Dhuteronomi 26:18-19
Dhuteronomi 26:18-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye Jehovha azvireva nhasi kuti imi muri vanhu vake, pfuma yake inokosha sezvaakavimbisa, uye kuti imi muchachengeta mirayiro yake. Ati achakukurisai kwazvo kupfuura ndudzi dzose dzaakaita pakurumbidzwa, napamukurumbira napakukudzwa kuti muve rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wenyu, sezvaakavimbisa.
Dhuteronomi 26:18-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
NaJehovha wakakupikisa iwe kuti uchava rudzi rwake chairwo, sezvaakakupikira, uye kuti uchachengeta mirairo yake yose; kuti akukurise kwazvo kupfuura ndudzi dzose dzaakaita, pakurumbidzwa, napamukurumbira, napakukudzwa; kuti uve rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wako, sezvaakataura.”
Dhuteronomi 26:18-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi abvumawo nhasi kuti imi ndimi vanhu vake chaivoivo sokukutaurirai kwaakaita uye kuti muchachengeta mitemo yake yose. Akati achakusimudzirai pamusoro pendudzi dzavanhu dzose dzaakasika. Muchakudzwa, zita renyu rigorumbidzwa, mugova nomukurumbira, imi mugova rudzi rutsvene rwaTenzi Mwari wenyu sokureva kwake.”
Dhuteronomi 26:18-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
NaJehova wakakupikisa iwe kuti ucaʋa rudzi rwake cairwo, seɀaakakupikira, ʋuye kuti ucaceŋgeta mirairo yake yose; kuti akukurise kwaɀo kupfuʋura ndudzi dzose dzaakaita, pakurumbidzwa, napamukurumbira, napakukudzwa; kuti uʋe rudzi rutȿene kunaJehova Mŋari wako, seɀaakataura.
Dhuteronomi 26:18-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)