Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhuteronomi 4:7-8 - Compare All Versions

Dhuteronomi 4:7-8 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Ndorupi rumwe rudzi rukuru runa vamwari varwo vari pedyo navo saJehovha Mwari wedu ari pedyo nesu nguva ipi neipi zvayo yatinonyengetera kwaari? Uye ndorupiko rudzi rukuru rune mitemo nemirayiro yakarurama semirayiro iyi yandiri kuisa pamberi penyu nhasi?

Pakurirana nevamwe
Dhuteronomi 4 BDSC

Dhuteronomi 4:7-8 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

“Nokuti rudzi rukuru ruripiko, runa mwari uri pedyo navo, saJehovha Mwari wedu nguva ipi neipi yatinodana kwaari? Rudzi rukuru ruripiko, rune zvakatemwa nezvakatongwa zvakarurama somurayiro uyu wose, wandinoisa pamberi penyu nhasi?

Pakurirana nevamwe
Dhuteronomi 4 SNA2002

Dhuteronomi 4:7-8 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Nokuti rudzi rukuru ruripiko, runamŋari uri pedyo naʋo, saJehova Mŋari weɗu ŋguʋa ipi neipi yatinoɗana kwaari? Rudzi rukuru ruripiko, runeɀakatemŋa neɀakatoŋgwa ɀakarurama somurairo uyu wose, wandinoisa pamberi penyu nhasi?

Pakurirana nevamwe
Dhuteronomi 4 SUB1949

Dhuteronomi 4:7-8 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

“Ko, kune rudzi here rukuru runa mwari ari pedyo narwo sezvakaita isu naTenzi Mwari wedu ari pedyo nesu patinomudaidza? Pane rudzi here rukuru rune mitemo nemirao yakarurama sebumbiro rose romutemo randiri kukupai nhasi uno?

Pakurirana nevamwe
Dhuteronomi 4 SCLB

Dhuteronomi 4:7-8 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

“Ko, kune rudzi here rukuru runa mwari ari pedyo narwo sezvakaita isu naTenzi Mwari wedu ari pedyo nesu patinomudaidza? Pane rudzi here rukuru rune mitemo nemirao yakarurama sebumbiro rose romutemo randiri kukupai nhasi uno?

Pakurirana nevamwe
Dhuteronomi 4 SCLBD