Dhuteronomi 5:8-10
Dhuteronomi 5:8-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Usazviitira mufananidzo wechinhu chipi zvacho chiri kudenga kumusoro kana panyika pasi kana pasi mumvura. Usazvipfugamira kana kuzvinamata; nokuti ini, Jehovha Mwari wako, ndiri Mwari ane godo, ndinoranga vana nokuda kwechivi chamadzibaba kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina rwaavo vanondivenga, asi ndichiratidza rudo kune chiuru chemarudzi avanondida, vanochengeta mirayiro yangu.
Dhuteronomi 5:8-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Usazviitira mufananidzo wakavezwa, kana uri mufananidzo wechinhu chiri kudenga kumusoro, kana wechiri panyika pasi, kana wechiri mumvura pasi penyika. Usapfugamira izvozvo, kana kuzvishumira; nokuti ini Jehovha Mwari wako, ndiri Mwari une godo; ndinorova vana nokuda kwezvivi zvamadzibaba avo, kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina rwavanondivenga; ndichiitira nyasha vane zviuru zvamazana vanondida, vanochengeta mirairo yangu.
Dhuteronomi 5:8-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Usazvigadzirire chifananidzo chokunamata chokuveza, kana kuita chinhu chakafanana nechii zvacho chiri kumusoro kudenga, kana chiri panyika pasi pano, kana chiri mumvura pasi pasi penyika. Usapfugamire zvifananidzo izvozvo kana kuzvinamata nokuti ini Tenzi Mwari wako ndiri Mwari aneshanje. Ndinoranga vose vanondivenga, shamhu yangu ichirova vana vavo, ndichivarangira zvitadzo zvamadzibaba avo kusvikira kuchizvarwa chavo chechitatu nechechina. Asi ndinogara ndichiitira mwoyochena zviuru nezviuru zvavanhu vanondida vanochengeta mitemo yangu.
Dhuteronomi 5:8-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Usaɀiitira mufananidzo wakaʋezwa, kana uri mufananidzo wecinhu ciri kuɗeŋga kumsoro, kana weciri panyika pasi, kana weciri mumvura pasi penyika. Usafugamira iɀoɀo, kana kuɀishumira; nokuti ini Jehova Mŋari wako, ndiri Mŋari unegoɗo; ndinoroʋa ʋana nokuɗa kweɀiʋi ɀamadziɓaɓa aʋo, kuȿikira kurudzi rwecitatu norwecinna rwaʋanondiʋeŋga; ndiciitira nyasha ʋaneɀuru ɀamazana ʋanondiɗa, ʋanoceŋgeta mirairo yaŋgu.
Dhuteronomi 5:8-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)