Dhuteronomi 6:6-7
Dhuteronomi 6:6-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mirayiro iyi yandinokupai nhasi inofanira kuva mumwoyo yenyu. Zvisimbisei kuvana venyu. Taurai pamusoro payo kana mugere mudzimba dzenyu uye kana muchifamba munzira, kana muchivata pasi uye kana muchimuka.
Dhuteronomi 6:6-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mashoko awa andinokuraira nhasi, anofanira kuva mumwoyo mako; unofanira kushingaira kuadzidzisa vana vako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi, kana uchimuka.
Dhuteronomi 6:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mitemo iyoyi yandinokuudza nhasi ngaigare mumwoyo mako. Nyatsoidzidzisa vana vako. Uitaure wataurazve ugere mumba mako, napaunenge uchifamba munzira, napaunenge urere pasi, napaunomuka.
Dhuteronomi 6:6-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mashoko awa andinokuraira nhasi, anofanira kuʋa mumŋoyo mako; unofanira kushiŋgaira kuadzidzisa ʋana ʋako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana ucifamba munzira, kana uciʋata pasi, kana ucimuka.