Muparidzi 2:10-11 - Compare All Versions
Muparidzi 2:10-11 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Handina kuzvirambidza zvinhu zvaidiwa nameso angu, handina kurambidza mwoyo wangu mufaro. Mwoyo wangu wakafadzwa nebasa rangu rose, uye uyu ndiwo wakava mubayiro wokushanda kwangu kwose. Asi pandakaongorora mabasa ose akanga aitwa namaoko angu uye zvandakatambudzikira kuti ndiwane, zvose zvakanga zvisina maturo, kwaingova kudzingana nemhepo; hapana chaibatsira pasi pezuva.
Muparidzi 2:10-11 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvose zvakadikanwa nameso angu handina kuanyima izvozvo; handina kutongodzora mwoyo wangu pamufaro upi noupi; nokuti mwoyo wangu wakanga uchifara nokubata kwangu kwose; ndiwo wakanga uri mugove wangu wakabva pakubata kwangu kwose. Zvino ndakacherekedza mabasa ose akanga aitwa namaoko angu, nokubata kwose kwandakatambura kubata tarira zvose zvakanga zvisina maturo, kwaiva kudzingana nemhepo bedzi, kwakanga kusine chinhu chinobatsira pasi pezuva.
Muparidzi 2:10-11 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀose ɀakaɗikanwa nameso aŋgu handinakuanyima iɀoɀo; handina‐kutoŋgodzora mŋoyo waŋgu pamufaro upi noupi; nokuti mŋoyo waŋgu wakaŋga ucifara nokuɓata kwaŋgu kwose; ndiwo wakaŋga uri mugoʋe waŋgu wakabva pakuɓata kwaŋgu kwose. Ɀino ndakacerekedza maɓasa ose akaŋga aitwa namaʋoko aŋgu, nokuɓata kwose kwandakatamburakuɓata‐tarira ɀose ɀakaŋga ɀisinamaturo, kwaiʋa kudziŋgana nemhepo ɓedzi, kwakaŋga kusinecinhu cinoɓatsira pasi pezuʋa.
Muparidzi 2:10-11 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chainge chadiwa nemeso angu handina kuzvirambidza. Chaidawo mwoyo wangu chokuzvifadza handaizvirambidza. Ndainzwa mwoyo kufara nebasa rangu rose. Ndiwo waivawo mubayiro wangu webasa rangu rose. Ndazoti rangarirei basa rose ramaoko angu nokushingaira kwandakaita pariri, ndakaona zvose zvisinganzwisisiki uye kuri kudzingirirana nemhepo uye kuti hapana chaunowana munhu pasi pedenga.
Muparidzi 2:10-11 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)