Muparidzi 2:24-26
Muparidzi 2:24-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Munhu haana chaangaita chinopfuura kudya nokunwa kuti awane kugutswa pakushanda kwake. Naizvozviwo, ndinoona kuti zvinobva muruoko rwaMwari, nokuti kana pasina iye, ndiani angadya kana kuwana mufaro? Kuno munhu anomufadza, Mwari anopa uchenjeri, nezivo nomufaro asi kuno mutadzi, anopa basa rokuunganidza nokuchengetera upfumi kuti agozvipa uyo anofadza Mwari. Naizvozviwo hazvina maturo, kudzingana nemhepo.
Muparidzi 2:24-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Hakune chinhu chinopfuura ichi, kuti munhu adye, anwe, afadze mweya wake nezvakanaka pakati pokubata kwake. Ndakaona kuti naizvozvi zvinobva kuruoko rwaMwari. Nokuti ndiani angadya, ndiani angafarira chinhu kunze kwake? Nokuti munhu, anomufadza, anopiwa huchenjeri, nezivo, nomufaro; asi mutadzi anopiwa kutambudzika, kuti aunganidze nokututira, agozvipa mumwe anofadza Mwari. Naizvozvowo hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo.
Muparidzi 2:24-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hapana chakanaka kumunhu pane kudya zvake nokunwa nokuzvifadza nezvaanenge ashandira. Izvi ndakazvionawo kuti chipo chinobva muruoko rwaMwari; nokuti pasina iye ndiani angadye ndiani angapafare? Nokuti munhu, anofadza Mwari anomupa ungwaru neruzivo nerufaro. Asi mutadzi anomupa basa rokunhongerera achiunganidza zvinhu zvokuzopiwa zvazvo kumunhu anofadza Mwari. Izvozviwo zvinopazamisa musoro uye kunongova kudzingirira mhepo.
Muparidzi 2:24-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Hakunecinhu cinopfuʋura ici, kuti munhu adye, anwe, afadze mŋeya wake neɀakanaka pakati pokuɓata kwake. Ndakaʋona kuti naiɀoɀi ɀinobva kuruʋoko rwaMŋari. Nokuti ndiani uŋgadya, ndiani uŋgafarira cinhu kunze kwake? Nokuti munhu, unomufadza, unopiwa ʋucenjeri, neziʋo, nomufaro; asi mutadzi unopiwa kutambudzika, kuti aʋuŋganidze nokututira, agoɀipa mumŋe unofadza Mŋari. Naiɀoɀo ʋo haɀinamaturo, ndiko kudziŋgana nemhepo.
Muparidzi 2:24-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)