Dhuteronomi 24:1-4
Dhuteronomi 24:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kana murume akawana mukadzi akasafadzwa naye nokuti awana chinhu chisina kufanira paari, akamupa rugwaro rwokumuramba, uye akamudzinga kubva mumba make, uye kana mushure mokunge abva mumba make akandowanikwa nomumwe murume, uye murume wake wechipiri akasamufarira, akamupa rugwaro rwokumuramba, uye akamudzinga kubva mumba make, kana kuti murume uyu akafa, ipapo murume wake wokutanga, akambomuramba, haabvumirwi kumuwana zvakare mushure mokunge asvibiswa. Izvozvo zvinonyangadza pamberi paJehovha. Musauyisa chivi pamusoro penyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu senhaka.
Dhuteronomi 24:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Kana murume akatora mukadzi, akamuwana, zvino akasafara naye, nokuti wawana chinhu chisina kufanira kwaari, unofanira kumunyorera rugwaro rwokumuramba, ndokuruisa muruoko rwake, ndokumubvisa mumba make. Zvino kana abuda mumba make, ungandowanikwa nomumwe murume. Kana murume uyuzve akamuvenga, akamunyorera rugwaro rwokumuramba, akamupa irwo muruoko rwake, akamubvisa mumba make, kunyange murume uyu akazofa, iye wakazomuwana, murume wake wokutanga, wakadeya kumubvisa, haangamuwanizve, zvaakasvibiswa; nokuti izvo zvinonyangadza Jehovha; haufaniri kutadzisa nyika, yaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ive nhaka yako.
Dhuteronomi 24:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Zvingaitike kuti murume oroora mukadzi ozowana chinhu chisingamufadzi maari nokuti anenge aona chinhu chisina kufanira maari, obva omupa mumaoko tsamba yegupuro achimudzinga pamba pake, kana akabvapo ondoroorwa nomumwe murume, murume iyeyo akasafadzwawo naye akamupawo mumaoko tsamba yegupuro achibva amudzinga pamba pake, kana kuti murume wacho ofa, pakadaro murume wake uya akatanga kumuramba haabvumirwi kudzokerana nomukadzi iyeyo anenge ambon'oreswa kudaro nokuti kudzokerana kwakadai marutsi chaiwo pana Tenzi. Usamboparamurana nechitadzo chakadai chinosvibisa nyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wako kuti ive yako.
Dhuteronomi 24:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kana murume akatora mukadzi, akamuwana, ɀino akasafara naye, nokuti wawana cinhu cisina‐kufanira kwaari, unofanira kumunyorera rugwaro rwokumuramba, ndokuruisa muruʋoko rwake, ndokumubvisa mumba make. Ɀino kana aɓuɗa mumba make, uŋgandowanikwa nomumŋe murume. Kana murume uyu ɀe akamuʋeŋga, akamunyorera rugwaro rwokumuramba, akamupa irwo muruʋoko rwake, akamubvisa mumba make, kunyaŋge murume uyu akazofa, iye wakazomuwana, murume wake wokutaŋga, wakaɗeya kumubvisa, haaŋgamuwani ɀe, ɀaakaȿiɓiswa; nokuti iɀo ɀinonyaŋgadza Jehova; haufaniri kutadzisa nyika, yaunopiwa naJehova Mŋari wako, kuti iʋe nhaka yako.
Dhuteronomi 24:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)