Dhuteronomi 6:10-12
Dhuteronomi 6:10-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino kana Jehovha Mwari wenyu achinge akupinzai munyika yaakapikira kumadzibaba enyu, Abhurahama, naIsaka, naJakobho, kuti achakupai, nyika ina maguta makuru akanaka, amusina kuvaka imi, dzimba dzizere nezvinhu zvakanaka zvamarudzi ose zvamusina kutsvaka imi, matsime amusina kuchera, minda yemizambiringa namasango nemiti yemiorivhi yamusina kusima, zvino kana muchinge madya uye mukaguta, muchenjerere kuti murege kukanganwa Jehovha, akakubudisai kubva muIjipiti, kubva munyika youranda.
Dhuteronomi 6:10-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Zvino kana Jehovha Mwari wako achinge akupinza munyika, yaakapikira madzibaba ako, Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, kuti uchakupa iyo, namaguta makuru akanaka, ausina kuvaka iwe, nedzimba dzizere nezvinhu zvose zvakanaka, dzausina kuzadza iwe, namakangwa akacherwa, ausina kuchera iwe, neminda yemidzambiringa nemiorivhi, yausina kusima iwe; iwe ukadya ukaguta, zvino chenjera kuti urege kukanganwa Jehovha, wakakubudisa panyika yeIjipiti, paimba youranda.
Dhuteronomi 6:10-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Tenzi Mwari wako paachazenge akuunza munyika yaakatsidzira kumadzibaba ako vanaAbhurahamu naIsaki naJakobho kuzokupa nyika ina maguta makuru akanaka amusina kumbovaka ane dzimba dzizere zvinhu zvakanaka, zvausina kuisamo, namatsime ausina kumbochera, neminda yemagirepisi neyemiorivhi yausina kumbosima, wadya zvokuguta, chenjerera kuti urege kukanganwa Tenzi akakubudisa munyika yeIjipiti kwamaiva muuranda.
Dhuteronomi 6:10-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino kana Jehova Mŋari wako aciŋge akupinza munyika, yaakapikira madziɓaɓa ako, Abrahama, naIsaka, naJakobo, kuti ucakupa iyo, namaguta makuru akanaka, ausina‐kuʋaka iwe, nedzimba dzizere neɀinhu ɀose ɀakanaka, dzausina‐kuzadza iwe, namakaŋgwa akacerwa, ausina‐kucera iwe, neminda yemizambiriŋga nemiorivi, yausina‐kusima iwe; iwe ukadya ukaguta, ɀino cenjera kuti urege kukaŋganwa Jehova, wakakuɓuɗisa panyika yeEgipita, paimba yoʋuranda.
Dhuteronomi 6:10-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)