Dhuteronomi 16:11
Dhuteronomi 16:11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye ufare pamberi paJehovha Mwari wako panzvimbo yaachasarudza kuti Zita rake rigarepo, iwe, navanakomana vako navanasikana vako, varandarume vako navarandakadzi vako, navaRevhi vari mumaguta ako, uye navatorwa, nenherera nechirikadzi dzigere pakati penyu.
Dhuteronomi 16:11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Unofanira kufara pamberi paJehovha Mwari wako, iwe nomwanakomana wako, nomwanasikana wako, nomuranda wako, nomurandakadzi wako, nomuRevhi uri mukati mamasuo ako, nomweni, nenherera, nechirikadzi, vagere pakati pako, panzvimbo ichatsaurwa naJehovha Mwari wako, kuti agarise zita rakepo.
Dhuteronomi 16:11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pembera uchifara pana Tenzi Mwari wako panzvimbo yaakasarudza kuisa zita rake iwe navana vako vakomana navasikana, nomuranda wako wechikadzi newechirume nomuRevhi agere muguta rako, nomutorwa nenherera nechirikadzi vari pakati penyu.
Dhuteronomi 16:11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Unofanira kufara pamberi paJehova Mŋari wako, iwe nomŋanakomana wako nomŋanasikana wako, nomuranda wako, nomurandakadzi wako, nomuRevi uri mukati mamasuʋo ako, nomŋeni, nenherera, necirikadzi, ʋagere pakati pako, panɀimbo icatsaurwa naJehova Mŋari wako, kuti agarise zita rake’po.
Dhuteronomi 16:11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Pembera uchifara pana Tenzi Mwari wako panzvimbo yaakasarudza kuisa zita rake iwe navana vako vakomana navasikana, nomuranda wako wechikadzi newechirume nomuRevhi agere muguta rako, nomutorwa nenherera nechirikadzi vari pakati penyu.