Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Muparidzi 6:1-12

Muparidzi 6:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ndakaona chimwe chinhu chakaipa pasi pezuva, uye chinoremedza vanhu zvikuru: Mwari anopa munhu mari nezvinhu zvakawanda uye nokukudzwa, zvokuti haana chaangashayiwa pazvinhu zvinodiwa nomwoyo wake, asi Mwari haazomutenderi kuti afadzwe nazvo, uye mutorwa ndiye anozofadzwa nazvo panzvimbo yake. Izvi hazvina maturo, chinhu chakaipa chinorwadza. Munhu angava navana zana agorarama makore akawanda, asi hazvinei kuti ararama nguva yakareba sei, kana akasafara nezvaanowana uyezve akasavigwa zvakanaka, ndinoti mwana aberekwa ari gavamwedzi ari nani pana iye. Anouya asina zvaanoreva anoendazve murima, uye murima zita rake rinofukidzirwa. Kunyange asina kumboona zuva kana kuziva chinhu, ane zororo rinopfuura munhu iyeyu, kunyange akararama makore anokwana zviuru zviviri, asi akatadza kufadzwa nezvaanowana. Ko, vose havaendi kunzvimbo imwe chete here? Kushingaira kwose kwomunhu kunoitirwa muromo wake, kunyange zvakadaro kuda kwake zvokudya hakugutswi. Ko, akachenjera anokurira benzi pachii? Ko, murombo anowanei nokuziva kuzvibata pamberi pavamwe? Zviri nani zvinoonekwa nameso pane kutsvaka-tsvaka kwomwoyo. Izviwo hazvina maturo, kudzinganisana nemhepo. Chinhu chipi nechipi chiripo chakapiwa zita kare, uye munhu zvaari zvakazivikanwa kare; hakuna munhu anorwisana nomunhu anomupfuura pasimba. Kuwanda kwamashoko ndikowo kuwanda kwezvisina maturo, uye zvingabatsira aniko zvakadai? Zvino ndiani angaziva zvakanakira munhu muupenyu, pamazuva mashoma uye asina maturo anopfuura somumvuri? Nokuti ndiani angaudza munhu zvinozomutevera mushure mokunge iye aenda?

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Muparidzi 6

Muparidzi 6:1-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Kune chinhu chakaipa chandakaona pasi pezuva, chinoremedza vanhu. Munhu anopiwa naMwari pfuma nezvakawanda nokukudzwa, saizvozvo kuti mweya wake hautongoshaiwi chinhu chaanoda; asi Mwari haamupi simba rokudya izvozvo; asi mutorwa anozvidya; ichi hachina maturo, ihosha yakaipa. Kana munhu akabereka vana vane zana, akararama makore mazhinji, mazuva amakore ake akava mazhinji, asi mweya wake asingagutswi nezvakanaka, uyezve akasavigwa zvakanaka, ndinoti mwana wakaberekwa nguva isati yasvika anopfuura iye; nokuti anouya asina maturo, anoendazve murima, zita rake rinofukidzwa nerima; uyezve, haana kuona zuva kana kuriziva; mwana akadai ane zororo kupfuura iye. Zvirokwazvo, kunyange akararama makore ane zviuru zviviri zvamazana, asingafariri zvinhu zvakanaka, ko vose havaendi kunzvimbo imwe here? Kubata kwose kwomunhu kunoitirwa muromo wake; kunyange zvakadaro kuda kwake zvokudya hakugutswi. Nokuti akachenjera anokurira benzi nei? Kana murombo anei, iye anoziva kufamba zvakanaka pamberi pavapenyu. Kuona kwameso kunopfuura kutsvakatsvaka kwomweya. Naizvozvowo hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo bedzi. Chinhu chipi nechipi, chakavapo, chakanguva chapiwa zita racho, zvakatarwa kuti munhu achava akadini, haangarwi noanomupfuura nesimba. Nokuti mashoko mazhinji ariko, anowedzera zvisina maturo; munhu anobatsirwei nazvo? Nokuti ndiani anoziva zvakafanira munhu paupenyu hwake, iwo mazuva ose oupenyu hwake husina maturo, anorarama somumvuri? Nokuti ndiani angaudza munhu zvichazomutevera pasi pezuva?

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Muparidzi 6

Muparidzi 6:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Panechimwe chinhu chakaipa chandakaona pasi pedenga chinoremera vanhu kwazvo. Munhu anopiwa naMwari upfumi nepfuma noukuru zvokuti haana chaanenge achida chaanoshaya asi Mwari orega kumupa simba rokuti afadzwe nazvo asi mutorwa ndiye wofadzwa zvake nazvo. Izvi hazvinzwisisiki uye chinhu chinorwadza. Munhu anogona kuva nevana zana agogara makore mazhinji zvokuti anova namakore mazhinji iye asingawani rufaro mune zvinhu zvakanaka zvoupenyu uye asingavigwe kana azofa. Ini ndinoti mwana aberekwa nguva yake yokuberekwa isati yasvika ari nani kupinda iye. Kuuya kwake hakunzwisisiki, anopinda murima, zita rake richibva rakwidibirwa nerima. Chimwezve ndechokuti haana kuona zuva, kana kumboziva chinhu asi uyu anowana zororo kupinda iye. Kunyangwe akagara chiuru chamakore chakapetwa kaviri iye asingawani rufaro mune zvinhu zvakanaka, handiti vanhu vose vanoenda kunzvimbo imwecheteyo? Kushingaira nebasa kunoita munhu, anenge achishandira muromo asi havi yokuda kudya haiperi. Ko munhu ane ungwaru chii chaanokunda nacho benzi uyewo murombo anowanei nokuziva kwake kuzvibata pane vanhu? Chinhu chauri kuona neziso chiri nani pane chauri kusuwira izvozviwo hazvinzwisisiki. Kunongova kudzingirira mhepo. Chinhu chipi nechipi chakambovapo chikatotumidzwa zita munhu anozivikanwa kuti chii uye haakwanisi kukwidzana dare neane simba kupinda iye. Panowanda zvinotaurwa, zvisinganzwisisiki zvinowandawo chazvinobatsira munhu chii? Ndiani angazive zvinganakire munhu paupenyu hwake hupfupi husina pahwo hunopfuura somumvuri. Ndiani angakwanise kutaurira munhu zvichazoitika mushure pasi pedenga.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Muparidzi 6

Muparidzi 6:1-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Kunecinhu cakaipa candakaʋona pasi pezuʋa, cinoremedza ʋanhu: Munhu unopiwa naMŋari fuma neɀakawanda nokukudzwa, saiɀoɀo kuti mŋeya wake hautoŋgoshaiwi cinhu caanoɗa; asi Mŋari haamupi simba rokudya iɀoɀo; asi mutorwa unoɀidya; ici hacinamaturo, ihosha yakaipa. Kana munhu akaɓereka ʋana ʋanezana, akararama makore mazhinji, mazuʋa amakore ake akaʋa mazhinji, asi mŋeya wake usiŋgagutswi neɀakanaka, ʋuye ɀe akasaʋigwa ɀakanaka, ndinoti mŋana wakaɓerekwa ŋguʋa isati yaȿika unopfuʋura iye; nokuti unoʋuya asinamaturo, unoenda ɀe murima, zita rake rinofukidzwa nerima; ʋuye ɀe, haana‐kuʋona zuʋa kana kuriziʋa; mŋana wakaɗai unezororo kupfuʋura iye. Ɀirokwaɀo, kunyaŋge akararama makore aneɀuru ɀiʋiri ɀamazana, asiŋgafariri ɀinhu ɀakanaka, ko ʋose haʋaendi kunɀimbo imŋe here? Kuɓata kwose kwomunhu kunoitirwa muromo wake; kunyaŋge ɀakaɗaro kuɗa kwake ɀokudya hakugutswi. Nokuti wakacenjera unokurira ɓenzi nei? Kana murombo unei, iye unoziʋa kufamba ɀakanaka pamberi paʋapenyu. Kuʋona kwameso kunopfuʋura kutȿaka‐tȿaka kwomŋeya. Naiɀoɀo ʋo haɀinamaturo, ndiko kudziŋgana nemhepo ɓedzi. Cinhu cipi necipi, cakaʋa’po, cakaŋguʋa capiwa zita raco; ɀakatarwa kuti munhu ucaʋa wakaɗini, haaŋgarwi nounomupfuʋura nesimba. Nokuti mashoko mazhinji ari’ko, anowedzera ɀisinamaturo; munhu unoɓatsirwei naɀo? Nokuti ndiani unoziʋa ɀakafanira munhu paʋupenyu bgake, iwo mazuʋa ose oʋupenyu bgake ʋusinamaturo, bgaanorarama somumvuri? Nokuti ndiani uŋgaʋudza munhu ɀicazomuteʋera pasi pezuʋa?

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Muparidzi 6

Muparidzi 6:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)