Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhuteronomi 29:1-29

Dhuteronomi 29:1-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Aya ndiwo mashoko esungano akarayirwa Mozisi naJehovha kuti aaite navana veIsraeri munyika yeMoabhu, kupamhidzira pamusoro pesungano yaakaita navo paHorebhi. Mozisi akadana vaIsraeri vose akati kwavari: Meso enyu akaona zvose zvakaitwa naJehovha muIjipiti kuna Faro, namachinda ake ose uye nokunyika yake yose. Nameso enyu chaiwo makaona miedzo iya mikuru, nezviratidzo nezvishamiso zviya zvikuru. Asi kusvikira nanhasi Jehovha haana kukupai pfungwa dzokunzwisisa kana meso okuona kana nzeve dzokunzwa. Pamakore makumi mana andakakutungamirirai nomurenje, nguo dzenyu hadzina kusakara, kunyange neshangu dzenyu dzamaiva makapfeka. Hamuna kudya chingwa kana kunwa waini kana zvimwe zvinodhaka. Ndakaita izvi kuti muzive kuti ndini Jehovha Mwari wenyu. Pamakasvika panzvimbo ino, Sihoni mambo weHeshibhoni naOgi mambo weBhashani vakauya kuzotirwisa, asi takavakunda. Takatora nyika yavo tikaipa kuvaRubheni, navaGadhi nokuhafu yorudzi rwaManase kuti ive nhaka yavo. Chenjerai kuti munyatsotevera mashoko esungano iyi kuitira kuti muzobudirira pazvinhu zvose zvamunoita. Imi mose nhasi makamira pamberi paJehovha Mwari wenyu, vatungamiri venyu navarume vose veIsraeri, pamwe chete navana venyu navakadzi venyu, navatorwa vanogara pamisasa yenyu vanokutemerai huni dzenyu uye vanokukuchererai mvura. Makamira pano kuti muite sungano naJehovha Mwari wenyu, sungano iyo Jehovha ari kuita nemi nhasi achiisimbisa nemhiko, kuti akusimbisei nhasi savanhu vake, kuti ave Mwari wenyu sezvaakavimbisa uye sezvaakapika kumadzibaba enyu, Abhurahama, naIsaka, naJakobho. Ndiri kuita sungano iyi, nemhiko yacho, kwete nemi chete, imi makamira nesu pano nhasi uno pamberi paJehovha Mwari wedu, asi navayawo vasiri pano nhasi. Imi pachenyu munoziva magariro atakaita muIjipiti uye namapfuuriro atakaita nomunyika dzatakafamba nemadziri parwendo kusvikira tasvika pano. Makaona pakati padzo zvifananidzo nezviumbwa zvinonyangadza zvamatanda namabwe, zvesirivha negoridhe. Muchenjerere kuti parege kuva nomurume kana mukadzi, mhuri kana rudzi pakati penyu nhasi vano mwoyo unotsauka kubva kuna Jehovha Mwari wenyu kuti vaende vachindonamata vamwari vendudzi idzodzo; chenjererai kuti pakati penyu parege kuva nomudzi unobereka muchetura unovava kudaro. Kana munhu akadaro akanzwa mashoko emhiko iyi, anozviropafadza uye naizvozvo agofunga kuti, “Ndichava norugare, kunyange ndikaramba ndichifamba nenzira yangu.” Izvi zvichauyisa njodzi panyika nyoro uye napanyika yakaoma. Jehovha haazombodi kumukanganwira; hasha dzake neshungu dzake zvichapisa pamusoro pomunhu uyo. Kutukwa kwose kwakanyorwa mubhuku iri kuchawira pamusoro pake, uye Jehovha achadzima zita rake kubva pasi pedenga. Jehovha achamutsaura iye ari oga kubva pamarudzi ose eIsraeri kuti amuise panjodzi, maererano nokutukwa kwose kwakanyorwa mubhuku iri romurayiro. Vana venyu, ivo zvizvarwa zvichazokuteverai uye navatorwa vachauya kubva kunyika dziri kure pavachazoona matambudziko achawira nyika uye nezvirwere zvaicharohwa nazvo naJehovha. Nyika yose inenge ichitsva nokuparadzwa nomunyu nesafuri, pasina zvakadyarwa, pasina zvinomeramo, pasina uswa nemiti zvinokuramo. Zvichaita sokuparadzwa kweSodhomu neGomora kana kuparadzwa kweAdhama neZebhoimi, idzo Jehovha akaparadza mukutsamwa kwake kunotyisa. Ndudzi dzose dzichabvunza dzichiti, “Ko, sei Jehovha akaita izvi kunyika iyi. Sei akatsamwa zvinotyisa kudai?” Zvino mhinduro yacho ichava yokuti, “Nemhaka yokuti vanhu vake vakasiya sungano yaJehovha, iye Mwari wamadzibaba avo, sungano yaakaita navo paakavabudisa kubva muIjipiti. Vakabva vakaenda vakandonamata vamwe vamwari uye vakavapfugamira, vamwari vavakanga vasingazivi, vamwari vaakanga asina kuvapa. Naizvozvo kutsamwa kwaJehovha kwakapisa pamusoro penyika iyi, zvokuti akauyisa pamusoro payo kutukwa kwose kwakanyorwa mubhuku iri. Mukutsamwa kunotyisa nehasha huru Jehovha akavadzura kubva munyika yavo akavarasira kune imwe nyika sezvazvakaita iye zvino.” Zvinhu zvakavanzika ndezvaJehovha Mwari wedu, asi zvinhu zvakaratidzwa ndezvedu isu navana vedu nokusingaperi, kuti tigotevera mashoko ose omurayiro uyu.

Dhuteronomi 29:1-29 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Ndiwo mashoko esungano yakarairwa Mosesi naJehovha, kuti aiite navana vaIsiraeri panyika yaMoabhu, kunze kwesungano yaakaita navo paHorebhu. Zvino Mosesi akadana vaIsiraeri vose, akati kwavari, “Makaona zvose zvakaitwa naJehovha pamberi penyu panyika yeIjipiti kuna Farao navaranda vake vose, nokunyika yake yose; miidzo iya mikuru yamakaona nameso enyu, nezviratidzo, nezvishamiso zviya zvikuru. Asi Jehovha haana kukupai mwoyo inoziva, nameso anoona, nenzeve dzinonzwa kusvikira nhasi. Ndakakutungamirirai murenje makore ana makumi mana; nguo dzenyu hadzina kukusakarirai, neshangu dzako hadzina kusakara patsoka dzako. Hamuna kudya chingwa, kana kunwa waini nezvinobata; kuti muzive kuti ndini Jehovha Mwari wenyu. Zvino makati muchisvika panzvimbo ino, Sihoni, mambo weHeshibhoni, naOgi, mambo weBhashani, vakauya kuzorwa nesu, tikavakunda; tikatora nyika yavo, tikaipa vaRubheni navaGadhi nehafu yorudzi rwaManase, kuti ive nhaka yavo. Naizvozvo chengetai mashoko esungano iyi, muiite, kuti mufare pazvose zvamunoita. “Mumire nhasi mose pamberi paJehovha Mwari, vatungamiriri venyu, namarudzi enyu, navakuru venyu, navatariri venyu, ivo varume vose vaIsiraeri, nepwere dzenyu, navakadzi venyu, navatorwa vako vari pakati pemisasa yako, kubva pavatemi vehuni dzako kusvikira kuvacheri vemvura yako; kuti upinde pasungano yaJehovha Mwari wako, napakupika kwake kwaanokupikira nhasi iye Jehovha Mwari wako; kuti akusimbise nhasi uve rudzi rwake, iye ave Mwari wako, sezvaakataura kwauri, uye sezvaakapikira madzibaba ako, Abhurahamu, naIsaka, naJakobho. Handiiti sungano iyi nokupika uku nemi moga; asi naivo vamire pano nesu nhasi pamberi paJehovha Mwari wedu, uye navasipo nesu nhasi; “(Nokuti munoziva kugara kwedu panyika yeIjipiti, nokufamba kwedu pakati pendudzi, dzamakapfuura pakati padzo; mukaona zvinonyangadza zvavo, nezvifananidzo zvavo zvamatanda nezvamabwe, nesirivha nendarama, zvakanga zviri pakati pavo;) kuti pakati penyu parege kuva nomurume, kana mukadzi, kana mhuri, kana rudzi, vano mwoyo unotsauka kuna Jehovha Mwari wedu nhasi, kuti vandoshumira vamwari vendudzi idzo; kuti pakati penyu parege kuva nomudzi unobereka zvinouraya negavakava; zvino kana achinzwa mashoko okupika uku, azvirumbidze pamwoyo wake, achiti, ‘Ndichava norugare, kunyange ndichifamba hangu noukukutu hwomwoyo wangu, kuti zvakanyorova nezvakaoma zviparadzwe pamwechete’; Jehovha haangamukanganwiri, asi nenguva iyo kutsamwa kwaJehovha neshungu dzake zvichapfungairira munhu uyo, nokutukwa kwose kwakanyorwa mubhuku iyi kuchamunamatira; Jehovha uchadzima zita rake pasi pokudenga. Jehovha uchamutsaurira zvakaipa zvose pakati pamarudzi ose aIsiraeri, kuti atukwe nokutuka kwose kwesungano yakanyorwa mubhuku iyi yomurayiro. Zvino rudzi runotevera, ivo vana venyu vachamuka pashure penyu, navatorwa vanobva kunyika iri kure, kana vachiona madambudziko enyika iyo, namatenda aicharwadziswa nawo naJehovha; uye kuti nyika yose isuferi, nomunyu, nokutsva, kuti haidyarwi, haimedzi, uye kuti uswa hahumerimo, sapakuparadzwa kweSodhoma neGomora, neAdhama neZebhoimu, aya maguta akaparadzwa naJehovha pakutsamwa kwake neshungu dzake; uye ndudzi dzose dzichati, ‘Jehovha wakaitira nyika iyo saizvozvo neiko? Kupisa kwokutsamwa uku kukuru kunoti kudiniko?’ Zvino vanhu vachati, ‘Nokuti vakasiya sungano yaJehovha Mwari wamadzibaba avo, yaakaita navo nguva yaakavabudisa panyika yeIjipiti; vakashumira vamwe vamwari, vakanamata kwavari, vamwari vavakanga vasingazivi, vavasina kupiwa naye’; naizvozvo kutsamwa kwaJehovha kwakamukira nyika iyi, kuti aituke nokutuka kwose kwakanyorwa mubhuku iyi. Jehovha akavadzipura panyika yavo nokutsamwa kwake neshungu dzake nehasha dzake huru, akavarashira kune imwe nyika, sezvazvakaita nhasi. “Zvinhu zvakavanzwa ndezvaJehovha Mwari wedu; asi zvinhu zvakaratidzwa pachena ndezvedu, isu navana vedu nokusingaperi, kuti tiite mashoko ose omurayiro uyu.

Dhuteronomi 29:1-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Iri ndiro bumbiro remitemo yechitenderano chakataurwa naTenzi kuna Mosesi kuti aitise vaIsiraeri naye munyika yavaMoabhu pamusoro pechimwe chitenderano chiya chaakavaitisa pagomo reHorebhu. Mosesi akadaidza vaIsiraeri vose akati kwavari, “Makazvionera pachenyu zvose zvakaitwa naTenzi munyika yeIjipiti kuna Farao navaranda vake vose munyika yake yose. Makazvionera nameso enyu zviedzo zvikuru nezviratidzo nezvishamiso zvikuru zviya. Kunyange pari nhasi Tenzi haasati akupai mwoyo wokunzwisisa kana maziso okuona nawo kana nzeve dzokunzwa nadzo. Ndakakutungamirirai kwamakore makumi mana murenje, mbatya dzenyu hadzina kubvaruka pamuviri penyu, shangu dzenyu hadzina kumbosakara mutsoka dzenyu. Hamuna kumbodya chingwa kana kumbonwa waini kana doro, kuti muzive kuti ndini Tenzi Mwari wenyu. Pamakasvika muno Sihoni mambo weHeshibhoni, naOgu mambo weBhashani, vakativinga kuzotirwisa, tikavakurira. Takavatorera nyika yavo tikaipa vedzinza raRubheni nevedzinza raGadhi nechikamu chevedzinza raManase kuti ive nhaka yavo. Naizvozvo nyatsochengetai zvose zvinorehwa muchitenderano ichi kuti zvikufambirei zvakanaka pane zvose zvamuchaita. “Nhasi uno imi mose mumire pano pana Tenzi Mwari wenyu muina vatungamiriri vamadzinza enyu navakuru vakuru venyu namakurukota enyu navanhurume vose vevaIsiraeri, navana venyu navakadzi venyu, navatorwa vagere nemi mumatendhe enyu, kusvikira kuna anokutemerai huni dzenyu naanokutekerai mvura. Nhasi uno maunganira kuzoita chitenderano pana Tenzi Mwari wenyu chaari kuda kuti atsidzirane nemi nemhiko kuitira kuti nhasi uno akuitei vanhu vake, iye achiva Mwari wenyu sokukutaurirai kwaakaita uye sokutsidzira kwaakaita madzitateguru enyu vana Abhurahamu naIsaki naJakobho. Handisi kuitisa chitenderano ichi imi moga, asi ndiri kuchiitisa vamwe vasati vava nesu pari nhasi navamire nesu pano pamberi paTenzi Mwari wedu nhasi uno. “Imi munoziva upenyu hwatakagara munyika yeIjipiti, nokupfuura kwatakaita nomundudzi dzavanhu vomunyika dzatakapfuura nadzo. Makazvionera zvinhu zvavo zviye zvisingadiwe zvazvo naMwari nezvifananidzo zvavamwari vavo vezvimiti navamabwe nevesirivha nevendarama zvavaiva nazvo. Chichenjerai kuti nhasi uno, pakati penyu pangadaro pakava nedzinza kana mhuri, kunyange murume kana mukadzi anoita mwoyo wokufuratira Tenzi Mwari wedu achindonamata vamwari vendudzi idzodzo. Pakati penyu pangadaro pakava nomudzi unobereka muchero womuchetura unovava unouraya. Munhu akadaro angati kana anzwa mazwi aya echitenderano ichi chakaitwa nemhiko otozvipa chikomborero nechomumwoyo achiti, ‘Zvose zvichandifambira zvakanaka, kunyange zvangu ndichizvitutumadza mukupanduka kwangu.’ Izvozvi zvichakusvitsai pakuti kana morangwa, mokukurwa mose vakanaka navakaipa. Tenzi haamboregerera munhu iyeyo, asi kutoti hasha dzaTenzi dzichamuvirukira. Majambwa ose aye akanyorwa mubhuku rino iri achamuwira. Tenzi achatsakatisa zita rake panyika pano. Pakati pamadzinza ose evaIsiraeri, Tenzi achamutsaurira nhamo yokuti awirwe nemajambwa ose omuchitenderano akanyorwa mubhuku rino iri romutemo. “Zvizvarwa zvenyu zvichaberekwa zvichatarisa pamwechete nomutorwa anobva pasi kwenyika, zvichiona nhamo nezvirwere munyika yenyu zvichange zvaunzwa naTenzi. Nyika yose ichatsva igosara yangova sarufa nomunyu chete isina chakadyarwamo isingamere chinhu, kana uswa zvahwo. Zvichangofanana nokuparadzwa kwakaitwa Sodhomu neGomora neAdhima neZebhoimu, maguta akaparadzwa naTenzi akatsamwa aine hasha. Heeka, ndudzi dzose dzevanhu dzichati, ‘Seiko Tenzi akaitira nyika iyoyi zvakadai? Ko kuviruka nehasha zvakadai kunorevei?’ Vanhu vachati, ‘Pamusana pokuti vakakanda pasi chitenderano chaTenzi Mwari wamadzibaba avo, chaakaita navo paainge achivaburitsa munyika yeIjipiti. Vakandonamata nokupfugamira vamwe vamwari, vamwari vavasingamboziva, vasina kumbovapa kana nhaka yenyika. Ndokusaka hasha dzaTenzi, dzakavirukira nyika iyoyi, akaita kuti majambwa akanyorwa mubhuku rino iri aiwire. Tenzi akabva avadzipura munyika yavo akatsamwa, aine hasha, akagumbuka zvikuru. Akandovakandira kune imwe nyikawo sezvazviri nhasi uno.’ “Zvinhu zvinenge zvakavanzika ndezvaTenzi Mwari wedu, asi zvakaburitswa pachena ndozveduwo navana vedu nokusingaperi kuti tichengete zvose zvinorehwa nomutemo uyu.

Dhuteronomi 29:1-29 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ndiwo mashoko esuŋgano yakarairwa Mosesi naJehova, kuti aiite naʋana ʋaIsraeri panyika yaMoabi, kunze kwesuŋgano yaakaita naʋo paHorebi. Ɀino Mosesi akaɗana ʋaIsraeri ʋose, akati kwaʋari: Makaʋona ɀose ɀakaitwa naJehova pamberi penyu panyika yeEgipita kunaFarao naʋaranda ʋake ʋose, nokunyika yake yose; miidzo iya mikuru yamakaʋona nameso enyu, neɀiratidzo, neɀishamiso ɀiya ɀikuru. Asi Jehova haana‐kukupai mŋoyo inoziʋa, nameso anoʋona, nenzeʋe dzinonzwa kuȿikira nhasi. Ndakakutuŋgamirirai murenje makore anamakumi manna; ŋguʋo dzenyu hadzinakukusakarirai, neshaŋgu dzako hadzina‐kusakara patsoka dzako. Hamunakudya ciŋgwa, kana kunwa waini neɀinoɓata; kuti muziʋe kuti ndini Jehova Mŋari wenyu. Ɀino makati muciȿika panɀimbo ino, Sihoni, mambo weHeshboni, naOgi, mambo weBashani, ʋakaʋuya kuzorwa nesu, tikaʋakunda; tikatora nyika yaʋo, tikaipa ʋaRubeni naʋaGadi nehafu yorudzi rwaManase, kuti iʋe nhaka yaʋo. Naiɀoɀo ceŋgetai mashoko esuŋgano iyi, muiite, kuti mufare paɀose ɀamunoita. Mumire nhasi mose pamberi paJehova Mŋari, ʋatuŋgamiriri ʋenyu, namarudzi enyu, naʋakuru ʋenyu, naʋatariri ʋenyu, iʋo ʋarume ʋose ʋaIsraeri, nepxere dzenyu, naʋakadzi ʋenyu, naʋatorwa ʋako ʋari pakati pemisasa yako, kubva paʋatemi ʋehuni dzako kuȿikira kuʋaceri ʋemvura yako; kuti upinde pasuŋgano yaJehova Mŋari wako, napakupika kwake kwaanokupikira nhasi iye Jehova Mŋari wako; kuti akusimbise nhasi uʋe rudzi rwake, iye aʋe Mŋari wako, seɀaakataura kwauri, ʋuye seɀaakapikira madziɓaɓa ako, Abrahama, naIsaka, naJakobo. Handiiti suŋgano iyi nokupika uku nemi moga; asi naiʋo ʋamire pano nesu nhasi pamberi paJehova Mŋari weɗu, ʋuye naʋasi’po nesu nhasi; (Nokuti munoziʋa kugara kweɗu panyika yeEgipita, nokufamba kweɗu pakati pendudzi, dzamakapfuʋura pakati padzo; mukaʋona ɀinonyaŋgadza ɀaʋo, neɀifananidzo ɀaʋo ɀamatanda neɀamabge, nesirveri nendarama, ɀakaŋga ɀiri pakati paʋo;) kuti pakati penyu parege kuʋa nomurume, kana mukadzi, kana mhuri, kana rudzi, ʋanomŋoyo unotsauka kunaJehova Mŋari weɗu nhasi, kuti ʋandoshumira ʋamŋari ʋendudzi idzo; kuti pakati penyu parege kuʋa nomudzi unoɓereka ɀinoʋuraya negaʋakaʋa; ɀino kana acinzwa mashoko okupika uku, aɀirumbidze pamŋoyo wake, aciti: Ndicaʋa norugare, kunyaŋge ndicifamba haŋgu noʋukukutu bgomŋoyo waŋgu, kuti ɀakanyoroʋa neɀakawoma ɀiparadzwe pamŋe cete; Jehova haaŋgamukaŋganwiri, asi neŋguʋa iyo kutsamŋa kwaJehova neshuŋgu dzake ɀicapfuŋgairira munhu uyo, nokutukwa kwose kwakanyorwa mubuku iyi kucamunamatira; Jehova ucadzima zita rake pasi pokuɗeŋga. Jehova ucamutsaurira ɀakaipa ɀose pakati pamarudzi ose aIsraeri, kuti atukwe nokutuka kwose kwesuŋgano yakanyorwa mubuku iyi yomurairo. Ɀino rudzi runoteʋera, iʋo ʋana ʋenyu ʋacamuka pashure penyu, naʋatorwa ʋanobva kunyika iri kure, kana ʋaciʋona maɗambudziko enyika iyo, namatenda aicarwadziswa nawo naJehova; ʋuye kuti nyika yose isurferi, nomunyu, nokutȿa, kuti haidɀarwi, haimedzi, ʋuye kuti ʋuswa habgumeri’mo, sapakuparadzwa kweSodoma neGomora, neAdma neZeboimi, aya maguta akaparadzwa naJehova pakutsamŋa kwake neshuŋgu dzake; ʋuye ndudzi dzose dzicati: Jehova wakaitira nyika iyo saiɀoɀo neiko? Kupisa kwokutsamŋa uku kukuru kunoti kuɗiniko? Ɀino ʋanhu ʋacati: Nokuti ʋakasiya suŋgano yaJehova Mŋari wamadziɓaɓa aʋo, yaakaita naʋo ŋguʋa yaakaʋaɓuɗisa panyika yeEgipita; ʋakashumira ʋamŋe ʋamŋari, ʋakanamata kwaʋari, ʋamŋari ʋaʋakaŋga ʋasiŋgaziʋi, ʋaʋasina‐kupiwa naye; naiɀoɀo kutsamŋa kwaJehova kwakamukira nyika iyi, kuti aituke nokutuka kwose kwakanyorwa mubuku iyi. Jehova akaʋadzipura panyika yaʋo nokutsamŋa kwake neshuŋgu dzake nehasha dzake huru, akaʋarashira kuneimŋe nyika, seɀaɀakaita nhasi. Ɀinhu ɀakaʋanzwa ndeɀaJehova Mŋari weɗu; asi ɀinhu ɀakaratidzwa pacena ndeɀeɗu, isu naʋana ʋeɗu nokusiŋgaperi, kuti tiite mashoko ose omurairo uyu.

Dhuteronomi 29:1-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)