Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Muparidzi 1:1-18

Muparidzi 1:1-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Mashoko oMuparidzi, mwanakomana waDhavhidhi, mambo muJerusarema: Zvanzi noMuparidzi, “Hazvina maturo! Hazvina maturo! Hazvina maturo chose! Zvose hazvina maturo.” Munhu achawaneiko kubva pakushanda kwake kwose kwaanoita nesimba pasi pezuva? Zvizvarwa zvinouya uye zvizvarwa zvinoenda, asi nyika inogara nokusingaperi. Zuva rinobuda uye zuva rinovira, uye rinokurumidza kudzokerazve kwarinobudira. Mhepo inovhuvhuta ichienda zasi, yozodzokera kumusoro; inotenderera nokutenderera ichingodzokerazve pagwara rayo. Nzizi dzose dzinodira mugungwa, kunyange zvakadaro gungwa harizari. Kunzvimbo kwadzinobva nzizi, ikoko ndiko kwadzinodzokerazve. Zvinhu zvose zvinonetesa, zvisina ani angazvitaura. Ziso hariguti kuona, uye nzeve haizari nokunzwa. Chakanga chiripo, chichazovapozve, chakamboitwa chichaitwazve; hapana chitsva pasi pezuva. Chiripo here chinhu chinganzi nomunhu, “Tarira! Chinhu ichi chitsva?” Chakanga chichingovapo, kare kare; chakanga chiripo isu tisati tavapo. Vanhu vakare havacharangarirwi; uye kunyange vanovatevera, havachazorangarirwi nevanozotevera. Ini muparidzi ndakanga ndiri mambo weIsraeri muJerusarema. Ndakazvipira kunzvera nokutsvaka nouchenjeri zvose zvinoitwa pasi pedenga. Ibasa rinotambudza rakapiwa vanakomana vavanhu naMwari kuti vazvitambudze naro. Ndakaona zvinhu zvose zvinoitwa pasi pezuva; zvose hazvo hazvina maturo, kudzingana nemhepo bedzi. Chakakombamiswa hachingatwasanudzwi; chinoshayikwa hachingaverengwi. Ndakafunga mumwoyo mangu ndikati, “Tarira, ndazviwanira uchenjeri hwakawanda kupfuura vose vakanditangira kutonga muJerusarema; ndava nouchenjeri uye noruzivo rwakawanda.” Ipapo ndakazvipira kutsvaka kunzwisisa uchenjeri uyezve noupengo noupenzi, asi ndakadzidzawo zvakare kuti, naizvozviwo kudzingana nemhepo. Nokuti muuchenjeri huzhinji mune kusuwa kuzhinji; kuwanda kwezivo, kuwandawo kwokuchema.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Muparidzi 1

Muparidzi 1:1-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Mashoko oMuparidzi, mwanakomana waDhavhidhi, mambo paJerusaremu. Zvanzi noMuparidzi, hazvina maturo chose, hazvina maturo chose, zvose hazvina maturo chose! Munhu angabatsirweiko nokutambudzika kwake kwose, kwaanotambudzika nako pasi pezuva? Rudzi rumwe runoenda, rumwe rudzi runouya; asi pasi panongogarapo nokusingaperi. Zuva rinobudawo, zuva rinovira, richikurumidzira kwarinozobudazve. Mhepo inoenda zasi, yodzoka yoenda kumusoro; inoramba ichidzoka pakufamba kwayo; mhepo inodzokerazve pakupotereka kwayo. Nzizi dzose dzinodira mugungwa, kunyange zvakadaro gungwa harizari; kunzvimbo kunoenda nzizi, ndiko kwadzinodzokerazve. Zvinhu zvose zvizere nokuneta; hakuna munhu angazvitaura; ziso hariguti nokuona, nzeve haizari nokunzwa. Chakanga chiripo, ndicho chichazovapo; chakamboitwa, ndicho chichazoitwa; hapane chinhu chitsva pasi pezuva. Chinhu chiriko here, chatingati, “Tarirai, chinhu ichi chitvsa?” Chakanga chichingovapo kare, panguva dzakatitangira. Marudzi akapfuura haacharangarirwi; namarudzi achazotevera, haangatongorangarirwi navanozovatevera. Ini Muparidzi, ndakanga ndiri mambo waIsiraeri paJerusaremu. Ndikarwadza mwoyo wangu kutsvaka nokunzvera nouchenjeri zvose zvinoitwa pasi pedenga; ibasa rinotambudza rakapiwa vanakomana vavanhu vaMwari, kuti vazvitambudze naro. Ndakaona mabasa ose anoitwa pasi pezuva; tarirai, zvose hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo bedzi. Chakakombama hachibviri kururamiswa; chinoshaikwa hachibviri kuverengwa. Ndakataurirana nomwoyo wangu, ndichiti, “Tarira ndazviwanira uchenjeri hukuru, kukunda vose vakanditangira paJerusaremu; zvirokwazvo mwoyo wangu wakaona uchenjeri huzhinji nezivo.” Asi ndakati ndichirwadza mwoyo wangu kuti ndizive uchenjeri nezivo, noupengo noupenzi, ndikaona kuti naizvozvowo ndiko kudzingana nemhepo bedzi. Nokuti muuchenjeri huzhinji munokuchema kuzhinji; uye anowedzera zivo, anowedzera shungu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Muparidzi 1

Muparidzi 1:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Mashoko omuparidzi, mwanakomana waDhavhidhi, mambo womuJerusaremu. Hazvinzwisisiki hazvinzwisisiki, ndozviri kutaura muparidzi, hazvinzwisisiki, zvinhu hazvinyatsonzwisisika. Nhai imi munhu anofireiko nebasa chaizvo, nokufondoka kwose kwaanoita pasi pezuva? Chimwe chizvarwa chinoenda chimwewo chizvarwa chichiuya asi nyika inoramba iripo chete. Zuvawo rinobuda, zuva rinodoka romhanyazve iwee kunzvimbo kwaro kwarinobuda! Mhepo inoenda kumaodzanyemba yopishinukazve yoenda kuchamhembe, ichingotendererawo, ichingotenderera. Mhepo inoramba ichingoenda nemayamboenda namo imomo. Nzizi dzose dzinoyerera kugungwa asi gungwa harizari. Nzizi kwadzinoyerera dzinoyererazve ikoko. Zvinhu zvose zvinofinha, hapana angagone kuzvitaura. Ziso hariguti kuona kana nzevewo haiguti kunzwa. Zvakamboitika zvichaitikazve. Zvakamboitwa zvichaitwazve. Hapana chitsva pasi pezuva. Panechinhu here chinganzi ona chinhu icho chitsva. Chaivapo kare panguva yakare. Hakuna chete anoyeuka zvinhu zvakare. Hakunawo achazoyeuka panevachauya mushure macho. Uye kuyeuka pachange pasina pakati pane vachauya mushure machowo. Ini Muparidzi ndakatonga Isiraeri ndiri muJerusaremu. Ndakazvipira kunyatsotsvaga nokuongorora noungwaru zvose zvinoitika pasi pedenga. Aiwaiwa! Mutoro wacho wakapiwa vanhu naMwari kuti vatakure haufadzi. Ndakatarisa mabasa ose anoitwa pasi pezuva ndikaona zvangu kuti zvose hazvinzwisisiki uye kuti kunongova kudzingirirana nemhepo zvako. Chakakombama hachitasanudziki chisipo hachigone kuverengwa. Ndakambozvifunga zvangu mumwoyo ndichiti, “Ini ndakawana ungwaru hunokunda vamwe vose vakanditangira kuva vatongi veJerusaremu. Zvakanyatsondipindawo mumwoyo kuti chinonzi ungwaru chii uye kuti chinonzi ruzivo chii.” Ndakazvipira kwazvo kuti ndizive kuti chinonzi ungwaru chii uyewo kuti chinonzi upenzi chii. Ndakaonawo ikoku kuri kungodzingirirana zvako nemhepo. Chandinodariro ndechokuti ungwaru hukawanda nhamowo dzinobva dzaita murwi kuwanda. Anozviwanzira ruzivo anozviwanzirawo matambudziko.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Muparidzi 1

Muparidzi 1:1-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Mashoko oMuparidzi, mŋanakomana waDavidi, mambo paJerusarema: Ɀanzi noMuparidzi: Haɀinamaturo cose, haɀinamaturo cose, ɀose haɀinamaturo cose! Munhu uŋgaɓatsirweiko nokutambudzika kwake kwose, kwaanotambudzika nako pasi pezuʋa? Rudzi rumŋe runoenda, rumŋe rudzi runoʋuya; asi pasi panoŋgogara’po nokusiŋgaperi. Zuʋa rinoɓuɗa ʋo, zuʋa rinoʋira, ricikurumidzira kwarinozoɓuɗa ɀe. Mhepo inoenda zasi, yodzoka yoenda kumsoro; inoramba icidzoka pakufamba kwayo; mhepo inodzokera ɀe pakupotereka kwayo. Nzizi dzose dzinoɗira muguŋgwa, kunyaŋge ɀakaɗaro guŋgwa harizari; kunɀimbo kunoenda nzizi, ndiko kwadzinodzokera ɀe. Ɀinhu ɀose ɀizere nokuneta; hakunomunhu uŋgaɀitaura; ziso hariguti nokuʋona, nzeʋe haizari nokunzwa. Cakaŋga ciri’po, ndico cicazoʋa’po; cakamboitwa, ndico cicazoitwa; hapanecinhu citȿa pasi pezuʋa. Cinhu ciri’ko here, catiŋgati: Tarirai, cinhu ici citȿa? Cakaŋga ciciŋgoʋa’po kare, paŋguʋa dzakatitaŋgira. Marudzi akapfuʋura haacaraŋgarirwi; namarudzi acazoteʋera, haaŋgatoŋgoraŋgarirwi naʋanozoʋateʋera. Ini Muparidzi, ndakaŋga ndiri mambo waIsraeri paJerusarema. Ndikarwadza mŋoyo waŋgu kutȿaka nokunɀera noʋucenjeri ɀose ɀinoitwa pasi peɗeŋga; iɓasa rinotambudza rakapiwa ʋanakomana ʋaʋanhu naMŋari, kuti ʋaɀitambudze naro. Ndakaʋona maɓasa ose anoitwa pasi pezuʋa; tarirai, ɀose haɀinamaturo, ndiko kudziŋgana nemhepo ɓedzi. Cakakombama hacibviri kururamiswa; cinoshaikwa hacibviri kuʋereŋgwa. Ndakataurirana nomŋoyo waŋgu, ndiciti: Tarira ndaɀiwanira ʋucenjeri ʋukuru, kukunda ʋose ʋakanditaŋgira paJerusarema; ɀirokwaɀo mŋoyo waŋgu wakaʋona ʋucenjeri ʋuzhinji neziʋo. Asi ndakati ndicirwadza mŋoyo waŋgu kuti ndiziʋe ʋucenjeri neziʋo, noʋupeŋgo noʋupenzi, ndikaʋona kuti naiɀoɀo ʋo ndiko kudziŋgana nemhepo ɓedzi. Nokuti muʋucenjeri ʋuzhinji munokucema kuzhinji; ʋuye, unowedzera ziʋo, unowedzera shuŋgu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Muparidzi 1

Muparidzi 1:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)