Dhuteronomi 33:29
Dhuteronomi 33:29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Wakaropafadzwa, iwe Israeri! Ndiani akafanana newe, rudzi rwakaponeswa naJehovha? Ndiye nhoo nomubatsiri wako uye nomunondo wako unobwinya. Vavengi vako vachazviisa pasi pako, uye iwe uchatsika-tsika nzvimbo dzavo dzakakwirira.”
Dhuteronomi 33:29 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Isiraeri, iwe wakaropafadzwa; Ndiani wakatodzana newe, rudzi rwakachengetwa naJehovha? Ndiye nhoo inokubatsira, Nomunondo waunokudzwa nawo! Vavengi vako vachazviisa pasi pako, Newe uchatsika panzvimbo dzavo dzakakwirira.”
Dhuteronomi 33:29 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvako iwe Isiraeri wakakomborerwa! Ndianiwo zvake angaenzaniswe newe, rudzi rwakaponeswa naTenzi ndiye nhoo yako inokubatsira, ndiye bakatwa rinokuita kuti ukunde. Vavengi vako vachauya vachiteterera kwauri. Nzvimbo dzavo dzakatunhumara dzokuteurira uchaita zvokudzitsikirira zvako.”
Dhuteronomi 33:29 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Israeri, iwe wakaropafadzwa; Ndiani wakatodzana newe, rudzi rwakaceŋgetwa naJehova? Ndiye nhoʋo inokuɓatsira, Nomunondo waunokudzwa nawo! Ʋaʋeŋgi ʋako ʋacaɀiisa pasi pako, Newe ucatsika panɀimbo dzaʋo dzakakwirira.
Dhuteronomi 33:29 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)