Dhuteronomi 4:2-4
Dhuteronomi 4:2-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Musawedzera kana kutapudza kubva pane zvandinokurayirai, asi chengetai mirayiro yaJehovha Mwari wenyu yandinokupai. Makaona nameso enyu zvakaitwa naJehovha paBhaari Peori, Jehovha Mwari wenyu akaparadza mumwe nomumwe pakati penyu aitevera Bhaari Peori. Asi imi mose makanamatira pana Jehovha Mwari wenyu muchiri vapenyu nhasi.
Dhuteronomi 4:2-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Musawedzera kana kutapudza pashoko randinokurairai, kuti muchengete mirairo yaJehovha Mwari wenyu, yandinokurairai. Meso enyu akaona zvakaitwa naJehovha nokuda kwezvakaitwa paBhaari-peori; nokuti varume vose vakatevera Bhaari-peori, Jehovha Mwari wenyu wakavaparadza pakati penyu. Asi imi, makanamatira Jehovha Mwari wenyu, imi mose muri vapenyu kusvikira nhasi.
Dhuteronomi 4:2-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Musambowedzera zvenyu kana kutapudza chinhu pamitemo yandichakupai. Chengetai mitemo yaTenzi Mwari wenyu yandava kukuudzai. Makaona nemeso enyu zvakaitwa naTenzi kuBhaaripeori kuvanhu vaitevera mwari wepagomo rokuPeori. Tenzi Mwari wenyu akavaparadza pakati penyu. Asi imi makaramba makati kwati kwati naTenzi Mwari wenyu mose muchiri vapenyu nanhasi uno.
Dhuteronomi 4:2-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Musawedzera kana kutapudza pashoko randinokurairai, kuti muceŋgete mirairo yaJehova Mŋari wenyu, yandinokurairai. Meso enyu akaʋona ɀakaitwa naJehova nokuɗa kweɀakaitwa paBaari‐peori; nokuti ʋarume ʋose ʋakateʋera Baari‐peori, Jehova Mŋari wenyu wakaʋaparadza pakati penyu. Asi imi, makanamatira Jehova Mŋari wenyu, imi mose muri ʋapenyu kuȿikira nhasi.
Dhuteronomi 4:2-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)