Dhuteronomi 30:15-20
Dhuteronomi 30:15-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Tarira, ndaisa pamberi pako nhasi upenyu noupfumi, uye rufu nokuparadzwa. Nokuti ndinokurayira kuti ude Jehovha Mwari wako nhasi, kuti ufambe munzira dzake nguva dzose uye uchengete zvaakarayira, mitemo nemirayiro yake; ipapo uchararama ugowanda, uye Jehovha Mwari wako achakuropafadza munyika yauri kupinda kuti uitore. Asi kana mwoyo wako ukatsauka uye kana usingateereri, uye kana ukakwezvwa kuti undopfugamira vamwe vamwari ugovanamata, ndinokuudza nhasi kuti uchaparadzwa zvirokwazvo. Haungararami kwenguva refu munyika yamuri kuyambuka Jorodhani kuti mupinde mugoitora. Nhasi uno ndinodana denga nenyika kuti zvikupupurirei kuti ndaisa pamberi penyu upenyu nerufu, maropafadzo nokutukwa. Zvino sarudza upenyu, kuitira kuti iwe navana vako mugorarama. Uye ugoda Jehovha Mwari wako, uteerere inzwi rake, uye ugobatirira paari. Nokuti Jehovha ndiye upenyu hwako, uye achakupa makore mazhinji munyika yaakapika kuti achaipa kumadzibaba enyu Abhurahama, Isaka naJakobho.
Dhuteronomi 30:15-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Tarira ndaisa pamberi pako nhasi upenyu nezvakanaka, norufu nezvakaipa. Zvandinokuraira nhasi ndizvo, kuti ude Jehovha Mwari wako, nokufamba munzira dzake, nokuchengeta mirairo yake nezvaakatema nezvaakatonga, kuti urarame, uwande, uye kuti Jehovha Mwari wako akuropafadze kunyika kwaunoenda kwairi, kuti ive yako. Asi kana mwoyo wako ukatsauka, ukaramba kuteerera, ukatsauswa kunamata vamwe vamwari nokuvashumira, ndinokuudzai nhasi, kuti muchaparadzwa zvirokwazvo; hamungavi namazuva mazhinji kunyika kwaunoyambukira nhasi, kuti ive yako. Ndinodana kudenga napasi kukupupurirai nhasi, kuti ndaisa pamberi pako upenyu norufu, kuropafadzwa nokutukwa; naizvozvo tsaura upenyu, kuti urarame, iwe navana vako; kuti ude Jehovha Mwari wako, nokuteerera izwi rake, nokumunamatira; nokuti ndihwo upenyu hwako, nokuwanzwa kwamazuva ako; kuti ugare munyika yakapikira Jehovha madzibaba ako, Abhurahamu naIsaka naJakobho, kuti uchavapa iyo.”
Dhuteronomi 30:15-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Chinzwa, nhasi uno ndaisa pamberi pako, uku upenyu nezvakanaka uku rufu nezvakaipa. Kana ukachengeta mitemo yaTenzi Mwari wako yandiri kukuudza nhasi uno, ukada Tenzi Mwari wako nokufamba munzira dzake uchichengeta zvirevo nemitemo nemirao yake, muchagara zvenyu mugowanda, ipapo Tenzi Mwari wenyu achakukomborerai munyika yamuri kundotora kuti ive yenyu. Asi iwe ukatsauka zvako nomwoyo wako uchiramba kuteerera uchizokweverwa kundopfugamira vamwe vamwari uchivashandira, ndinokuudzai nhasi uno kuti muchaparadzwa hamuzogara mazuva mazhinji munyika yamuri kuyambukira Jorodhani kundotora kuti ive yenyu. Denga nenyika ngazvindipupurirewo nhasi uno kwauri kuti ndakuisira uku upenyu, uku rufu uyewo uku chikomborero, uku rushambwa kuti uzvisarudzire. Saka chisarudza upenyu kuti urarame iwe navana vako, ude Tenzi Mwari wako, umuteerere, uti kwati kwati naye nokuti ndiye upenyu hwako nezvo achakupa mazuva mazhinji okuti ugare munyika yakatsidzwa naTenzi kupa madzitateguru ako vanaAbhurahamu naIsaki naJakobho.”
Dhuteronomi 30:15-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Tarira ndaisa pamberi pako nhasi ʋupenyu neɀakanaka, norufu neɀakaipa. Ɀandinokuraira nhasi ndiɀo, kuti uɗe Jehova Mŋari wako, nokufamba munzira dzake, nokuceŋgeta mirairo yake neɀaakatema neɀaakatoŋga, kuti urarame, uwande, ʋuye kuti Jehova Mŋari wako akuropafadze kunyika kwaunoenda kwairi, kuti iʋe yako. Asi kana mŋoyo wako ukatsauka, ukaramba kuterera, ukatsauswa kunamata ʋamŋe ʋamŋari nokuʋashumira, ndinokuʋudzai nhasi, kuti mucaparadzwa ɀirokwaɀo; hamuŋgaʋi namazuʋa mazhinji kunyika kwaunoyambukira nhasi, kuti iʋe yako. Ndinoɗana kuɗeŋga napasi kukupupurirai nhasi, kuti ndaisa pamberi pako ʋupenyu norufu, kuropafadzwa nokutukwa; naiɀoɀo tsaura ʋupenyu, kuti urarame, iwe naʋana ʋako; kuti uɗe Jehova Mŋari wako, nokuterera inzwi rake, nokumunamatira; nokuti ndibgo ʋupenyu bgako, nokuwanzwa kwamazuʋa ako; kuti ugare munyika yakapikira Jehova madziɓaɓa ako, Abrahama naIsaka naJakobo, kuti ucaʋapa iyo.
Dhuteronomi 30:15-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)