Dhuteronomi 16:13-16
Dhuteronomi 16:13-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Upemberere Mutambo waMatumba mazuva manomwe mushure mokunge wapedza kuunganidza zvawawana paburiro rako napachisviniro chako. Ufare kwazvo paMutambo wako, iwe, navanakomana vako navanasikana vako, varandarume vako navarandakadzi vako, navaRevhi vari mumaguta ako, uye navatorwa, nenherera nechirikadzi dzigere mumaguta enyu. Kwamazuva manomwe upemberere Mutambo kuna Jehovha Mwari wako panzvimbo ichasarudzwa naJehovha, nokuti Jehovha Mwari wako achakuropafadza mukukohwa kwako kwose nomubasa rako rose ramaoko ako, uye mufaro wako uchazadziswa. Katatu pagore varume vose pakati penyu vanofanira kuuya pamberi paJehovha Mwari wenyu panzvimbo iyo achasarudza: panguva yoMutambo weChingwa Chisina Mbiriso, noMutambo waMavhiki uye noMutambo waMatumba. Hapana munhu anofanira kuuya asina chaakabata pamberi paJehovha
Dhuteronomi 16:13-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Unofanira kutamba mutambo wamatumba mazuva manomwe, kana wapedza kuunganidza zvose zvapaburiro rako nechisviniro chako chewaini. Unofanira kufara pamutambo wako, iwe, nomwanakomana wako, nomwanasikana wako, nomuranda wako, nomurandakadzi wako, nomuRevhi, nomweni, nenherera, nechirikadzi, vari mukati mamasuo ako. Unofanira kutambira Jehovha Mwari wako mutambo mazuva manomwe panzvimbo ichatsaurwa naJehovha; nokuti Jehovha Mwari wako uchakuropafadza pazvibereko zvose zveminda yako, napamabasa ose amaoko ako, kuti ufare kwazvo. “Varume venyu vose vanofanira kuuya pamberi paJehovha Mwari wako katatu pagore panzvimbo yaachatsaura, pamutambo wechingwa chisina kuviriswa, napamutambo wamavhiki, napamutambo wamatumba; havafaniri kuuya pamberi paJehovha vasina chinhu.
Dhuteronomi 16:13-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Munofanira kuchengeta Mazuva Makuru aMatumba kwamazuva manomwe mapedza kupura nokusvina magirepisi enyu. Pembera uchifara pamazuva ako iwayo, iwe navanakomana vako navanasikana vako navaranda vako vechikadzi nevechirume pamwechete navaRevhi nenherera nechirikadzi vari mumaguta enyu. Mazuva manomwe ngaaperere mukupemberera Tenzi Mwari wako muri panzvimbo yaachasarudza nokuti Tenzi Mwari wako achakukomborera pane zvaunokohwa zvose nebasa rose ramaoko ako, mugonyatsofara zvenyu. “Vanhu venyu vose vechirume vanofanira kuuya kuna Tenzi Mwari wenyu katatu pagore, kunzvimbo yaachasarudza. Ngavauye paMazuva eChingwa Chisina Mbiriso, napaMazuva Makuru aMavhiki oKupemberera Kukohwa napaMazuva Makuru aMatumba. Hapana anouya akangobata maoko chete.
Dhuteronomi 16:13-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Unofanira kutamba mutambo wamatumba mazuʋa manomŋe, kana wapedza kuʋuŋganidza ɀose ɀapaɓuriro rako neciȿiniro cako cewaini. Unofanira kufara pamutambo wako, iwe, nomŋanakomana wako, nomŋanasikana wako, nomuranda wako, nomurandakadzi wako, nomuRevi, nomŋeni, nenherera, necirikadzi, ʋari mukati mamasuʋo ako. Unofanira kutambira Jehova Mŋari wako mutambo mazuʋa manomŋe panɀimbo icatsaurwa naJehova; nokuti Jehova Mŋari wako ucakuropafadza paɀiɓereko ɀose ɀeminda yako, napamaɓasa ose amaʋoko ako, kuti ufare kwaɀo. Ʋarume ʋenyu ʋose ʋanofanira kuʋuya pamberi paJehova Mŋari wako katatu pagore panɀimbo yaacatsaura, pamutambo weciŋgwa cisina‐kuʋiriswa, napamutambo wamaviki, napamutambo wamatumba; haʋafaniri kuʋuya pamberi paJehova ʋasinecinhu.
Dhuteronomi 16:13-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)