pasi pebhodho, ndozvakangoitawo kuseka kwamapenzi izvozvowo hazvinzwisisiki.
Muparidzi 7:1-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mbiri yakanaka inopfuʋura cizoro cakanaka, nezuʋa rokufa kupfuʋura zuʋa rokuɀarwa. Ɀirinani kuenda kuimba yokucema, pakuenda kuimba yomutambo; nokuti ndiwo mugumo waʋanhu ʋose; munhu mupenyu ucaɀiraŋgarira pamŋoyo pake. Kucema kunopfuʋura kuseka, nokuti mŋoyo unofadzwa nokupunyaira kweciso. Mŋoyo yaʋakacenjera iri paimba yokucema, asi mŋoyo yamapenzi iri paimba yokufara. Ɀirinani kuti munhu anzwe kutuka kwaʋakacenjera, pakuti anzwe kuimba kwamapenzi. Nokuti kuseka kweɓenzi kwakafanana nokuputika kweminzwa pasi pehari; naiɀoɀo ʋo haɀinamaturo.
Muparidzi 7:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)